Nziyo 59 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi, imbisa saUsaparadze, rwiyo urwu rwaDhavhidhi rwenhetembo yapanguva iya Sauro paakatuma vanhu kundogaririra pamba paDhavhidhi kuti amuuraye.Kukumbira kuchengetedzwa

1Ndinunureiwo Mwari kuvavengi vangu.

Ndidzivirireiwo kune vari kundimukira.

2Ndinunureiwo kuvaiti vezvakaipa,

ndiponeseiwo kuvanhu vanofarira

kudeura ropa.

3Nokuti tarisai muone

vanondihwandira vachida kundiuraya.

Varume vanotyisa vanoita chirwirangwe

kundirwisa

pasina kukanganisa kana kutadza

kwandaita, TENZI.

4Pasina mhosva yandaita

vanomhanya kundogadzirira.

Simukai muuye kuzondibatsira, muone zvenyu.

5Imi TENZI Mwari wehondo nehondo

ndimi Mwari weIsiraeri.

Simukai murange marudzi ose;

musararamise kana mumwechete

waavo vanoita bangano rakaipa.

Dzepfunde.

6Manheru oga oga vanodzoka

vachihuhudza sembwa

vachipota naro guta.

7Ipapo vachihon'a nemiromo yavo

vaina mazwi anobaya mwoyo pamiromo yavo

nokuti vanoti, “Ndiani angatinzwe.”

8Asi imi TENZI munovaseka zvenyu

munoshora vechirudzi vose.

9Imi, simba rangu, ndinotarisa kwamuri

nokuti imi Mwari ndimi nhare

yandinozvidzivirira nayo muhondo.

10Mwari, nemwoyochena wake, achandichingura.

Mwari wangu achaita kuti

nditarise vavengi vangu vakundwa.

11Regai kubva mavauraya

vanhu vokwangu vangakanganwe;

vadzungaidzei nesimba renyu

mozovawisira pasi, TENZI, nhowo yedu.

12Pamusana pechitadzo chemiromo yavo

chavakataura nemiromo yavo,

ngavakachikirwe nokuzvikudza kwavo

nokuda kwokurengerera kwavo vamwe rushambwa

nokureva nhema kwavanoita,

13vaparadzei nehasha;

vaparadzei zvokusazovapozve

kuti vanhu vazive kuti Mwari

ndiye anotonga vokwaJakobho

kusvikira kwakagumira nyika.

Dzepfunde.

14Manheru oga oga vanodzoka

vohuhudza sembwa

vachipota naro guta

15vanodzengerera vachitsvaka chokudya

vachihon'a kana vasina kuguta.

16Asi ini ndinoimba ndichirumbidza simba renyu.

Ndichaimba ndichidaidzira ndichirumbidza

mwoyochena wenyu mangwanani

nokuti imi ndimi manga muri nhare yandinozvidzivirira

nayo muhondo

uye diziro rangu panguva yenhamo.

17Imi simba rangu ndichaimba ndichikurumbidzai

nokuti imi Mwari ndimi nhare yandinozvidzivirira

navo muhondo.

Mwari anondiitira mwoyochena.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help