Zvakaratidzwa 11 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zvapupu zviviri

1Ndakapiwa karutanda kokueresa kanenge mudonzvo ndikanzi,

“Simuka uyere Temberi yaMwari neatari

uverengewo vanonamatamo.

2Asi usayere chivanze chiri kunze kweTemberi,

siya chakadaro,

nokuti chakapiwa kune vechirudzi

vachatsikatsika guta rinoera guta rinoera

kwemwedzi makumi mana nemiviri.

3Ndichapawo simba kuzvapupu zvangu zviviri

kuti zviporofite kwamazuva

churu namazana maviri ana makumi matanhatu

vakapfeka masaga.”

4Ivava ndivo miorivhi miviri

nezvigadzikiro zviviri zvemwenje

zviri pamberi patenzi wapasi.

5Kana munhu akavakuvadza,

moto uchabva mukanwa mavo

uchiroromesa vavengi vavo.

Kana munhu akavakuvadza anouraiwa.

6Vane simba rokupfiga denga

kuti mvura irege kunaya

pamazuva ukuporofita kwavo.

Vane simba pamusoro pemvura

rokuipindura kuva ropa

uye rokurova nyika namatenda

pavanenge vangodira zvavo.

7Pavanopedza uchapupu hwavo

chikara chiya chinobuda

mugomba risina parinoperera

chichavarwisa chigovakurira chigovauraya.

8Zvitunha zvavo zvichati rakata

mumugwagwa weguta guru,

rinonzi namadimikira,

Sodhomu kana kuti Ijipiti

makarovererwa Tenzi wavo pamuchinjikwa.

9Kwamazuva matatu ane chidimbu

vanhu vanobva muvanhu vose

nomumadzinza nomundimi nomumarudzi

vachatarisa zvitunha zvavo

vachiramba kuti zvivigwe muguva.

10Vanogara panyika vachafara vachipembera,

vachitopana zvipo nokuti vaporofita vaviri ava

vachange vaonesa vagari vapanyika ndondo.

11Asi mushure memazuva aya matatu ane chidimbu

mweya woupenyu unobva kuna Mwari

uchavapinda vachizomira namakumbo avo

kutya kukuru kuchizowira vanovaona.

12Vakazonzwa izwi guru

richibva kudenga richivati,

“Kwirai kuno.”

Vakakwira kudenga vari mugore

vavengi vavo vakatarisa.

13Panguva iyo pakava nokundengendeka kukuru

chikamu chavanhu chimwechete pazvikamu gumi zvakaenzana

chakati rakata pasi.

Vanhu vaisvika zviuru zvinomwe

vakauraiwa mukundengendeka kwapasi

vamwe vose vakabatwa nokutya

vakapa mbiri kuna Mwari wedenga.

Bhosvo rechinomwe

14Dambudziko rechipiri ndipo parinoperera pano.

Dambudziko rechitatu riri kuuya iye zvino.

15Mutumwa wechinomwe akaridza bhosvo rake

kukava namazwi okudaidzira mudenga

aiti, “Umambo hwapasi hwava humambo

hwaTenzi naMesia wake.

Achatonga narini narini.”

16Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya

vagere pazvigaro zvavo zvoumambo

vakati kota kota nouso pamberi paMwari

vachinamata Mwari

17vachiti,

“Tinokutendai Tenzi Mwari Samasimbaose.

Imi muripo, makanga muripo

kuti makatora ukuru hwenyu mukatangisa kutonga.

18Vechirudzi vakaita bope asi makavavirukira nehasha

uye nguva yokutongwa kwavakafa

neyokupa mubayiro kuvaranda venyu,

vaporofita navatsvene navanotya zita renyu

vakuru navadiki yasvika,

nguva yokuparadza mharadzi dzapasi.”

19Temberi yaMwari yokudenga yakazarurwa

Bhokisi rake reChitenderano

rakaonekwa muTemberi make

pakavaima mheni, pakadhirima,

mheni ikadhiriridza

pakaita kundengendeka kwapasi

nechivhuramahwe chakawanda.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help