Judhisi 13 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Kuzoti ava mauro chaiwo, varanda vake vakachimbidza kubva, Bhagoa ndokuzarira tendhe iroro nechokunze achipfigirawo vaimushandira kunze vakanga vasarira pana tenzi wavo, vakaenda kundorara nokuti vakanga vaneta pamusana pokuti mabiko akanga atora nguva ndefu.

2Saizvozvo Judhisi akasiyiwa ava oga mutendhe imomo naHorofenesi. Izvozvo Horofenesi akanga akati pamubhedha pake rabada, waini yamukunda.

3Zvino Judhisi akanga afanoudza murandasikana wake uya kuti andomira ari kunze kwetendhe rokurara achimumirira kuti abude sezvaaingoita mazuva ose nokuti akanga ati achabuda oenda kundonamata akanga ataurirawo Bagoa zvimwechetezvo.

4Sokudaro vanhu vose vakabuda panze. Hapana mukuru kana mudiki zvake akasara ari mokurara macho. Zvino Judhisi amire pedyo nomubhedha waHorofenesi akazviti nechomumwoyo,

“Tenzi Mwari wamasimba ose panguva ino, ndicheukeiwo

mundiyamure zvandava kuita namaoko angu

kuti Jerusaremu ive nomukurumbira mukuru kwazvo.

5Ino ndonguva yacho yokuti muchibatsira nhaka yenyu

nokuita zvandakafambira

zvokuparadza vavengi vakatimukira.”

6Ndokubva aenda kumusoro kwomubhedha pedyo nomusoro waHorofenesi ndokuturunura zibanga rake raiva rakaturikwapo.

7Akasvika pedyo pedyo nomubhedha wake ndokubata vhudzi ndokuti, “Ndipeiwo simba nhasi uno Tenzi Mwari weIsiraeri.”

8Akazamurira chaizvo nesimba rake rose kaviri ndokumudimura musoro.

9Akabvisa mutumbi wake pamubhedha akaukungurutsira pasi ndokurigira pasi kadenga kawo kaya achikabvisa pamapango ako aikamisa mumakumbo omubhedha wacho. Akamboita chinguva arimo ndokuzobuda ndokupa musoro waHorofenesi kune muranda wake uya.

10Iye ndokuuisa muhomwe yake iya yembuva.

Vakabuda kunze vose vari vaviri sezvavaigaroita vachindonamata. Vakapfuura nomumusasa wamatendhe vakafamba vachitevedza nokumucheto kwebani vakakwira mugomo voenda kuBheturia vakandosvika pamisuo mikuru yaro.

11Judhisi akadaidzira achiri chinhambwe kuvagariri vapasuo guru achiti, “Zarurai, zarurai musuo! Mwari, Mwari wedu achinesu kuti aratidze masimba ake muIsiraeri uye simba rake kune vanotivenga sezvaaita nhasi uno.”

12Varume vomuguta rokwake iri pavakanzwa izwi raJudhisi, vakamhanyidzana kusuo guru reguta vakakokorodza vakuru vakuru veguta iri.

13Vakabva vati vose piti piti kuungana vakuru navaduku nokuti hapana aigona kuzvibvuma kuti adzoka here zvechokwadi. Vakazarura Suo Guru ndokuvagamuchira vose vari vaviri. Vakabatidza moto wokuonesa, ndokubva vaunganidzana pavari.

14Judhisi ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti,

“Mwari ngaarumbidzwe, ngaarumbidzwe!

Ngaarumbidzwe Mwari asina kuramba kuitira tsitsi

imba yaIsiraeri, asi aparadza mhandu dzedu

noruoko rwangu ihwo usiku hwanhasi uno.”

15Ndopaakaburitsa musoro uya muhomwe yake ovaratidza achiti, “Tarisai muone musoro waHorofenesi uyu, mutungamiri mukuru wehondo yavaAsiria. Aka ndiko katara kapamusoro pomubhedha wake waanga arere akadhakwa. Tenzi vamuriga noruoko rwomunhukadzi.

16Ndinopika naMwari mupenyu akandidzivirira panzira yandakafamba nayo. Uso hwangu ndihwo hwakamunyengedza hukamupinza mukuparadzwa asi haana kana kumboita chakaipa neni chokundin'oresa kana chokundifumura nacho.”

17Vanhu vose vakashamiswa zvikuru kwazvo vakati pasi kota–kota vakapfugamira Mwari nomwoyo mumwechete vachiti,

“Tinokurumbidzai Mwari wedu

imi maita kuti vavengi vavanhu venyu

vapinde mukuzvidzwa nhasi uno.”

18Uziya akabva ati kuna Judhisi,

“Mwanangu!

Wakakomborerwa naMwari Wokumusorosoro

kupfuura vakadzi vose pasi pano.

Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari,

Musiki wedenga napasi

akakutungamirira kurova musoro chaiwo

womutungamiriri wacho wavavengi vedu.

19Chitarisiro chako

hachimbofa chakabuda vanhu mumwoyo,

pavanorangarira simba raMwari.

20Dai Mwari angokuita waro kuti naizvozvi izvi

urumbidzwe nokusingaperi.

Dai angokushanyira namakomborero

nokuti wakaita zvokubatira ura mumaoko

rudzi rwedu parwakanga rwazvidzwa.

Wakatsividza kuparadzwa kwedu

uchitevedza gwara rakati twasu pamberi paMwari.”

Vanhu vose ndokuti,

“Ndizvozvo! Ngazvive saizvozvo!”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help