1 Johani 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

3 Unofanira kuchenjerera mhandu dzaKristu nenyika

1Vadikanwi regai kungotenda mweya wose wose,

asi edzai mweya iyoyo

muone kuti inobva kuna Mwari here

nokuti vaporofita venhema vazhinji

vapararira nenyika.

2Zvamunoziva nazvo Mweya waMwari ndezvizvi:

Mweya wose unopupura kuti,

Jesu Kristu akauya nomuviri, ndowaMwari.

3Mweya wose usingapupuri izvozvi nezvaJesu, hausi waMwari.

Uyu ndiwo mweya wemhandu yaKristu

wamakambonzwa kuti uri kuuya

iye zvino watova pasi pano.

4Vanangu imi muri vanhu vaMwari,

imi makatovakurira

Nokuti iye ari mamuri

mukuru kupinda satani ari pasi pano.

5Ivo ndevepasi pano

naizvozvo zvavanotaura ndezvapasi pano

uye nyika inovateerera.

6Isu tiri vanhu vaMwari,

anoziva Mwari anotiteerera,

asiri waMwari haatiteereri.

Izvozvi ndizvo zvinotiratidza

mweya wechokwadi nomweya usiri wechokwadi.

III: MATSIME MAVIRI: RUDO NECHITENDEROI Tsime rokutanga, tsime rerudo—Mwari rudo

7Vadikanwi ngatidananei

nokuti rudo runobva kuna Mwari.

Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari

uye anoziva Mwari.

8Asina rudo haazivi Mwari

nokuti Mwari rudo.

9Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu

nezvizvi zvokuti

Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete

pasi pano kuti tiraramiswe naye.

10Urwu ndirwo rudo sezvarwuri izvi

kwete rwokuti isu ndisu takada Mwari

asi rwokuti iye ndiye akatida.

Akatitumira Mwanakomana wake

kuti ave chibayiro chokupfupira zvitadzo zvedu.

11Vadikanwi, kana Mwari akatida zvakadai

isuwo tinofanira kudanana.

12Hapana munhu ati amboona Mwari

asi kana tichidanana,

Mwari anogara matiri

uye rudo rwake matiri

runobva rwazadziswa zvokuperera.

13Zvatinoziva nazvo kuti tigere takabatana naMwari

uye kuti Mwari agere abatana nesu

ndezvizvi zvokuti iye akatipa Mweya wake.

14Isuwo takaona uye tinopupura

kuti Baba vakatuma mwanakomana wavo

somununuri wapasi.

15Munhu wose anopupura

kuti Jesu Mwanakomana waMwari,

Mwari anogara maari iye anogarawo muna Mwari.

16Saizvozvo tinoziva uye tinotenda

murudo rwaMwari kwatiri.

Mwari rudo; munhu anogara murudo

anogarawo muna Mwari

Mwariwo anoramba ainaye.

17Muna izvozvi, rudo runobva rwazadzikiswa zvokuperera matiri

kuti tive neruvimbo

pamusi wokutongwa,

nokuti zvaari ndizvowo zvatiri pasi pano.

18Pane rudo hapana kutya

uye rudo rwakaperera runodzinga kutya

nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa.

Munhu anotya kurangwa

rudo rwake haruna kuperera.

19Isu tine rudo nokuti akatanga kutida.

20Kana munhu achiti anoda Mwari

asi achivenga mumwe wake, munyepi

nokuti asingadi mumwe wake waanoona,

haangakwanisi kuda Mwari waasati amboona.

21Mutemo watinawo unobva kwaari ndouyu unoti:

Munhu anoda Mwari

anofanirawo kuda mumwe wake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help