2 Vanamakabhi 8 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

V: KUKURIRA KWAKAITA VAJUDHA VAVENGI VAVOKufa kwamambo Andiokusi. Kuchenurwa kweTemberiMukurumbira waJudhasi Makabheusi wokurwisa vavengi vavaJudha

1Asi Judhasi ainziwo Makabheusi pamwechete navamwe vake vakapinda mumisha zvechivande vachidaidza hama dzavo vachinyora mazita avanhu vakanga varamba vakasimbira kuchitendero chechiJudha nokudaro vakaunganidza varume vaikarosvika zviuru zvitanhatu.

2Vakateterera kuna Mwari kuti acheuke vanhu vakanga vadzvinyirirwa kumativi ose kuti anzwirewo tsitsi Temberi yakanga yan'oreswa navanhu vasingatyi Mwari,

3uye kuti aitirewo ngoni guta iroro rakanga riri mukuparadzwa rava kutoda kusiyiwa rawondomorerwa pasi uye kuti ateerere kuropa rakadeurwa raichema kwaari

4uyewo kuti arangarirewo umharadzi husina mutemo hwokuuraya pwere dzisina mhosva nokushonha kwaiitwa zita rake uye kuti aratidze kuvenga kwaanoita uipi.

5Makabheusi paakangopedza kuronga hondo yake, vechirudzi havana kuzokwanisa kumirisana naye pamusana pokuti hasha dzaTenzi dziye dzakanga dzasanduka zvino dzava tsitsi.

6Aiyerekana asvika opisa nomoto misha namaguta. Akakurira nzvimbo dzehondo dzinokosha achidzitora achitandanisa vavengi vakawanda.

7Aiona kuti nguva dzousiku ndidzo dzaiva dzakamunakira kwazvo kuti arwise saizvozvo, mukurumbira wougamba hwake hwakatekeshera kwese kwese.

Kutumwa kwaNikanori kundorwisa vaJudha

8Pakaona Firipi kuti munhu uyu ava kungoramba padiki padiki achidzika midzi uye kuti akanga achitopfuurira nezvaaiita achingobudirira, akabva anyorera kuna Toremi gavhuna weKoeresiria neFonikia kuti azoyamura hurumende yamambo uyu.

9Zvino Toremi akabva angosarudza pakarepo Nikanori, mwanakomana waPatirokirusi mumwe weshamwari dzamambo dzapamwoyo akamutuma somutungamiriri wavarwi vaitopfuura makumi maviri ezviuru zvavanhu vechirudzi vamarudzi ose kundotsakatisa rudzi rwose rwechiJudha. Akamuti aperekedzane naJojiasi mumwe mutungamiriri mukuru wehondo, aiva munhu agara nebasa rokurwa hondo.

10Nikanori akaisa mwoyo pane zvokuwanira mambo mutero waifanira kuterwa kuvaRoma wemari yesirivha inoita matani makumi matanhatu ana matani masere kurema achiiwana nokutengesa kuutapwa vaJudha vainge vatapwa.

11Pakarepo akabva atotumira shoko kumaguta okumahombekombe kwegungwa rokuvakoka kuzotenga varanda vechiJudha achivimbisa kuti aizotengesa makumi mapfumbamwe enhapwa nemari yesirivha inoita makumi matatu emakirogiramu ane makirogiramu mana asingambotarisira kuti chirango chaSamasimbaose chakanga chava pedyo nokutomuwira.

Judhasi anokurudzira vokwake

12Runyerekupe rwokupinda kwaNikanori nehondo munyika imomo rwakasvika munzeve dzaJudhasi.

13Paakaudza vamwe vake nezvokusvika kwehondo yavarwi iyoyo, mbwende navakanga vasingavimbe noruenzaniso rwaMwari vakatiza vakabva vaenda.

14Vamwe vakatengesa zvinhu zvavo zvose zvavakanga vasara nazvo, nguva imwecheteyo vachiteterera kuna Tenzi kuti anunure vanhu vakanga vatengeswa naNikanori munhu asingatyi Mwari wokuvatengesa uya asati atomboonana navo.

15Kunyange zvazvo kusiri kuitira vanhu ivavo pachavo asi kuti avanunure achiitira zvitenderano zvaakaita namadzibaba avo uyewo pamusana pokuti akanga avadaidza nezita rake rinoera rino mukurumbira.

16Asi Makabheusi akakokorodza varwi vake, vose pamwechete vakaita zviuru zvitanhatu zvavanhu. Akavakurudzira kuti varege kutyiswa nomuvengi uye kuti varege kutya gurusvusvu guru revechirudzi vakanga vaipa mwoyo kuvavinga. Asi kutoti varwe samagamba chaiwo

17varambe vakangotarisana noupenzi hwakanga hwaitwa husina mutemo hwokumukira Nzvimbo Inoera nokurwadziswa kweguta rakanga rashorwa uyewo nokukandiswa pasi kwavaJudha mugariro wamadzitateguru avo.

18Akati, “Ndinodaro nokuti ivo vanovimba nezvombo zvehondo nezviito zvoushingi, asi isu tinovimba naMwari Samasimbaose, anogona kuuraya nokungogutsurira kamwe koga vose vanenge vativinga kunyange ikava nyika yose zvayo.”

19Akavataurirawo nezvenguva dzakamboyamurwa madzitateguru avo vose nguva dzaSenakeribhu pakaparara zana namakumi masere ezviuru ane zviuru zvishanu zvavanhu

20nezvenguva iya yakarwiwa hondo navaGaratia yakarwiwa kuBhabhironi pakapinda zviuru zvisere zvose zvavarwi munyaya idzodzi vakamirisana nezviuru zvina zvavarwi vokuMasedhonia. Hondo payakanga zvino yaipira vechiMasedhonia, zviuru zvisere zviya norubatsiro rwakabva kudenga vakaparadza vanhu zviuru zana namakumi maviri vakatora zvinhu zvakawanda zvokupamba.

Kukurirwa kwaNikanori pamwechete nehondo yake

21Judhasi akavasoka chivindi chaicho namazwi iwaya akavaita kuti vave vanozvipira kufira mitemo yavo nenyika yavo. Akazokamuranisa hondo yake yavarwi muzvikwata zvina.

22Akasarudza vakomanavanun'una vake vanaSimoni naJosefi naJonatani kuti mumwe nomumwe wavo atungamirire chikwata chavarwi, achiisa chiuru chimwechete chavarwi china mazana mashanu muchikwata choga choga.

23Akasarudzawo Ereazari kuti averenge mubhuku rinoera zvinonzwika akabva avapa mazwi okukudza nawo vanhu okuti, “Rubatsiro rwaMwari.” Akatungamirira chikwata chokutanga iye pachake ndokubva atangisa kurwisa Nikanori.

24Pamusana pokuti Samasimbaose aiva kurutivi kwavo, vakauraya zvuru zvipfumbamwe zvavavengi vavo. Vakakuvadzawo nokuremadza vazhinji kwazvo vehondo yokwaNikanori vakavamanikidza vose kutiza.

25Vakatorera mari vanhu vakanga vauya kuzovatenga savaranda. Vakambovadzingirira kwechinhambwe chakati kuti ndokubva vazodzoka vaonawo zvavo kuti nguva dzakanga dzaendedzana.

26Pamusana pokuti zuva iroro raiva zuva rinotangira Sabata ndokusaka vakarega kuramba vachidzingirira.

27Kuzoti vaunganidza zvombo zvehondo zvomuvengi vakavatorera zvinhu zvavo vachivatorera, vakazochengeta Sabata vachitenda Tenzi vachimurumbidza zvikuru kwazvo, iye akanga avachengetedza zuva iroro akaripawo kwavari sokuturuka kwengoni.

28Pakapera Sabata vakapa zvimwe zvavakanga vapamba kuna vaya vakanga vamborwadziswa vaye nokuchirikadzi nenherera. Vakagoveranawo zvimwe zvose zvakanga zvasara ivo vakare navana vavo.

29Pavakaita izvozvi vakazoita munamato pamwechete vakateterera kuna Tenzi wengoni kuti anyatsoyanana navaranda vake.

Kukurira kwakaita Judhasi Timoti naBhakidhesi

30Mukurwisana kwakaita varwi vaJudhasi nehondo dzaTimoti naBhakidhesi, vakauraya varwi vekwavo vanopfuura makumi maviri ezviuru, vakakurira vachitora dzimwe nzvimbo dzokuzvidzivirira nadzo muhondo dzapamusorosoro kwazvo. Vakagovana zvavo zvinhu zvizhinji zvokupamba vachipa kune vaya vakambooneswa nhamo. Vakapawo kunherera nokuchirikadzi nokuna vakanga vakwegura migove yakanga yakangoenzanawo neyavo.

31Vakaunganidza zvombo zvehondo zvomuvengi vakanyatsozvirongedza zvose munzvimbo dzehondo dzinokosha zvimwe zvokupamba zvacho zvose vakaenda nazvo kuJerusaremu.

32Vakauraya mumwe mutungamiriri wezvikwata zvehondo yaTimoti, aiva munhu akan'oresesa kwazvo, munhu akanga aonesa vaJudha nhamo huru kwazvo.

33Pavakanga vachipemberera kukurira ikoku muguta ramadzibaba avo, vakapisa vaya vakanga varoromesa misuo mikuru inoera vanaKarisitanesi navamwewo vakanga vatizira mune kamwe kamba kadiki nezvo ivava ava vakazviwanira mubayiro wokushayira Mwari hanya.

Kutiza kwaNikanori nokupupura kwake

34Nikanori, munhu worushambwa rwakapetwa katatu uya akambenge aunza churu chavanhu vokuzotenga vaJudha,

35akaninipiswa nevaipikisana naye vaakanga achiona savanhu vasina maturo, izvozvi zvakaitwa norubatsiro rwaMwari. Akakutunura mbatya dzake dzoukuru ukuru akaenda ava oga oga somuranda. Akatiza odimura nyika kusvikira kuAndioku. Izvozvo chikuru chaicho chaakanga atogonawo kuita kuparadzwa kwehondo yake.

36Saizvozvo munhu akambenge azvipa basa rokuwanira vaRoma mutero nokutapa vanhu veJerusaremu, akazenge oti vaJudha vane Mudziviriri wavo, uye kuti naizvozvo vakanga vari vanhu vasingakurirwi pamusana pokuti vanotevedza mitemo yaakatema iye.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help