Nziyo 78 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Nhetembo yaAsafu.Chidziidzo chinobva kunhoroondo yavaIsiraeri

1Teererai vanhu vangu

kune zvandinokudzidzisai,

rerekerai nzeve dzenyu kumazwi

omuromo wangu.

2Ndichazarura muromo wangu nomufananidzo

ndichataura madimikira akadzama

apasichigare,

3zvinhu zvatakanzwa zvatinoziva,

zvatakaudzwa namadzitateguru edu.

4Hatingazvivanziri vana vavo,

asi tinozvitaurira zvizvarwa zvinotevera,

zviito zvaTENZI nesimba rake

nezvishamiso zvaakaita.

5Akadzika mutemo maJakobho

akatema mutemo muIsiraeri

yaakati madzibaba edu

adzidzise vana vavo

6kuitira kuti chizvarwa chinotevera

chizvizive, ichocho chichazvarwa

chimuke chizotaurirawo vana vacho

7kuti vaise chivimbo chavo muna Mwari

varege kukanganwa mabasa aMwari,

asi kuti vachengete mitemo yake

8uye kuti varege kuita samadzibaba avo

vaiva tsvuuramuromo nechizvarwa chakapanduka,

vaiva chizvarwa chisina kugadzana mwoyo,

vakanga vasina mweya wokutendeka kuna Mwari.

9VokwaEfuremu vaive vakapakata

miseve nouta,

vakadzokera shure pazuva rehondo.

10Havana kuchengeta chitenderano chaMwari.

Vakatoramba kutevera mutemo wake.

11Vakakanganwa zvaakanga aita

uye zvishamiso zvaakanga avaratidza.

12Akaita minana pamberi

pamadzitateguru avo

munyika eIjipiti,

mumasango okuZoani.

13Akaganhura gungwa

akavapfuudza nomo

akamisa mvura kuita murwi.

14Kumasikati aivatungamirira negore,

usiku hwose aivatungamirira

nerimi romoto.

15Akatsemura matombo murenje

akavapa mvura yokunwa yakawanda

sokunge yaibva pasi pasi chaipo.

16Akaburitsa tukova mudombo

akaita kuti mvura iyerere sehova.

17Asi vakatoramba vachimutadzira

vachipandukira wokumusorosoro murenje.

18Vakaedza Mwari mumwoyo yavo

nokuramba vachingokumbira

chokudya chavaipanga.

19Vakapopotera Mwari vachiti,

“Mwari angaisire vanhu chokudya

pamberi pavo murenje here?

20Akarova dombo wani

mvura ikapozhoka,

tukova tukafashukira.

Angakwanise kupa chingwa here

kana kupa vanhu vake nyama?”

21Naizvozvo TENZI paakazvinzwa

akazara nehasha.

Akatungidza Jakobho nemoto.

Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri

22nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari,

havana kuvimba nesimba rake rokununura.

23Zvakadaro zvazvo

akataurira matenga kumusoro

akazarura makonhi okudenga.

24Akavanaisira mana kuti vadye

akavapa chingwa chokudenga.

25Vanhu vakadya chingwa chavatumwa,

akavatumira chokudya chakawanda.

26Akaita kuti mhepo yokumabvazuva

ivhuvhute kumatenga.

Akatungamirira nesimba mhepo

yokumaodzanyemba.

27Akanaisa pavari nyama sohuruva,

shiri dzina mapapiro

sejecha ramakungwa.

28Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo

munharaunda yose yapavaigara.

29Vakadya vakanyatsoguta

nokuti akavapa zvavaipanga.

30Asi havi yavo isati yambopera,

chokudya chichiri mukanwa mavo,

31Mwari akavavirukira nehasha

akauraya vakanyatsosimba vacho

akarizha majaya akasvika eIsiraeri.

32Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete,

kunyange nezvishamiso zvake

havana kuvimba naye.

33Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo,

akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi.

34Paakavauraya vakamutsvaka

vakatendeuka vakatsvakisisa Mwari.

35Vakayeuka kuti Mwari

ndiye dombo ravo

uye kuti Mwari Wokumusorosoro

ndiye mununuri wavo.

36Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo

vakamurevera nhema norurimi rwavo.

37Vakanga vasiri pachokwadi naye,

havana kuita zviri pachokwadi nechitenderano chake.

38Asi iye netsiyenyoro dzake

akavaregerera uipi hwavo

akarega kuvaparadza,

akadzora hasha dzake kazhinji,

akarega kuviruka nehasha dzake dzose.

39Akayeuka kuti vanongova nyama,

mhepo zvayo inopfuura

isingazodzokizve.

40Kanganiko kavakamupandukira murenje

vakamushatirisa mugwenga.

41Vakamuedza kakawanda

vakadenha Mutsvene waIsiraeri.

42Havana kurangarira simba rake

kana kurangarira zuva raakavanunura kumuvengi

43paakaita zvishamiso zvake muIjipiti

paakaita minana yake mumasango ekuZoani.

44Akasandura hova dzikava ropa

zvokuti havana kukwanisa kunwa mutukova twavo.

45Akavatumira bute renhunzi dzakavadya

namatafi akavaparadza.

46Akapa mbeswa dzavo kumakonye

uye muchero wamabasa avo kumhashu.

47Akaparadza migirepisi yavo nechimvuramahwe

uye mionde yavo nechando.

48Akarova mombe dzavo nechimvuramahwe

uye hwai akadzirova nemheni.

49Akavavirukira kwazvo nehasha

akavashatirirwa akavatsamwira zvikuru

akavapa nhamo

idzi dzaiva nhumwa dzake dzokuparadza.

50Akavaputikira nehasha,

haana kurega kuvauraya,

akavaparadza upenyu nedenda.

51Akauraya matangwe ose muIjipiti,

vana vokutanga vesimba ravo

mumatumba okwaHamu.

52Iye akatungamirira vanhu vake sehwai

akavatungamirira murenje sedanga.

53Akavatungamirira zvisina njodzi

zvokuti havana kutya

asi gungwa rakafusira vavengi vavo.

54Akavaunza kunyika yake inoera

kugomo rake raakawana

nesimba reruoko rwake rworudyi.

55Akafanovatandira marudzi,

akavakamuranisa migove yavo,

akagarisa vaIsiraeri mumatendhe avo.

56Vakaedza Mwari Wokumusorosoro,

vakamupandukira

uye havana kuchengeta mitemo yake.

57Asi vakatotsauka vakaiita zvisina

kutendeka samadzibaba avo;

vakamonyoroka souta husina kutsarukana.

58Nokuti vakamushatirisa

nenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakatunhumara;

vakaita kuti aite shanje

nokuda kwezvifananidzo zvavo zvokunamata.

59Mwari paakazvinzwa

akazara nehasha,

akabva aramwa Isiraeri chaizvo.

60Akafuratira nzvimbo yake yaaigara

kuShiro, dumba raaigara pakati pavanhu.

61Akaisa simba rake, paArika yechitenderano, kuutapwa,

akaisa mbiri yake mumaoko omuvengi.

62Akapinza vanhu vake

mukuuraiwa nebakatwa rehondo

akavirukira nhaka yake nehasha.

63Majaya avo akavaroromesa nemoto,

mhandara dzavo

dzakashaya rumbo rwomuchato.

64Vapristi vavo vakauraiwa namapakatwa

chirikadzi dzavo hadzina kuvachema.

65TENZI akaita seari kupepuka muhope

segamba rakundwa newaini.

66Akagarisa vavengi vake pasi,

akavanyadzisa zvinogara zvakadaro.

67Akaramba vemba yokwaJosefi.

Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu,

68asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha

veGomo reZioni raanoda,

69akavaka ipapo nzvimbo yake inoera,

nhunga makore chaiyo

ikaita senyika yaakadzika pasichigare.

70Akasarudza Dhavhidhi muranda wake

akamutora kumatanga ehwai.

71Akamubvisa mukufudza nhunzvi

dzaiva navana,

kuti ave mufudzi wevokwaJakobho

vanhu vake Isiraeri, nhaka yake.

72Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi

akavatungamirira nouchenjeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help