1Mugore rakatumwa mutungamiriri mukuru wehondo naSarigoni mambo weAsiria akaenda kuAshidhodhi akarirwisa, ndokurikurira.
2Panguva iyoyo, Tenzi akanga afanotaura nokuna Isaya mwanakomana waAmozi kuti, “Enda unosunungura mutikisha wamasaga uubvise muchiuno mako, ubvise shangu dzako mumakumbo.” Akaita saizvozvo, ava kufamba ari mutwi asina shangu,
3Tenzi akati, “Sokufamba kwakaita Isaya muranda wangu ari mutwi asina kupfeka shangu kwamakore matatu nechiratidzo kuIjipiti neItiopia
4ndizvo zvichaita mambo weAsiria. Achatinha nhapwa dzevaIjipiti nevaItiopia achienda nadzo vose zvavo vakuru navadiki vari mutwi vasina shangu mumakumbo magaro ari pachena, chinhu chinonyadzisa muIjipiti.
5Ipapo zvichavapazamisa misoro vachitonyarira Itiopia yavaivimba nayo neIjipiti chidadiso chavo.
6“Vagari venyika yomumahombekombe megungwa muno, pazuva iroro vachati, ‘Tarisai muone zvaitika kuvanhu vaya vataivimba navo, kuvanhu vaye kwataitizira kundobatsirwa kuti tinunurwe mumaoko mamambo weAsiria! Zvino isu tingapapunyuke sei ipapa?’ ”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.