Ungwaru 12 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Mweya wenyu usingafi uri mune zvinhu zvose.

2Ndiko kusaka muchitsiura

kashoma nakashoma vanokanganisa

muchivayeuchidza muchivayambira zvinhu

zvavanokutadzirai nazvo, kuitira kuti

vasiyane nouipi hwavo

vavimbe nemi, Tenzi.

Mwari akaitira vaKanani mwoyo murefu

3Vanhu vaya vakare, vaigara munyika yenyu inoera,

4makavavenga pamusana pezviito zvavo zvinosemesa,

zvokuroya nokuteura miteuro isina kururama.

5Uye pamusana poutsinye hokuuraya vacheche,

vachidya ura

pamabiko okudya nyama dzavanhu nokunwa ropa,

vanhu vakapinzwa mumapato echihedheni muchivande

6vabereki vanouraya vana vasina zvavanokwanisa kuita

makati vatsakatiswe namaoko amadzibaba edu,

7kuitira kuti nyika yamunodisa kupinda dzimwe dzose

igamuchire vagari vanokodzerana nayo, vana vaMwari.

8Kunyangwe ivava, sezvavakanga vachingova

zvavo vanhu, makavapfavira.

Makafanovatumira mago,

aiva romoromo rehondo yenyu,

kuti avaparadze zvishoma nezvishoma.

9Hakusiri kuti hamaigona

kuita kuti vakaipa vakundwe

muhondo navakarurama,

kana kuvati tsvai pakarepo nezvikara zvinotyisa,

kanawo nezwi renyu rine hasha.

10Asi makavaranga zvishoma nezvishoma

muchivapa nguva yokuti vapinduke.

Kunyange maiziva zvenyu kuti

ndevedzinza rouipi,

uye kuti kuipa kwavo kwaiva muropa,

uyezve kuti mafungiro avo

akanga asingagoni kusandurwa

11nokuti rudzi rwavo rwakarengererwa rushambwa

kubvira pakutanga.

Sei Mwari akapfavira vaKanani?

Kurega kuvarangira zvitadzo zvavo

kwamakaita kwakanga kusiri kutya ani zvake.

12Ndianiwo zvake angati kwamuri, “Makaitei?”

Pane zvamunenge matonga

ndianiwo zvake angapati bufu?

Ndiani angakupei mhosva yokuti

makaparadzirei marudzi amakasika?

Uyewo ndiani angauye kwamuri

kuzomirira vasina kururama?

13Nokuti kunze kwenyu hakuna mumwe Mwari

muchengeti wavanhu vose,

wamunofanira kuratidza kuti hamuna

kutonga zvisina kururama.

14Hakuna ishe kana mambo zvake

angagone kukupai mhosva

kana kukutsoropodzai nezvokuranga vanhu

kwamunenge maita.

15Asi, sezvamuri mururami,

zvose zvamunoita zvakarurama,

munozviona zvisingapindirani

noukuru hwenyu kuti

murange asingakodzeri kurangwa.

16Kusimba renyu ndiko kunobva ururami hwenyu.

Umambo hwenyu munazvose

hunoita kuti muve nemwoyo

murefu kuna zvose.

17Nokuti munoratidza masimba enyu kuna vanokahadzika kuti

muna masimba ose,

asi vanokuzivai, munovarangira kusanzwa kwavo.

18Muna masimba ose, asi munotitonga norupfave

muine mwoyo murefu

nokuti mune simba rokuita zvose zvamunoda.

Mwoyo murefu waMwari une zvaunotaura

19Nezviito zvenyu izvi makadzidzisa vanhu venyu kuti

akarurama anofanira kuva nemwoyo wakanaka kuna vamwe.

Makapawo vana venyu chitarisiro chokuti anenge

azokutadzirai angapiwa nemi nguva yokupinduka.

20Vavengi vevana venyu,

makavatonga muine hanya nezvamaiita

uye nemwoyo murefu

kunyange vakodzera rufu

muchivapa nguva nenhambo yokurega uipi hwavo.

21Inga vana venyu makavaranga zvakaomarara wani

imi makambenge matsidzirana namadzibaba avo

nemhiko nezvitenderano

kuti muchavaitira zvakanaka?

22Nezvo pamunotiranga isu,

vavengi vedu munenge mavarova

neshamhu kazana kakazanirana,

kuitira kuti mutidzidzise kurangarira mwoyochena wenyu

kana isu totongawo vamwe,

uye kuti kana totongwa titarisirewo tsitsi.

Mwari ane mwoyo murefu asi anorangawo zvinorwadza

23Naizvozvo vanhu vasina kugara upenyu hwakarurama

pamusana poupenzi hwavo makavarwadzisa

nezviito zvavo zvinosemesa,

24vakatsauka, vakatetereka chaizvo nenzira dzisiri idzo,

vachitora savamwari mhuka

dzaitoshorwawo kunyange navavengi vavo,

vachinyengedzwa savacheche vanoupenzi.

25Pamusana paizvozvo, makavabata savacheche vasina pfungwa,

makavatemera chirango chokuvafumura.

26Asi vasina kuita hanya nokuyambirwa vachitsiurwa,

zvisina kuomarara vachinzwiswa nechirango

chaMwari chakakodzera.

27Nokuti mukutambudzika kwavo

vakagumbukira zvipuka zvavaifunga kuti ndavamwari

zvavakushandisa kuvaranga

vakazviona kuti Mwari wacho wavairamba

kuziva ndiye Mwari wechokwadi.

Nokuda kwaizvozvo

vakapiwa chirango chikuru.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help