Varoma 16 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mazwi okuonekana

1Ndinoturira kwauri hanzvadzi yedu Febhi mutungamiriri mushandiri wesangano rokuKenikerie kuti mumugamuchire muzita raTenzi zvinokodzerana navatsvene.

2Mubatsirei muna zvose zvaangade kwamuri nokuti iye akabatsirawo vazhinji kunyange ini.

3Ndikwazisirei Prisika naAkwira vashandi pamwe neni mubasa raKristu Jesu

4vakapinda munjodzi yokuda kudimburwa musoro pamusana pangu. Vanotendwa, kwete neni ndoga, asi kunyange namasanganowo ose evechirudzi. Ndikwazisireiwo sangano rinopindira pamba pavo.

5Ndikwazisireiwo Epenetusi wapamwoyo, akava wokutanga kuAsia kupindukira kuna Kristu.

6Ndikwazisireiwo Maria akashanda nesimba pakati penyu.

7Ndikwazisireiwo Andironikusi naJuniasi hama dzangu vakanga vari vamwe vangu muusungwa, varume vanoremekedzeka pakati pavapositori. Vakanditangira kuva naKristu.

8Ndikwazisireiwo Ambiriatusi shamwari yangu yapamwoyo muna Kristu.

9Ndikwazisireiwo Urubhanusi mushandi pamwe neni mubasa raKristu naSitakisi, wangu wapamwoyo.

10Ndikwazisireiwo Aperesi, munhu akatendeka kuna Kristu. Ndikwazisirei vemhuri yaAristobhurusi,

11mundikwazisirewo hama yangu Herodioni. Ndikwazisireiwo muna Tenzi vemhuri yokwaNarisisusi.

12Ndikwazisireiwo vashandi pamwe nesu muna Tenzi Tirifena naTirifosa, mundikwazisirewozve Perisi wapamwoyo akashanda zvakaomarara mubasa raTenzi.

13Ndikwazisireiwo Rufusi mukuru mukuru mubasa raTenzi naamai vake vari amai vanguwo.

14Ndikwazisireiwo Asingiretusi naFiregoni naHemesi naPatrobhasi naHemasi nevehama vavanawo.

15Ndikwazisireiwo zvakare Firorogusi naJuria naNereusi nehanzvadzi yake naOrimbasi navatsvene vose vavanavo.

16Kwazisanai muchitsvodana zvitsvene. Masangano ose aKristu anokukwazisai.

Yambiro yokupedzisa

17Ndinokukumbirisai hama dzangu kuti munyatsoongorora avo vanopesanisa vanhu nokuunza zvimhingamupinyi vachirwisa zvidzidzo zvamakadzidziswa. Siyanai navo.

18Vanhu vakadaro havasipo kushandira Tenzi wedu Kristu asi havi dzavo. Vanonyengedza vasina kuchenjera nokunatsa mukanwa kwavo namazwi anotapira.

19Guhu rokuteerera kwenyu rakapararira kose kose zvokuti ndinofara kwazvo nemi. Ini ndingade kuti muve shasha pakuita zvakanaka asi muve samazirema zvenyu pakuita zvakaipa.

20Ipapo Mwari worugare anobva apwanyira Satani pasi petsoka dzenyu. Dai Tenzi wedu Jesu Kristu angokuitirai nyasha.

21Timoti wandinoshanda naye, anokukwazisaiwo pamwechete naRukio naJasoni, naSosipata hama dzangu.

22Ini Tetiusi munyori wetsamba ino ndinokukwazisaiwo muna Tenzi.

23Gayusi ari kundichengeta mumba make uye ari kuchengeta sangano rose mumba make ari kukukwazisai. Erasitusi sahomwe weguta rino nehama yedu Kwatusi vanokukwazisai.Munamato wokupedzisa

25Ngatirumbidzei iye anogona kukusimbisai maererano neShoko rangu Rakanaka uye maererano nokuparidza kwaJesu Kristu uye nokuzarurwa kwezvakanga zvakavandika kwenguva ndefu asi zvino zvakazoburitswa pachena.

26Uye nezvakanyorwa navaporofita zvikazoziviswa kumarudzi ose maererano nezvakanzi naMwari wokusingaperi ngazviziviswe kuti kuve nokuteerera kunounzwa nechitendero.

27Mbiri ngaipiwe kuna Mwari oga anoungwaru nokuna Jesu Kristu nokusingaperi. Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help