1Asi imi, Mwari wedu,
mune mwoyo wakanaka,
uye muri pachokwadi,
muno mwoyo murefu, uyezve
munotonga zvinhu zvose netsitsi.
2Kunyange tikakutadzirai tiri venyu nokuti
tinoziva simba renyu,
asi hatichakutadzirai nokuti tinoziva kuti tiri venyu;
3Nokuti kukuzivai ururami hwakazara, uye, kuziva masimba enyu
ndiwo mudzi woupenyu husingaperi.
4Isu hatina kurasiswa nezvakaipa zvaifungwa nemhizha
dzokuveza kana nebasa risina maturo ravanopenda,
zvifananidzowo zvazvo zvakapendwa
nependi yakasiyana–siyana,
5zvinoita kuti chimiro chazvo chimutse mwoyo woruchiva
mumapenzi anochiva miviri yezvinhu zvisina upenyu.
6Vanoda zvinhu zvakaipa
uye vanokodzerana nezvavane chitarisiro mazviri,
vanhu vanozviveza kana kuti
vanozvida kana kuzvinamata.
Upenzi hwavanoita zvifananidzo zvinonamatwa7Muumbi wehari anokanya ivhu, rakapfava
oshingaira kuumba midziyo yose yatinoshandisa.
Nevhu rimwechetero,
anoumba zvimwechetezvo midziyo inoshandiswa
pabasa rakanaka nebasa risina kunaka.
Asi zviri kumuumbi kuti mudziyo
waanoumba inoitiswa basa rei.
8Kubvezvo anobindikitira nhando
kuumba kamwari kenhando nevhu rimwechetero,
iyeyu munhu wacho akaumbwa nevhu kanguva
kadukuduku kapfuura,
mushure mechimwe chinguva chiduku
achazodzokerazve kuvhu kwaakabva,
kana achinge anzi chidzosera
mweya wawakambokwereteswa.
9Zvokuti kufa ndokwake hazvimunetsi,
kana zvokuti upenyu hwake hupfupi
asi anotoita mapitse
nemhizha dzendarama nesirivha
achivavarirawo kuita
zvinoitwa navapfuri vemhangura;
achitozvikudza nokuumba kwaanoita
vamwari vasina maturo.
10Mwoyo wake idota zvaro!
Chitarisiro chake marara chaiwo!
Upenyu hwake rondo riri nani
11nokuti haana kuziva Wakamuumba,
akamupa mweya unesimba rokufamba,
akamufemera mweya woupenyu.
12Uyezve, anoona upenyu hwedu samahumbwe,
pasi pano anopaita somusika weshavo.
Nokuti anoti munhu anofanira kuita mari,
hazvina mhosva
kuti anoiwana sei
kunyange nezviito zvakaipa.
13Zvechokwadi munhu uyu
anoziva kupinda vamwe vose
kuti anotadzira Mwari,
kana achitora zvake ivhu
achiumba midziyo isingatani
kupunzika uye zvifananidzo zvokunamata.
Upenzi hwavaIjipiti hwokunamata zvifananidzo14Asi vavengi navadzvinyiriri vavanhu venyu
mapenzi chaiwo avanhu uye,
vanonzwisa tsitsi
kupinda vapwere chaivo,
15nokuti vaifunga kuti zvifananidzo
zvose zvechihedheni ndavamwari.
Kunyange izvi zvisingakwanisi kushandisa
maziso azvo kuona
kana kufema mweya nemhino dzazvo,
kana kunzwa nenzeve dzazvo,
kana kubata–bata namaoko azvo,
uye tsoka dzazvo hadzikwanisi kufamba
16nokuti munhu ndiye akazviita,
munhu ane mweya wokukwereteswawo
ndiye akazviumba.
Nokuti hakuna munhu anokwanisa
kuita mwari akaita saiye.
17Munhu anofa, saka chaanoita namaoko ake
akan'ora chinhu chakafa.
Nokuti iye ari nani pane,
zvaanonamata zvacho
nokuti iye ano upenyu, asi izvo
hazvina kumbova noupenyu.
18Ivo vanonamata zvipuka zvakaipisisa
zvisina maturo pane dzimwe mhuka dzose,
pamusana pokuti hazvina njere mazviri.
19Kunyange semhukawo zvadzo
hadzitarisiki zvakanaka
zvokuti munhu angadzide
dzakarasikirwa nokurumbidzwa naMwari
uye nechikomborero chake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.