Ungwaru 15 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

VaIsiraeri havanamati zvifananidzo

1Asi imi, Mwari wedu,

mune mwoyo wakanaka,

uye muri pachokwadi,

muno mwoyo murefu, uyezve

munotonga zvinhu zvose netsitsi.

2Kunyange tikakutadzirai tiri venyu nokuti

tinoziva simba renyu,

asi hatichakutadzirai nokuti tinoziva kuti tiri venyu;

3Nokuti kukuzivai ururami hwakazara, uye, kuziva masimba enyu

ndiwo mudzi woupenyu husingaperi.

4Isu hatina kurasiswa nezvakaipa zvaifungwa nemhizha

dzokuveza kana nebasa risina maturo ravanopenda,

zvifananidzowo zvazvo zvakapendwa

nependi yakasiyana–siyana,

5zvinoita kuti chimiro chazvo chimutse mwoyo woruchiva

mumapenzi anochiva miviri yezvinhu zvisina upenyu.

6Vanoda zvinhu zvakaipa

uye vanokodzerana nezvavane chitarisiro mazviri,

vanhu vanozviveza kana kuti

vanozvida kana kuzvinamata.

Upenzi hwavanoita zvifananidzo zvinonamatwa

7Muumbi wehari anokanya ivhu, rakapfava

oshingaira kuumba midziyo yose yatinoshandisa.

Nevhu rimwechetero,

anoumba zvimwechetezvo midziyo inoshandiswa

pabasa rakanaka nebasa risina kunaka.

Asi zviri kumuumbi kuti mudziyo

waanoumba inoitiswa basa rei.

8Kubvezvo anobindikitira nhando

kuumba kamwari kenhando nevhu rimwechetero,

iyeyu munhu wacho akaumbwa nevhu kanguva

kadukuduku kapfuura,

mushure mechimwe chinguva chiduku

achazodzokerazve kuvhu kwaakabva,

kana achinge anzi chidzosera

mweya wawakambokwereteswa.

9Zvokuti kufa ndokwake hazvimunetsi,

kana zvokuti upenyu hwake hupfupi

asi anotoita mapitse

nemhizha dzendarama nesirivha

achivavarirawo kuita

zvinoitwa navapfuri vemhangura;

achitozvikudza nokuumba kwaanoita

vamwari vasina maturo.

10Mwoyo wake idota zvaro!

Chitarisiro chake marara chaiwo!

Upenyu hwake rondo riri nani

11nokuti haana kuziva Wakamuumba,

akamupa mweya unesimba rokufamba,

akamufemera mweya woupenyu.

12Uyezve, anoona upenyu hwedu samahumbwe,

pasi pano anopaita somusika weshavo.

Nokuti anoti munhu anofanira kuita mari,

hazvina mhosva

kuti anoiwana sei

kunyange nezviito zvakaipa.

13Zvechokwadi munhu uyu

anoziva kupinda vamwe vose

kuti anotadzira Mwari,

kana achitora zvake ivhu

achiumba midziyo isingatani

kupunzika uye zvifananidzo zvokunamata.

Upenzi hwavaIjipiti hwokunamata zvifananidzo

14Asi vavengi navadzvinyiriri vavanhu venyu

mapenzi chaiwo avanhu uye,

vanonzwisa tsitsi

kupinda vapwere chaivo,

15nokuti vaifunga kuti zvifananidzo

zvose zvechihedheni ndavamwari.

Kunyange izvi zvisingakwanisi kushandisa

maziso azvo kuona

kana kufema mweya nemhino dzazvo,

kana kunzwa nenzeve dzazvo,

kana kubata–bata namaoko azvo,

uye tsoka dzazvo hadzikwanisi kufamba

16nokuti munhu ndiye akazviita,

munhu ane mweya wokukwereteswawo

ndiye akazviumba.

Nokuti hakuna munhu anokwanisa

kuita mwari akaita saiye.

17Munhu anofa, saka chaanoita namaoko ake

akan'ora chinhu chakafa.

Nokuti iye ari nani pane,

zvaanonamata zvacho

nokuti iye ano upenyu, asi izvo

hazvina kumbova noupenyu.

18Ivo vanonamata zvipuka zvakaipisisa

zvisina maturo pane dzimwe mhuka dzose,

pamusana pokuti hazvina njere mazviri.

19Kunyange semhukawo zvadzo

hadzitarisiki zvakanaka

zvokuti munhu angadzide

dzakarasikirwa nokurumbidzwa naMwari

uye nechikomborero chake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help