Jobhu 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mubayiro wokuzvikudza

1Chidanidziraka tione

kana pane achakupindura ipapa

ndiani pakati pavatsvene wauchazemberana naye?

2Kuzvidya mwoyo kunouraya munhu kuya,

kushatirwa kunouraya marema.

3Ndakamboona ini benzi richidzika midzi.

Pakarepo ndakati nzvimbo yake iwirwe norushambwa.

4Zvokugarika kwavana vake hapana,

padare mhosva ndeyavo chete,

wokuvamiririra panenge pasina.

5Zvaanokohwa zvichadyiwa zvazvo navane nzara

vachizvitora kunyange mukati meminzwa,

vane nyota vachitozvitsvira mwoyo.

6Uipi haumeri pavhu

nhamo hainyuki pasi.

7Munhu ndiye anotozviparira,

sezvinoita shiri ndidzo dzinotobhururuka mudenga.Basa romunhu panyika

8Kana ndirini changu kutsvaka Mwari

zvose zvinondinetsa ndozviturira kuna Mwari.

9Anoita zvinhu zvikuru zvisingabatiki

zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.

10Anonaisa mvura panyika

anotuma mvura paminda.

11Anosumudzira pamusoro vanozvidukupisa

vanochema anovasimudzira mwoyo norufaro

12anokangaidza mazano avane ujarijari

kuti zvavanobata zvisabudirire.

13Anobata vakachenjera muujarijari hwavo,

zvirongwa zvavanyengedzi

hazvitani kushaiswa basa.

14Vanosangana naro rima

zuva rakacheka nyika,

vagoputaira masikati machena sokunge usiku.

15Asi anonunura varombo pamiromo yavo

navasina chavanacho mumaoko avane simba.

16Nokudaro varombo vanowana chitarisiro

vezvekushaisa vanhu ruenzaniso

vachimbopfumbirawo muromo.

17Zvake munhu anotsiurwa naMwari

saka usazvidze shamhu yaSamasimba.

18Anoruma achifuridzira,

anokuvadza zvake asi maoko ake anorapa.

19Achakununura kunhamo

runosvika rutanhatu rwose

kechinomwe aka hapana nyatwa inozokubatabata.

20Panguva yenzara

achakununura kurufu

panguva yehondo achakununura kusimba rebakatwa.

21Achakuvanza kunhamo

yavanotuka nomuromo.

Hauchazotya kuparadza kana kwauya.

22Zvokuparadza nenzara uchazviseka

zvikara zvenyika hauzombozvitya.

23Nokuti unenge une usahwira nematombo

uye uchinzwanana nezvikara zvesango

24uchaziva kuti patendhe pako

hapana njodzi,

uchaongorora danga rako

ugoona kuti hapana chisipo.

25Uchazvionawo kuti

zvizvarwa zvako zvichawanda

zvizukuru zvigoita souswa hwenyika.

26Uchasvika kuguva kwako

wanyatsokwegura zvako.

Sezvinoita tsanga yechisote chembesanwa

inouya pokupurira panguva yayo.

27Vedu wee izvi takazvitsvaka, ndezvechokwadi.

Teererai muzvizive kuti zvinokubatsirai.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help