Jobhu 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Hurukuro dzokutanga.Erifasi anotaura nezvoruenzaniso rwaMwari

1Erifasi muTemani akapindura achiti,

2“Kuri kuti munhu ataura nemi

mungashatirwe nazvo here,

asi ndiani angarege kutaura?

3Inga makadzidzisa vazhinji

mukasimbisa maoko asina simba.

4Mashoko enyu akatsigira ainge odzadzarika

mukasimbisa mabvi akarukutika.

5Asi nhasi zvakuwanaiwo,

zvino motadza kugadzikana.

Asi zvino zvakubatai

mabva mava kurasa mwoyo.

6Handiti kutya kwenyu Mwari

ndiko kwamunovimba nako,

kuva pachokwadi mumaitiro enyu

kuri iko chitarisiro chenyu?

Mubayiro wechivi

7“Chimbozvifungaiwo zvenyu kuti

ndiani aiva mururami akaparara

uyewo ndokupi mururami kwaakaparadzwa?

8Zvandakaona zvangu ndezvokuti vanorima huipi

nokudyara nhamo vachakohwawo zvimwechetezvo,

9vanoparadzwa nefemo raMwari

vachatsakatiswa nomweya wehasha dzake.

10Kuomba kweshumba kwapera,

nenzwi rinotyisa remhondoro.

Mazino eshumba dzichiri kuzvinzwa akatyorwa.

11Gono reshumba riri kuparara

nokushaya nyama

vana veshumbahadzi vapararira.

12“Zvino pane shoko

rakaunzwa kwandiri muchivande

nzeve yangu yakanzwa zevezeve raro.

13Pfungwa yechiroto chinotyisa

vanhu paye patinobatwa chaizvo nehope.

14Ndakawirwa nokutya kukuru uye ndakadedera

zvakaita kuti mapfupa angu angwedereke.

15Mhepo yakati fefefe napandiri

mvere dzomuviri wangu dzikamira kuti twi.

16Pakamira chimwe chinhu

chandisina kuona mamiriro acho

chakamboti mirei pamberi pangu ndokuti ziro-o

ndokuzonzwa izwi richiti.

17“Ko iye munhu zvake anofa

angava munhu akarurama here

pamberi paMwari?

Munhu angave mutsvene here

pamberi pomusiki wake?

18Haavimbi kunyange nevaranda vake

kunyange vatumwa anovabata nemhosva.

19Ko kutozotiwo zvavo

vanogara mudzimba dzevhu

dzine ugaro hwadzo muvhu vanofa sebetebeswa.

20Pakati pamangwanani namanheru vanoparadzwa,

vanotsakatika pasina anombozviona.

21Kunyange tambo yakatumba kavo yavhomorwa

vanofa vasina kana ungwaru.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help