Tsumo 24 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

19

1Usaitire shanje vanhu vakaipa

kana kuda kushamwaridzana navo,

2nokuti mwoyo yavo inofunga zvoutsinye

miromo yavo inotaura zvoumharadzi.

20

3Musha unovakwa noungwaru

asi kunzwisisa ndiko kunomisa musha.

4Zvakakosha uye zvakanaka

zvinozara mudzimba dzawo

zvinobva kuruzivo.

21

5Mungwaru anokunda munhu ane simba

uye munhu ano ruzivo anokunda ana masimba.

6Kuronga ndiko kunopa vanhu kukunda muhondo

kukunda kunobva mukunyatsoronga.

22

7Kubenzi, ungwaru huri pamusorosoro

padare harimboti muromo bufu.

23

8Munhu anoronga kuita zvakaipa

anozonzi womusikanzwa.

9Kuronga kuita zvakaipa, chitadzo

mushori anosemesa kuvanhu.

24

10Ukaora mwoyo pamusi wenhamo

simba rako rinobva raita shoma.

25

11Nunura vanenge vachindundurutsirwa kurufu

umise vanenge vachidzadzarikira kundourayiwa.

12Kana ukati, “Hatina kumbozviziva.”

Ko iye anoona mwoyo haazvione here?

Ko iye anokuchengeta haazvizivi here?

Haape mumwe nomumwe

maererano nezviito zvake here?

26

13Mwanangu idya uchi nokuti hwakanaka

musvi weuchi unotapira kuhudya.

14Ziva kuti ungwaru hwakaita sei kwauri,

ukahuhwana une upenyu mune ramangwana

chitarisiro chako hachiparare.

27

15Usavandire pamba pomururami

sezvinoita muipi

usaparadze musha wake

16nokuti akarurama anoputsika kanomwe

achimukazve

asi akaipa anokundwa nenhamo.

28

17Usati Tsvatuwaro kana muvengi wako awira munhamo

mwoyo wako ngaurege kufara kana adzadzarika.

18Tenzi angadaro akazviona akatsamwa nazvo

akadzora hasha dzake kwaari.

29

19Usazvinetse nezvevaiti vezvakaipa

uye usaitire vakaipa shanje.

20Muipi haana upenyu muneramangwana,

mwenje wavaipi uchadzimwa.

21Mwanangu itya Tenzi namambo

usaite rimwe navapanduki

22nokuti vachawirwa nejambwa nenguva isipi

richibva kuna vose vari vaviri.

IV: DZIMWE TSUMO DZAVANGWARU

23Dzino idzi dzimwe tsumo dzinobva kuvangwaru:

Kutonga norusaruro hakuna kunaka.

24Anoti kumuipi hauna mhosva

acharengererwa rushambwa navanhu

agovengwa namarudzi

25asi vanotsiura vakaipa vachafara

vachava nechikomborero chakanaka.

26Kutaura chokwadi hakuputsi ukama.

27Tanga wagadzira zvokunze'ku

zvigadzirirewo munda wako

ndokuzovaka musha wako.

28Usave chapupu chokuroverera mumwe wako

pasina mhosva

usanyengedze nomuromo wako.

29Usati kumunhu ndinoda kumuitira

sezvaakandiitirawo

ndichinotsivawo zvaakandiitira.

30Ndapfuura nepamunda wenyope

napamunda webenzi wemugirepisi.

31Wonei wakati ndu neminzwa

pasi pakazara norukato.

Rusvingo rwawo rwakanga rwakapazika

32Ndakaona ndikarangarira

ndakatarisa ndikawona chidzidzo.

33Kuti regai ndimboti kotsirei kashoma

regai ndimboti tsomwairei kashoma

ndimboti maoko gumbatei kuzorora zvangu

34urombo hunobva hwati pauri

tutururu segandanga

uye kushaiwa kunouya kwauri

somunhu akapakata zvombo zvokurwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help