Nziyo 88 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rumbo. Rwiyo rwevekwaKora. Muimbisi, rumbo urwu rwunoimbwa maimbiro eMaharatireanoti: Inhetembo yaHemani muEzira.Kukumbira rubatsiro munhamo

1TENZI Mwari wangu, muponesi wangu

ndinochema kwamuri siku nesikati.

2Gamuchiraiwo munamato wangu

teererai kuchema kwangu

3nokuti ndiri kutambura zvikuru

ndavakutosvika kunzvimbo yavakafa.

4Ndavakutoverengerwa pakati paavo

vanodzika kunzvimbo yavakafa.

Ndiri murume asisina simba

5somunhu akaraswa pakati pezvitunha

savakafa varere muguva;

savaya vamusisayeuki zvenyu

nokuti havachisiri mumaoko menyu.

6Makandiradzika mugomba rakadzika

munzvimbo yerima pasi pasi.

7Kunditsamwira kwenyu kunondiremera

munonditsimbirira namasaisai enyu.

Dzepfunde.

8Munoita kuti vamwe vangu vandiseme

muchiita kuti ndive chinhu

chinosemesa kwavari.

Makandizaririra zvokuti

handikwanisi kupunyuka.

9Ziso rangu rava kuonera madzerere

pamusana pokutambura.

Ndinodana kwamuri mazuva ose TENZI

ndakasimudza maoko angu kwamuri.

10Munoda kuitira zvishamiso vakafa here?

Ko ivo vava zvimuvhuri-vhuri

vangamuke kuzokurumbidzai here?

Dzepfunde

11Mwoyochena wenyu unoparidzwa muguva here

kana kutendeka kwenyu munzvimbo yokuparadzwa?

12Zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa

munzvimbo yerima here

kana ururami hwenyu

munzvimbo yavasina chavanoyeuka?

13Asi ini ndinochema kwamuri TENZI;

mangwanani munamato wangu

unosvika pamberi penyu.

14Nhai TENZI munondirasireikowo

munondivanzireiko chiso chenyu?

15Ndinotambura zvokunge ndichafa

kubva pauduku hwangu.

Ndinorwadziwa ini nezvamunoita zvinotyisa

zvandishaisa zano.

16Hasha dzenyu dzandimomotera;

kundivhundutsira kwenyu kunondiparadza.

17Zvinondikomba samapopopo emvura

zuva rose;

zvinondimomotera pamwechete.

18Makaita kuti vanondida neshamwari dzangu

vandiseme

rima ndiro rava shamwari yangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help