Varoma 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mukristu akasunungurwa kumutemo

1Hamuzivi here hama dzangu, apa ndiri kutaura kuna vavo vanoziva mutemo, kuti mutemo unosunga munhu chete panguva youpenyu hwake?

2Saizvozvo mukadzi akaroorwa unosungwa nomutemo wokuva akabatana nomurume wake panenge murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa atosunungurwa pamutemo kune zvomurume wake.

3Saizvozvo anonzi chifeve chomukadzi kana akagara nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu. Asi murume wake akafa asunungurwa pamutemo iwoyo. Kana akaroorwa nomumwe murume haachisiri chifeve.

4Saizvozvowo, hama dzangu, imi pamusana pokuva vamwe nomuviri waJesu, kumutemo muri vanhu vakafa, kuti muve womumwe, iye akamutswa kuvakafa kuti tiberekere Mwari muchero.

5Chinondidariso ndechokuti paya pataigara upenyu hwenyama, havi dzedu dzoutadzi dzaishanda munhengo dzedu dzichimutswa nomutemo kuti tiberekere rufu muchero.

6Asi iye zvino takasunungurwa kumutemo. Kune chinhu chiya chakanga chakatibata uranda, tave vanhu vakafa, zvokuti hatichashanda tiri pasi pomutemo wakare wakanyorwa asi muupenyu hutsva hwaMweya.

Ukama hwomutemo nechitadzo

7Zvino toti kudiiko? Toti here mutemo chitadzo? Kwete. Asiwo dai pasina mutemo, ndingadai ndisina kumboziva chinonzi chitadzo. Ndingadai ndisina kumboziva chinonzi kuchiva dai kuri kuti mutemo hauna kuti, “Usachive.”

8Asi chitadzo chakawana mukana mumutemo wokumutsa nawo mandiri nzira dzose dzokuchiva nadzo. Pasina mutemo, chitadzo chakafa.

9Ndakambenge ndiri mupenyu mutemo usati wavapo. Asi pakazouya mutemo, chitadzo chakabva chamuka, ini ndikabva ndafa.

10Iwo mutemo chaiwo wakatsidzira upenyu ndiwo wakatova rufu kwandiri,

11nokuti chitadzo pachakawana mukana nomumutemo chakandinyengedza chikandiuraya nawo.

12Nezvo mutemo pachawo mutsvene, murawo pachawo mutsvene uye wakarurama uye wakanaka.

13Ko zvino tingati icho chinhu chakanaka kudai chakaunza rufu kwandiri here? Handizvo kwete, asi kuti chitadzo ndicho chaikonzera rufu mandiri nomune chinhu chakanaka, kuti chitadzo chionekwe zvachiri kuti chitadzo. Uye chashandisa mutemo kudaro chichibva chanyatsobuda pachena kuti chakaipisisa.

Hondo iri mumwoyo womunhu

14Tinozviziva kuti mutemo ndewezvemweya asi ini ndiri munhu wenyama. Ndakatengeswa kukamwoyo kokuda kutadza.

15Handinzwisisi zvandinoita. Ndinodaro nokuti handiiti zvandinoda kuita. Asi ndinoita izvo zvandisingadi kuita.

16Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, zvinoreva kuti ndinobvuma kuti mutemo wakanaka.

17Naizvozvo handisirini ndinozviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri.

18Chandinoziva apa ndechokuti hapana chakanaka chinogara mandiri. Ndiri kureva mumuviri wangu nokuti ndingade zvangu kuita zvakarurama asi handikwanisi kuzviita

19nokuti zvakanaka zvandinoda kuita handizviiti asi zvakaipa zvandisingadi kuita ndizvo zvandinoita.

20Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisirini ndiri kuzviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri kaya.

21Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo.

22Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari.

23Asi ndinoona kuti mumitezo yangu mune mumwewo mutemo unorwisana nomutemo uri mupfungwa dzangu uchindiita muranda womutemo wakamwoyo kaya kokuda kutadza kanogara mumitezo yangu.

24Zvino ini, panguwo pano, ndiani achandinunura kumuviri wangu uyu worufu.

25Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help