1 Vanamakabhi 10 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mambo Arekizanda Epifanesi

1Mugore rezana nechimakumi matanhatu Arekizanda Epifanesi mwanakomana waAndiokusi akasvika nengarava kuguta reToremaisi akariita rake. Vakamugamuchira akatangisa kutonga imomo.

2Mambo Dhemetiriusi paakazvinzwa akaunganidza gurusvusvu ravarwi vehondo akabuda kundoita hondo naye.

3Izvozvo Dhemetiriusi akatumira Jonatani tsamba yamazwi orugare yokumupa rukudzo

4nokuti aiti ngatitangei isu kuwirirana naye asati awirirana naArekizanda kuzotirwisa.

5Ndinodaro nokuti acharangarira zvakaipa zvose zvatakaita kwaari nokuvakoma navanun'una vake nokurudzi rwake.

6Saizvozvo Dhemetiriusi akamupa simba rokupinza vanhu muusoja nokuvawanisa zvombo zvehondo uye kuti ave shamwari yake uyewo akatema chirevo chokuti vasungwa vaiva munhare yokuzvidzivirira muhondo vasunungurwe vapiwe kwaari.

7Jonatani akaenda Jerusaremu akaverenga tsamba iyoyo vanhu vose navarume vaiva munhare yokuzvidzivirira iyoyo vachizvinzwa.

8Vakabatwa nokutya zvikuru pavakamunzwa achiverenga kuti akapiwa simba namambo rokupinza vanhu muusoja.

9Varume vaiva munhare yokuzvidzivirira muhondo vakasunungurira Jonatani vasungwa, iye akavadzorera kuvabereki vavo.

10Jonatani akazogara muJerusaremu akatanga kuvakiridza nokugadziridza guta iri.

11Akaronga kuti vaiite basa irori, vavake tsvingo vakomberedze Gomo reZioni vachirivakirira namabwe ana mativi mana akaenzana kuitira kuti pave norusvingo ruri nani. Vakabva vaitawo saizvozvo.

12Vatorwa vaya vakanga vari munhare yokuzvidzivirira muhondo yakavakwa naBhakidhesi iya vakabva vatiza,

13mumwe nomumwe akabva angosiya nzvimbo yake akaenda kunyika yokwake.

14MuBhetizuru chete ndimo makasara vamwe vakanga vakanda pasi zvomutemo nomurao pamusana pokuti ndoyakanga yava kutova senzvimbo yokupotera.

15Zvino mambo Arekizanda akanzwawo zvose zvamashoko echitsidzo aDhemetiriusi aakatumira kuna Jonatani, akataurirwawo nezvehondo dzakarwiwa naJonatani navakoma navanun'una vake nougamba hwavakanga vaita nenhamo dzose dzavakatirira.

16Nokudaro akati, “Tichawana mumwe akaita souyu here? Chiuyai timuite shamwari yedu nomudyidzani nesu.”

17Saka akanyora tsamba ndokutumira kwaari iine shoko rokuti,

18“Ini mambo Arekizanda ndinokunyorera

iwe hama yangu Jonatani ndichikukwazisa.

19“Takanzwa nezvako kuti pakurwa hondo

uri mvumba chaiyo uye uri munhu

akakodzera kuva shamwari yedu.

20Naizvozvo isu takusarudza nhasi uno

kuti uve mupristi mukuru kune

verudzi rwako.

Wava kuzonzi shamwari yamambo

uye unofanira kutsigirana nesu

uchichengetedza ushamwari hwedu newe.”

(Akabva amutumira hanzu yoruvara rwohute nengundu yendarama).

21Nezvo Jonatani akapfeka magemenzi anoera mumwedzi wechinomwe wegore rechizana namakumi matanhatu paMazuva Makuru aMatumba akapinzawo vanhu usoja akavapa matutu namatutu ezvombo zvokurwisa nazvo.

Tsamba yaDhemetiriusi

22Dhemetiriusi paakanzwa zvinhu izvozvi izvi zvakamushungurudza mumwoyo ndokuti,

23“Ndochii ichochi chatakaita? Arekizanda atotitangira uyu kuita ushamwari navaJudha kuti azviwanire simba.

24Ini ndichatovanyorerawo shoko rokuvakurudzira nokutsidza kuvapa rukudzo nezvipo kuti ndiwanewo rubatsiro kwavari.”

25Nokudaro akavatumira nhume neshoko rinoti,

“Ini mambo Dhemetiriusi ndinokunyorerai

imi verudzi rwavaJudha ndichikukwazisai.

26Pamusana pokuti makachengeta chibvumirano nesu

mukaramba muino ushamwari hwenyu nesu

uye mukarega kutsigirana navavengi vedu.

Takazvinzwa tikafara.

27Zvino chirambai makatendeseka kwatiri,

isu tichazokutsivai tichikuitirai

zvakanaka pamusana pezvamunotiitira.

28Tichakupai rusununguko kune zvinhu zvakawanda

nokukupaiwo zvipo.

29Saka zvino ndinokusunungurai, ndinotema kuti

vaJudha vose zvavo havachatera mutero

nomutero womunyu nezvirehwarehwa zvengundu zvokwamambo

30uye munzvimbo yokuunganidza chikamu chechitatu

chembesanwa nechikamu chemichero yemiti yemichero

zvandaifanira kugamuchira, ndinoti

hapasisina zvakadaro kubvira nhasi uno

zvichienda mberi.

Handichazvitora munyika yaJudha kana

mumatunhu matatu anobatanidzwa

pamwechete nayo kubvira kuSamaria

kudzamara kuGarirea kubvira nhasi uno narini wose.

31Jerusaremu nenharaunda dzaro, zvechegumi

zvaro nemari yaro inowanikwa mumitero

ngazviereswe zvirege kutererwa mitero.

32Ndinotiwo nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo

yomuJerusaremu, haisisiri mumaoko mangu.

Ndinoikumikidza kumupristi mukuru kuti

iye agoisa mairi varume vaanoda vokuichengetedza.

33Uye munhu wose wechiJudha anenge ari

nhapwa akambotapwa kunyika yokwaJudha

akaendwa naye chero kupi zvako

munyika yandinotonga ndatomusunungura pasina muripo.

Machinda ose ngaataurirewo vanhu kuti

hapasisina mutero wezvipfuwo zvavo.

34Ose mazuvawo makuru namaSabata nokugara

kwayo mwedzi namazuva akatemwa uye

namazuva matatu zuva guru risati rasvika

uyewo mazuva matatu anotevera mushure

mozuva guru, ndinoti mazuva iwayo ose

ngaave mazuva evose zvavo vechiJudha okuti

vave vanhu vakasununguka vari pakufurwa

zvavo nemhepo munyika yandinotonga.

35Hapana achange aine mvumo yokuvatorera

kana kai zvako kunyange kugumbura

ani naani zvake wavo nezvenyaya ipi neipi zvayo.

36“Makumi matatu ezviuru zvavarume vechiJudha,

ngavanyorwewo vapinzwe muhondo yokwamambo.

Zvose zvinopiwa varwi vose vehondo yokwamambo,

ngazvipiwewo ivo.

37Vamwe vavo ngavaiswe munhare huru

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo dzamambo uye

vamwe vavo ngavapiwewo zvinzvimbo

zvoukuru–ukuru munyika yandinotonga.

Machinda navatungamiriri vavo ngavave

vanobva mukati mavo, mumagariro avo

ngavatevedze zvavo mitemo yavo sokutemwa

kwazvaitwa namambo munyika yokwaJudha.

38“Kana zviri zvamatunhu matatu aye akabviswa

kunyika yeSamaria achibatanidzwa neJudhia,

ngaabatanidzwe neJudhia zvokuti ave nomutongi

mumwechete varege kuteerera ani naani zvake anganzi

mukuru kunze kwomupristi mukuru chete.

39Guta reToremaisi nenyika yomunharaunda yaro

ndapa sechipo kuNzvimbo Inoera muJerusaremu

kuitira kuti pawanike mari inodiwa

yokushandisa paNzvimbo Inoera.

40Ndichapawo zviuru gumi nezvishanu zvemari

yamashekeri yesirivha gore negore ichange

ichibva pamari yokwamambo inowanikwa

mumitero ichibva kunzvimbo dzinotosarudzirwa izvozvo.

41Dzimwewo mari dzisina kunge dzabhadharwa namakurukota

amambo sezvadzaimboitwa mumakore okutanga,

kubvira iye zvino zvichienda mberi ngavadziendese

kubasa reTemberi.

42Uyezve, zviuru zvishanu zvemari

yemashekeri yesirivha yanga

ichitereswa namakurukota angu pabasa

repaTemberi gore negore naiyoyiwo ngairege kunge

ichaterwa pamusana pokuti imari yavapristi vanoshandamo.

43Munhu wose anenge apotera paTemberi

iri muJerusaremu kana dzimba dzakabata neTemberi, pamusana

pokuti anenge aine chikwereti chemari kuna mambo

kana kuti rimwewo ngava zvaro,

ngaasunungurwe hake adzorerwe twake

twose munyika yandinotonga.

44“Basa rokuvakiridza nokugadziridza zvinhu

zvinovakwa muNzvimbo Inoera ngariripwe

nemari yokwamambo inowanikwa mumitero.

45Kuvakiridza tsvingo dzeJerusaremu

nokurivakirira kurikomberedza uye

nokuvakawo tsvingo dzeJudhia, ngakuripwe

nemari yokwamambo inowanikwa mumitero.”

Jonatani akasarudza kutsigira Arekizanda

46Jonatani navanhu pavakanzwa mashoko ose iwaya, havana kuabvuma kana kuagamuchira nokuti vakarangarira kukanganisirwa kukuru kwakaitwa naDhemetiriusi muIsiraeri uye udzvanyiriri hwakaipisisa kwazvo hwaakanga aitira Isiraeri.

47Vakada zvavo Arekizanda pamusana pokuti ndiye akava wokutanga kutaura kwavari mazwi okuwadzana, vakaramba vari shamwari dzake mazuva ose oupenyu hwake.

48Zvino mambo Arekizanda akaunganidza hondo huru akandodzika musasa wematendhe vakatarisana naDhemetiriusi.

49Madzimambo maviri aya vakarwisana, hondo yaDhemetiriusi ndokubva yaparamuka kutiza, Arekizanda ndokutsikirirana naye kutevera ndokuvakurira.

50Arekizanda akarwisa zvakasimba kudzamara zuva radoka, Dhemetiriusi akafa musi iwoyo.

Kuremekedzwa kwakaitwa Jonatani

51Arekizanda akazotumira vamiriri kuna Toremi mambo weIjipiti neshoko rokuti,

52“Kubvira kudzokera kwandakaita kunyika

yandinotonga, ndikagara pachigaro changu choumambo

hwemadzibaba angu ndikaita kuti umambo

hwangu hudzike midzi, ndinodaro nokuti

Dhemetiriusi ndakamuparadza,

ndikaita kuti nyika

yedu ive mumaoko medu,

53ndakarwisana naye muhondo

tikamuparadza iye pamwechete nehondo

yake tisu tagara zvino pachigaro chake

choumambo hwake

54naizvozvo ngatichishamwaridzanai.

Chindipaiwo mwanasikana wenyu kuti ave

mukadzi wangu ini ndive zvangu

mukuwasha wenyu.

Ini ndichakupaiwo imi naiye

zvipo zvinoenderana nezvamuri.”

55Mambo Toremi akapindura achiti,

“Tinoti makorokotoi nezuva

ramakadzokera kunyika yamadzibaba enyu

mukandogara pachigaro

choumambo chenyika yavo.

56Saka zvino ndichakuitirai sezvamanyora, asi uya

tisangane kuToremaisi kuitira kuti tionane

ini ndigova vatezvara venyu sezvamakareva.”

57Saizvozvo Toremi akapinda murwendo achibva kuIjipiti, iye nomukunda wake Kireopatira akasvika kuToremaisi mugore rezana namakumi matanhatu nerechipiri.

58Mambo Arekizanda akasangana naye, Toremi akamupa mukunda wake Kireopatira kuti ave mukadzi wake. Akapemberera muchato womukunda wake kuToremaisi zviya zvine mukurumbira sezvinongoitawo madzimambo.

59Mambo Arekizanda akanyorera Jonatani kuti auye kuzosangana naye.

60Saizvozvo Jonatani akaenda kuToremaisi zvine mbiri akandosangana namadzimambo maviri aya. Akapa ivo neshamwari dzavo sirivha nendarama nezvipo zvakawanda vakamufarira.

61Chimwe chikwata chemhandupandu dzavanhu chokuIsiraeri chavarume vasina mutemo chakamuunganira chichimupomera mhosva. Asi mambo haana kumbovateerera.

62Mambo akarayira kuti Jonatani abviswe hembe dzake, apfekedzwe hembe dzoruvara rwohute, vakaita saizvozvo.

63Mambo akamuita kuti agare parutivi rwake, akati kumachinda ake, “Endai naye pakati peguta mudaidzire kuti hapana munhu anobvumirwa kupomera Jonatani mhaka ipi neipi zvayo, uye ngaparege kuva nomunhu anomushatirisa pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho.”

64Vaya vaimupomera mhosva pavakaona rukudzo rwaaipiwa maererano nezvaidaidzirwa zviya uye vakaona apfekedzwa hanzu dzoruvara rwohute, vose vakabva vatiza.

65Saizvozvi mambo akamuremekedza akamunyora zita pakati peshamwari dzake dzapamwoyo akamuita mutungamiriri wehondo mukuru, sadunhu weruwa irworwo.

66Jonatani akazodzokera zvake Jerusaremu zvakanaka achifara.

Kukurira kwakaita Jonatani Aporoniusi

67Mugore rezana namakumi matanhatu nechishanu Dhemetiriusi mwanakomana waDhemetiriusi akabva kuKireti akaenda kunyika yamadzibaba ake.

68Mambo Arekizanda paakazvinzwa, zvakamurwadza mwoyo kwazvo akabva adzokera kuAndioku.

69Zvino Dhemetiriusi uyu akagadza Aporoniusi kuti ave sadunhu weKoeresiria akaunganidza hondo huru yavarwi vakandodzika musasa wematendhe wokurwisa Jamunia. Akazotumira shoko kuna Jonatani mupristi mukuru achiti,

70“Iyewe ndiwe woga woga chete uri kudai kutimukira.

Iye zvino ndatova zvanguka chiseko chenyika ini,

munhu anoshoreka pamusana pako.

Sei uchizvipa simba rokutirwisa

munyika yamakomo?

71Zvino kana iwe uchitovimba navarwi

vako vehondo, chiburukira mugan'a

uuye tisangane timirisane tione anokundwa

nokuti ini kuno ndine simba ramaguta andinawo.

72Imbobvunzawo uzive kuti ndini ani

uye kuti ndivanani vari

kutsigirana nesu.

Vanhu vachakuudza kuti haungamirisane nesu

nokuti madzibaba ako akadzvamutswa

kaviri kese munyika mavo imomo.

73Saka zvino haungapamiri iwe navarwi

vangu vamabhiza nehondo yavarwi yakadaro

mugan'a musina kana dombo kunyange

katombo zvako kana kwokutizira.”

74Jonatani paakanzwa mashoko aAporoniusi akabva azara mwoyo neshungu. Akasarudza gumi rezviuru zvavarume akasimuka Jerusaremu oenda, mukoma wake Simoni akasangana naye kuzoita chirwirangwe naye.

75Akandodzika musasa wematendhe kumusuo kweguta reJopa, asi varume vomuguta iri vakapfiga misuo mikuru yaro nokuti Aporoniusi akanga aine chikwata chavarwi muJopa.

76Vakabva varirwisa ndokubva varwi vomuguta irori vabatwa nokutya ndokuzarura misuo mikuru yaro, Jonatani ndokuzviwanira guta reJopa rikabva rava rake.

77Aporoniusi paakazvinzwa akaunganidza zviuru zvitatu zvavarwi vamabhiza nehondo huru yavarwi, akananga kuAzotusi achiita sokunge ava kutopfuurira zvake mberi. Panguva yakareyo akapinda mugan'a sezvo aiva negurusvusvu ravarwi vamabhiza raaivimba naro.

78Jonatani akadzingirirana naye kusvikira kuAzotusi ndokubva patorwiwa hondo.

79Zvino Aporoniusi akanga asiya ahwandisa chiuru chavarwi vamabhiza kuseri kwavo.

80Jonatani akaziva kuti shure kwake uku kune vamwe vakahwandira nokuti vakanga vakomberana hondo yake vachikanda miseve kuvarwi vake kubvira mangwanani kusvikira zuva ranyatsorereka.

81Asi varwi vake vakaramba vangosimbawo sokuudzwa kwavakanga vaitwa naJonatani, Mabhiza omuvengi akabva aneta.

82Simoni ndopaakaunzawo hondo yake ndokurwisa vakanga vakarongana vaya (nokuti varwi vamabhiza vakanga vapera simba) akavakurira vakati ware kutiza.

83Varwi vamabhiza vakaita chimwanda–mwanda mubanimo vakatizira kuAzotusi vakandopinda muBhetidhagoni, temberi yechifananidzo chavo chokunamata vachipotera.

84Asi Jonatani akapisa Azotusi namaguta omunharaunda yacho akaapamba. Temberi yaDhagoni nevose vakanga vapoteramo zvakaroromesa nomoto.

85Vanhu vakaurayiwa namapakatwa nevakaita zvokupiswa nomoto vari vapenyu vose pamwechete vakasvika zviuru zvisere zvavanhu.

86Jonatani akabva ipapo akandodzika musasa wematendhe pakatarisana neAsikoroni ndokubva vanhu vomuguta vabuda kuzomuchingura vachipembera zvikuru kwazvo.

87Jonatani navaaiva navo vakadzokera kuJerusaremu vaine zvinhu zvizhinji zvavakanga vapamba.

88Mambo Arekizanda paakanzwa zvinhu izvi akabva atoremekedza Jonatani zvakanyanya kwazvo.

89Akabva atomutumirawo chikochekero chebhande chendarama chinowanzopiwa vanhu vapaukama namambo. Akamupawo guta reEkironi nenharaunda yaro yose kuti ive nhaka yake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help