2 Timoti Zviri mutsamba yechipiri yaTimoti - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviri mutsamba yechipiri yaTimoti Tsamba yechipiri yaTimoti yakanyorwa naPauro ave pedyo nokufa kwake. Tsamba iyi yaiva yokukurudzira Timoti kuti achitosimba chaizvo mukurwisa zvikuru somusoja waKristu wakatendeka uye akashinga chaizvo. Kunyange tsamba iyi ichikurudzira Timoti kurwisa zvine simba ichiti, usanyare (1:8), ramba wakasimba (1:13), chengetedza zvinhu zvakanaka (1:14), takurawo chikamu chako chenhamo (2:3), vavarira kuva unogamuchirika pamberi paMwari (2:15), inotiwo siyana nenharo dzehwana huduku namagakava (2:22–23), chenjerera vamwe vanhu (4:14–15). Mutsamba iyi Shoko raMwari rinonzi ndiwo musimboti. Inokurudzira kuti munhamo dziripo iye zvino ashinge (1) uye ashingezve mune dzimwe dzichauya (2—3). Tsamba iyi inoti tora Pauro somuenzaniso wako muchitendero nomwoyo murefu norudo nokushinga nokutambudzirwa chitendero. Anopiwawo muenzaniso womusoja (2:3–4), nowomumhanyi (2:5) nowomurimi (2:6) uye womushandi (2:15) kana womudziyo womumba (2:20–21). Tsamba iyi ndeyokuudza mwana hupedzesera chaiyo, yomunhu ava kuda kufa.Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yechipiri yaTimotiKusuma (1:1–2)Zvipo zvakagamuchirwa naTimoti (1:3–18)Murwi kwaye waKristu Jesu (2:1–13)Mushandi waMwari chenjerera vadzidzisi venhema (2:14–26)Mazuva okupedzisira (3:1–9)Yambiro yokupedzisira (3:10—4:13)Mashoko okuoneka (4:14–18)Kwaziso yokupedzisa (4:19–22)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help