2 Samueri 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Kwakaitika hondo kwenguva ndefu kwazvo pakati pemhuri yokwaSauro neyokwaDhavhidhi. Dhavhidhi akaramba achisimbarara, uku vemhuri yokwaSauro vakaramba vachiderera.

Vanakomana vaDhavhidhi

2Dhavhidhi wakabereka vana vakomana kuHebhuroni.

Dangwe rake ndiAmoni waakaberekerwa

naAhinoamu wokuJezireeri.

3Wechipiri ndiKireabhu waakaberekerwa naAbhigairi,

chirikadzi yaNabhari wokuKarimeri.

Wechitatu ndiAbhusharomu waakaberekerwa naMaaka,

mukunda waTarimai, mambo weGeshuri.

4Wechina ndiAdhoniya waakaberekerwa

naHagiti.

Wechishanu ndiShefatiya waakaberekerwa naAbhitari.

5Wechitanhatu ndiItireamu wokuEgira

mudzimai waDhavhidhi

Ivava ndovana vaDhavhidhi vakomana

vakaberekerwa muHebhuroni.

Kunzwanana kwazoita Abhuneru naDhavhidhi

6Hondo payaingunotsviriridza kudaro pakati pemhuri yokwaSauro nemhuri yokwaDhavhidhi, Abhuneru akanga achitoita kuti ukuru hwake hudzike midzi mumhuri yokwaSauro.

7Zvino Sauro aiva nomurongo wake ainzi Rizipa mwanasikana waAiya. Ishibhosheti akabvunza Abhuneru kuti, “Wapindwa nei kubva wapinda mumba nomurongo wababa vangu?”

8Abhuneru akashatiriswa kwazvo nezvakataurwa naIshibhosheti izvi akati, “Heya unoti ndiri mbwaka ini, yokwaJudha? Iye nhasi uno ndiri munhu ano mwoyochena kumhuri yokwaSauro, baba vako nokuvakoma navanun'una vavo, neshamwari dzavo. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Asi zvino wava kundipa mhosvaka iwe yezvomukadziwo zvake.

9Mwari ngaandione, asve andiomesera kwazvo iyeni Abhuneru kana ndikarega kuchiitira Dhavhidhi zvaakamutsidzira,

10zvokubvisa umambo mumba yokwaSauro agoita kuti umambo hwaDhavhidhi hudzike midzi muIsiraeri nokwaJudha, kubvira kwaDhani kusvikira kuBheerishebha.”

11Ishibhosheti haana kana kuzokwanisa kumupindura chinhu nokuti akanga ava kumutya.

12Abhuneru akatumira nhume kuna Dhavhidhi kuHebhuroni kundoti, “Muridzi wenyika ino ndiani? Imi neni ngatiitei chibvumirano. Zviripo ndezvizvi ini ndichakubatsirai kuunganidza Isiraeri yose kwamuri.”

13Akati, “Zvakanaka, ngatiitei zvedu chibvumirano. Asi chinhu chimwechete chandinokumbira kwauri ndechichi chokuti: handidi kuonana newe kusatoti wauya naMikari, mukunda waSauro paunouya kuzondiona.”

14Dhavhidhi akabva atumirawo nhume kuna Ishibhosheti mwanakomana waSauro kundoti, “Ndipe kuno mukadzi wangu, Mikari wandakaroora nezana rezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia.”

15Ishibhosheti akatumirawo nhume akamutora kumurume wake Paritieri mwana wavaRaishi.

16Asi murume wake akaendawo naye achimutevera achichema nzira yose kusvikira kuBhahurimu. Abhuneru akazomuti, “Chienda, chidzokera.” Iye ndokudzokera.

17Abhuneru akataurirana navakuru vakuru vokwaIsiraeri kuti, “Kwenguva yapera iyi manga muchingunotsvaka kuti Dhavhidhi ave mambo wenyu.

18Zvino dai machiita zvenyu kudaro nokuti Tenzi akatotsidzira Dhavhidhi kuti, ‘Ndichashandisa muranda wangu, Dhavhidhi kununura vanhu vangu vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia nomumaoko avavengi vavo vose.’ ”

19Abhuneru akataurawo nevokwaBhenjamini akandosvitsawo munzeve dzaDhavhidhi kuHebhuroni, zvinhu zvose zvakanga zvakanaka mukuona kwevokwaIsiraeri nomukuonawo kwavose vedzinza rokwaBhenjamini.

20Abhuneru akasvika kuna Dhavhidhi kuHebhuroni aina makumi maviri avarume. Dhavhidhi akaitira Abhuneru navarume vaaiva navo mabiko.

21Abhuneru akati kuna Dhavhidhi, “Chiregai ndisimuke ndiende zvangu ndindounganidza Isiraeri yose pasi penyu mambo, changamire kuti vaite chibvumirano nemi uyewo kuti mugotonga nyika yose imi muchifadzwawo nazvo.” Naizvozvo Dhavhidhi akati Abhuneru aende zvake, Abhuneru ndokuenda zvake zvakanaka.

Kuurayiwa kwakaitwa Abhuneru

22Pakarepo makurukota okwaDhavhidhi akabva ati tutururu vhe vaina Joabhu vachibva kundopamba vakagukuchira zvinhu zvakawanda kwazvo zvavakanga vapamba. Asi Abhuneru akanga atobva kare pana Dhavhidhi kuHebhuroni nokuti akanga ati aende zvake iyewo ndokuendawo zvake zvakanaka.

23Pakasvika Joabhu nehondo yose yaaiva nayo, vanhu vakataurira Joabhu kuti, “Abhuneru mwanakomana waNeru auya kuna mambo, ivo vatomurega zvavo akaenda, akatoendawo zvake zvakanaka.”

24Joabhu akabva aenda kuna mambo akati, “Ko ndochii ichochi chamaita? Abhuneru kutouya zvake kwamuri kuno, sei imi mamurega achienda? Kuendaka kwaatoita ikoku.

25Zivai kuti Abhuneru mwana waNeru chaichoicho chaanga avinga kuno kuzokunyengedzai nokuongorora mafambiro enyu nokuzivurura zvose zvamuri kuita.”

26Joabhu paakangoti ibvei pana Dhavhidhi, akatuma nhume kutevera Abhuneru. Dzakadzoka naye kubva kutsime repaSira. Asi Dhavhidhi haana kuzviziva.

27Pakadzoka Abhuneru kuHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi munhandare yesuo guru reguta kuti ambotaurirana zvake kazevezeve naye. Ipapo ndopaakamubhovhora mudumbu akabva afa kuri kutsividza ropa romunun'una wake Asaheri raakadeura.

28Kuzoti Dhavhidhi paakazvinzwa akati, “Ini nevokwangu tichagara nariini wose tisina mhosva pana Tenzi yokudeura ropa raAbhuneru mwanakomana waNeru.

29Ngaipfukire iye Joabhu navose vemba yokwababa vake. Mumhuri yokwaJoabhu ngamurege kushayikwa vanhu vanotambura neizvi zvinoti: chirwere chezvinobuda mumuviri, namaperembudzi navanotoda mudonzvo kuti vafambe navanoita zvokuurayiwa nebakatwa kana vanofa nenzara!”

30Ndozvakaita Joabhu nomunun'una wake Abhishai, vakauraya Abhuneru nokuti Abhuneru akanga auraya munun'una wavo Asaheri muhondo kuGibheoni.

Kuvigwa kwaAbhuneru

31Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokuvanhu vose vaiva naye, “Bvarurai hanzu dzenyu mupfeke masaga mucheme Abhuneru.” Mambo Dhavhidhi pachavo vakatevera banda raiva nechitunha.

32Vakaviga Abhuneru kuHebhuroni. Mambo vakaridza mhere vakahwihwidza kuchema vari paguva raAbhuneru, vanhu vose vakahwihwidzawo kuchema.

33Dhavhidhi akaimba rwiyo rwengondo kuchema Abhuneru achiti:

“Abhuneri kufa here chokwadi serema kudai.

34Haunaka iwe kumbosungwa maoko;

makumbo ako ngetani hadzizivi.

Mufiro wako ndowa avo chete,

vanofa mumaoko avakaipa.”

Vanhu vose vakahwihwidza kumuchema.

35Vanhu vose vakauya kuzonyengetedza Dhavhidhi kuti awane chaangadye zuva risati radoka. Asi Dhavhidhi akatsidza kuti, “Mwari ngaandione asve andiomesera kwazvo kana ndikaruma chingwa mukanwa mangu kana chimwewo zvacho zuva risati radoka!”

36Vanhu vakazviona zvikavafadza. Zvose zvakaitwa namambo zvakafadza vanhu vose.

37Naizvozvo vanhu vose nevokwaIsiraeri vose vakazviziva zuva iroro kuti chakanga chisiri chido chamambo chokuti Abhuneru mwanakomana waNeru aurayiwe.

38Mambo akati kumakurukota ake, “Hamuzive here kuti nhasi uno muIsiraeri tashayikirwa nachangamire chaivo, gamba chairo?

39Kunyange zvazvo ndakagadzwa umambo, zvanhasi uno izvi ini zvandipedza simba ini. Zvavana Zeruya ava zvandiomera. Tenzi ngaarange munhu wakaipa zvakakodzerana nouipi hwake.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help