Isaya 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Shoko raMwari kunamambo Ahazi(2 Nhor 28:5,16; 2 Madzi 16:5–9)

1Mumazuva aAhazi mwanakomana waJotamu mwanakomana waUziya mambo wokwaJudha, Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria mambo wokwaIsiraeri vakauya kuzorwisa guta reJerusaremu asi havana kukwanisa kurikurira.

2Pazvakasvika munzeve dzevemba yaDhavhidhi kuti Siria neEfuremu dzaita rimwe rokuda kukutsirana, iye navanhu vose vakadedera mumwoyo sezvinongoita miti yomusango ichivhuvhutwa nemhepo.

3Tenzi akati kuna Isaya, “Iwe nemwanakomana wako Sheariyashuvhu endai mundosangana naAhazi, kunoperera mugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokumunda womusuki wembatya

4usvikoti kwaari,

“Chinyatsonzwisisa, nyarara, rega kutya.

Usadedereswe mwoyo pamusana pezvigutsa

izvi zviviri zviri kupfungaira

pamusana pokutya kuviruka nehasha kwaRezini nekweSiria

nekwemwanakomana waRemaria

5vadai kukufungira zano

rakaipa vachiti,

6‘Handei tindorwisa nyika yokwaJudha

tiidederese nokutya.

Ngatindoikurira tiite yedu tigadze

mwanakomana waTabhieri umambo pakati payo.

7Izvi ndizvo zviri kurehwa naTenzi Mwari.’

Izvozvo hazvisi kuzombomira

uye hazvizi kuzomboitika.

8Handiti guta guru reSiria iDhamasikusi,

uye musoro weDhamasikusi ndiRezini handiti?

(Kusati kwapera makore makumi

matanhatu namashanu

Efuremu iyi ichaparara kuita ubvurubvuru chaihwo

zvokuti ichasara isisiri dzinza).

9“Uye vokwaEfuremu vanovimba neSamaria,

handitiwo musoro weSamaria

ndiye mwanakomana waRemaria.

Kana iwe usina chokwadi nazvo

pamusana paizvozvo haumbopamira.”

Imanueri chiratidzo chokuratidza kuti Mwari anesu

10Tenzi akataurazve kuna Ahazi achiti,

11“Kumbira Tenzi Mwari wako chiratidzo, chingave chakadzika pasi pasi senzvimbo yavachakabvu kana kuti chiri kudengadenga sedenga.”

12Asi Ahazi akati, “Handidi kukumbira! Handidi kuedza Tenzi.”

13Iye akati, “Chinzwai imi vemba yaDhavhidhi. Iko kunetsa vanhu kwamunoita hakukukwanirei here zvamunoda kutonetsawo kunyange naMwari wangu?

14Naizvozvo Tenzi pachavo ndivo vachakupai chiratidzo. Chiteererai munzwe, mhandara yava napamuviri ichabereka mwana mukomana waichatumidza zita rokuti Imanueri.

15Achatosvika pakudya mukaka wakakora nouchi nokuti anenge oziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka.

16Ndinodaro nokuti mwana iyeyu paachange asati aziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka, nyika yacho ine madzimambo maviri ari kukudederesai ichasara yangova nyikawo zvayo, isisina munhu.

17“Tenzi achakupinzai imi navanhu venyu nevemba yemadzibaba enyu mumazuva asati ambovapo kubvira nguva yakabva vokwaEfuremu kune wokwaJudha, wacho ari kurehwa apa ndimambo weAsiria.

18“Pazuva iroro Tenzi acharidzira mheterwa nhunzi dziri kunovambira hova dzokuIjipiti, nenyuchi dziri kunyika yeAsiria.

19Dzichauya dzichizomhara mumakoronga akanyura chaizvo emumakomo nomumitswe yakadzika yematombo nomuzvikwenzi zvose zveminzwa nomumafuro mose.

20“Musi iwoyo Tenzi achagusa nechisvo chaanenge akwereta kumhiri kwerwizi rwaYufuratesi chisvo chacho chiri chamambo weAsiria achigusa musoro nevhudzi rokumakumbo chichiwumbura nendebvu.

21Pazuva iroro munhu achange akapfuwa mhou ichiri duku nenhunzvi mbiri dzehwai

22pamusana pokuwanda kwomukaka wadzinenge dzichibudisa; iye achadya zvake mukaka wakakora nokuti munhu wose anenge asara ari munyika ino achadya mukaka wakakora nouchi.

23“Musi iwoyo munda wose wose waimbova nechiuru chimwechete chemiti yemigirepisi chinoita chiuru chimwechete chemari yesirivha yemashekeri, uchanyatsoti memete nemakwenzi eminzwa norukato.

24Vanhu vanenge vava kutoenda kundovhima vaine uta nemiseve nokuti nyika yose ichange yangova minzwa norukato chete.

25Kana zviri zvomuzvikomo maimborimwa nemapadza hamuzombokuenda asi nokutya minzwa norukato kuti kuchange kwava zvako kwokusaidzira mombe kwava kwokutotsokodzerwa zvako nehwai.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help