Kuverengwa 34 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Miganho yenyika yevaIsiraeri

1Tenzi akataurira Mosesi achiti,

2“Udza vaIsiraeri kuti, kana masvika kunyika yeKanani, nyika ichava yenhaka yenyu, nyika yeKanani nemiganho yayo ndeiyi inoti:

3rutivi rwenyika iyoyo rwokuchamhembe ruchatangira kurenje reZini, ruchitevedza nokurutivi rweEdhomu. Muganho wayo wokumaodzanyemba uchatangisira kunoperera gungwa Romunyu nechokumabvazuva.

4Muganho wayo uchapota napamukwidza weAkirabhimu uchipfuura nokurenje reZini, uchizondosvika kumaodzanyemba kweKadheshibharinea wozoenda kuHazariadhari, uchizondosvika kuAzimoni.

5Muganho wacho uchabva kuAzimoni wopota nokukakova kanonzi KakovakeIjipiti wozondogumira kugungwa.

6“Muganho wavo wokumadokero uchava gungwa Dzvuku nemahombekombe aro. Iwoyu ndiwo muganhu wenyu wokumadokero.

7“Muganho wenyu wokuchamhembe ndouyu, muchautara uchibva kugungwa guru uchienda kugomo reHoru,

8wozobva kugomo reHoru, woita sewava kupinda muguta reHamati. Muganho iwoyu unozosvika kuZedhadhi.

9Wozobvapo woenda kuZifuroni, wondoperera wava Hazarenani. Iwoyu ndiwo uchava muganho wavo wokuchamhembe.

10“Muchatara muganho wenyu wokumabvazuva kubva paHazarenani kusvika kuShefamu.

11Wozodzika uchibva Shefamu wosvika kuRibhura nechokumabvazuva kweAini. Wodzikazve kundosvika kumateru egungwa reKinereti kuri kumabvazuva.

12Wozodzika kuna Jorodhani uchindoperera kuGungwa roMunyu. Iyoyi ndiyo nyika yenyu nemiganhu yayo inoipoteredza.”

13Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Iyoyi ndiyo nyika yenhaka yenyu yamuchagovana nechin'ange sekutemwa kwayakaitwa naTenzi, ichipiwa madzinza mapfumbamwe nechikamu chapakati napakati cherimwe dzinza

14nokuti vedzinza rokwaRubheni nemhuri dzavo, nevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo pamwechete nechikamu chapakati napakati chevedzinza rokwaManase vanenge vatowana kare nhaka yavo.

15Vamadzinza iwaya maviri, nechikamu chepakati nepakati cherimwe dzinza vanenge vatowana kare nhaka yavo kumhiri kwaJorodhani kwakatarisana neJeriko kunobuda nezuva kumabvazuva.”

Vatungamiriri vakapiwa basa rokugovanisa nyika yavaIsiraeri

16Tenzi akataurira Mosesi achiti,

17“Aya ndiwo mazita avanhu vachakugovanisai nyika yenyu kunoti: Mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni.

18Munofanira kusarudza mutungamiriri mumwechete padzinza roga roga wokugova nyika.

19Aya ndiwo mazita avarume vacho:

“Wedzinza rokwaJudha ndiKarebhu

mwanakomana waJefune.

20Wedzinza rokwaSimeoni ndiShemueri

mwanakomana waAmihudhi.

21Wedzinza rokwaBhenjamini ndiEridhadhi

mwanakomana waKisironi.

22Wedzinza rokwaDhani ndiBhuki

mwanakomana waJongiri.

23VokwaJosefi, wedzinza rokwaManase ndiHanieri

mwanakomana waEfodhi.

24Wedzinza rokwaEfuremu ndiKemueri

mwanakomana waShifutani.

25Wedzinza rokwaZebhuruni ndiErizafani

mwanakomana waParinaki.

26Wedzinza rokwaIsakari ndiParitieri

mwanakomana waAzani.

27Wedzinza rokwaAsheri ndiAhihudhi

mwanakomana waSheromi.

28Wedzinza rokwaNafutari ndiPedhaheri

mwanakomana waAmihudhi.”

29Ava ndivo varume vakapiwa naTenzi basa rokugovanisa vaIsiraeri nyika yeKanani.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help