Vatongi 17 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

IV: ZVIMWEWO ZVOMUBHUKU RAVATONGI1. NZVIMBO DZOKUNAMATIRA, YAMIKA, neyokwaDHANIVamwari vaMika

1Munyika yokwaEfuraimu yamakomo makanga muine mumwe murume ainzi Mika.

2Akati kuna amai vake, “Chiuru chiya nezana rimwechete remari yesirivha zvamakabirwa, mukarengerera rushambwa nyakuitora wacho ndichinzwa mufungeka, ndini ndakaitora.”

Amai vake ndokuti, “Mwanangu, dai Tenzi akachikukomborera zvake.”

3Akadzosera amai vake chiuru chiya nezana rimwechete rezvidimbu zvesirivha. Amai vake vakati, “Ini nemwoyo wangu wose ndinoturira kuna Tenzi sirivha iyi ndichireverera mwana wangu kuti kugadzirwe chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha. Zvino ndochikudzosera sirivha iyoyo.”

4Paakadzosera amai vake mari iyi, vakatora mazana maviri ezvidimbu zvesirivha ndokupa kune mupfuri wesirivha. Iye akagadzira chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha, chikaiswa mumba maMika.

5Mika uyu aiva nemba yebanya mokunamatira vamwari. Akagadzira hanzu yeEfodhi namwari wake anonzi terafimu, akagadza mumwe mwana wake mukomana kuti ave mupristi wake.

6Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo. Yaingova njake njake, munhu wose achingoita zvake zvomusoro wake.

7Zvino kwaiva nomumwe murume aiva wechidiki wedzinza rokwaRevhi aimbogara muguta reBheterehemu rokwaJudha.

8Akatama kuBheterehemu rokwaJudha ikoko achindotsvaka pokugara. Ari munzira akasvika mumusha waMika kunyika yaEfuraimu yamakomo.

9Mika akamubvunza achiti, “Unobva kupiko?” Murume uyu ndokuti, “Ndiri muRevhi wokuguta reBheterehemu rokwaJudha. Ndiri kufamba zvangu ndichitsvakawo pokugara.”

10Mika akamuti, “Dai wachigara zvako neni ugova baba nomupristi kwandiri ini ndichikutambirisa zvidimbu zvesirivha gumi pagore, ndichikupawo sutu yokupfeka nechokudya.” Ndokubva muRevhi apinda mumba.

11Saka muRevhi uyu akagutsikana zvake kugara naye. Jaya iri raingoita somumwe wevana vake.

12Mika akagadza jaya iri muRevhi iyeyo, rakava mupristi wake, akagara mumusha maMika.

13Mika akachiti, “iye zvino ndava nechokwadi chokuti Tenzi achaita kuti zvinhu zvindifambire zvakanaka nokuti ndava nomupristi wangu wechiRevhi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help