1 Vakorinde 6 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

C: KUKWIRIRANA KUMATARE ENYIKA

1Kana mumwe wenyu akanganisirwa nomumwe, angafunge here chokwadi kuenda kumatare avanhu vasiri vanamati, panze pokuenda kuna vatsvene?

2Hamuzivi here kuti vatsvene ndivo vachatonga pasi pose? Zvino kana pasi pachizotongwa nemi hamugoni here kuenzanisa tunyaya tudiki twakadaro?

3Hamuzivi here kuti tisu tichatonga vatumwa; kokutozoti nyaya dzoupenyu huno?

4Zvino kana muine nyaya dzakadaro munodziendeserei kuna vanhu vasingaverengwi nesangano?

5Ndinotaura izvi kwamuri kuti munyare. Ndizvo here kuti hapana munhu pakati penyu mungwaru anogona kuenzanisa hama nehama?

6Asi hama iri kutokwirirana matare neimwe hama pamberi pavasiri vatendi.

7Kukwirirana matare kukundikana ikoko. Zvinodii zvazvo kusva watakura zvako zvaunotadzirwa? Unodii kusva wanyengedzwa zvako?

8Asi iyemi pachenyu ndimi munoita zvakaipa muchibiridzira, muchitoita izvozvo kunyange kuhama dzenyu.

9Hamuzivisu kuti vasakarurama havawane nhaka youmambo hwaMwari. Musazvinyengedze kuti hapana unzenza navanamati vezvisiri Mwari, kana mhombwe navarume vanoita zvakaipa navamwe varume,

10kana mbavha, kana vano ruchiva, kana zvidhakwa kana vanyombi kana makororo vanokwanisa kupinda muumambo hwaMwari.

11Ndizvo zvakanga zvakaitawo vamwe venyu asi makashambidzwa mukaitwa vatsvene, mukaruramiswa muzita raTenzi Jesu Kristu uye muna Mweya waMwari wedu.

D: SHANDISAI MUVIRI WENYU KURUMBIDZA MWARI

12Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose

asi hazvisi zvose zvinobatsira

Hongu ndinobvumirwa zvinhu zvose

asi handibvumi kuitwa muranda nechii zvacho.

13Chokudya chakaitirwa dumbu

dumbu rakaitirwa chokudya.

Asi Mwari achazviparadza zvose zviri zviviri

Muviri hausi wounzenza

asi ndowaTenzi,

Tenziwo ndewe muviri

14Mwari akamutsa Tenzi

uye achatimutsawo nesimba rake.

15Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu? Zvino ndingatore here nhengo dzomuviri waKristu ndichidziita nhengo dzomuviri wepfambi? Hazvimbofa zvakaitika.

16Hamuzivi here kuti munhu anozvibatanidza nepfambi anobva ava muviri mumwechete nepfambi? Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vaviri ivavo vachava nyama imwechete.”

17Munhuwo anobatana naTenzi anova mweya mumwechete naye

18Sianayi noupombwe. Zvimwe zvitadzo zvose zvinoitwa nomunhu zviri kunze komuviri asi munhu anoita zvoupombwe anotadzira muviri wake.

19Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene ari mamuri anobva kuna Mwari? Hamusirimi muridzi wezvamuri.

20Makatengwa nomutengo. Naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help