Nziyo Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Bhuku reNziyo ndiro bhuku rakakura kupinda mamwe ose uye ibhuku rakakwanisa kududza namazwi zvinodiwa nomunhu kana zvinogona kuva mumwoyo womunhu zvakaita sokufara, hondo noruenzaniso norugare nokunamata nokutongwa kuchauya nokurumbidza nepfungwa yokuva naMesia netariro nokuungudza nezvimwe zvakadaro. MuchiHebheru rinonzi Bhuku Rokurumbidza rakaumbwa kana kuti rina mabhuku mashanu mariri. Mabhuku mashanu aya ari mubhuku iri ane misoro gumi yezvinhu zvarinotaura nezvazvo zvinoti: 1 kuungudza komunhu mumwechete, 2 kuungudza kwavazhinji, 3 kutenda Mwari uri woga, 4 kutenda Mwari makawanda, 5 kurumbidza Mwari, 6 nziyo dzinorumbidza Mwari dzichitsanangura, 7 nziyo dzokugadza nadzo mambo, 8 nziyo dzeZioni kana kuti dzavaifamba vachiimba vachikwira kuJerusaremu kumazuva makuru, 9 nziyo dzoumambo (hwaMwari nohwavanhu), 10 nziyo dzoungwaru nedzokudzidzisa.Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku reNziyoBhuku iri rine nziyo 150 dzakakamuraniswa mumabhuku mashanu aya:Nziyo (1—41)Nziyo (42—72)Nziyo (73—89)Nziyo (90—106)Nziyo (107—150)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help