Sira 51 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

ZVIMWEWORumbo rwokutenda Mwari

1“Ndinokutendai imi Tenzi, Mambo;

ndichikurumbidzai, imi Mwari Muponesi wangu.

2Ndinorumbidza zita renyu

ndimi maindidzivirira nokundibatsira;

makandinunura kuti ndisaparadzwe,

uye, makandinunura kururimi runotaura makuhwa

uyewo kumuromo unotaura nhema.

Kune vakanga vakamirisana neni,

mukandibatsira, mukandinunura.

3Netsitsi dzenyu dzakanyanya, uye, nezita renyu guru,

makandinunura kumazino avaida kunditsenga,

nomumaoko avaida kundiparadza upenyu.

Makandiburitsawo munhamo zhinji

dzandakapindana nadzo

4uye mumoto unokachidza wakanga wakanditenderedza

pandakanga ndiri mukati momoto wandisina kubatidza.

5Makandinunura kurufu ndikasaenda

pasi pasi penzvimbo yavakafa,

makandinunura kururimi rwakan'ora nokumazwi amanyepo

6pandakapomerwa mhosva paya kuna mambo nomunhu

asina kururama,

ndakanga ndotoda kufa,

mweya wangu wakanga wadzika pedyo nenzvimbo yavafi.

7Vakandikomba kumativi ose,

pasina anondibatsira,

ndakatsvaga wokundibatsira ndikamushaya.

8Ndakachizoyeuka tsitsi dzenyu,

imi Tenzi, namabasa makuru amakaita kubvira

kare nakare,

uye kuti imi munoponesa vanokumirirai

muchivanunura kumaoko avavengi vavo.

9Ndakasvitsa chichemo changu chichibva panyika,

ndakumbira kuti ndinunurwe kurufu.

10Ndakachema ndichiti, ‘Tenzi ndimi baba vangu,

musandisiye ndiri munhamo,

pandinenge ndisina rubatsiro

pavanhu vanozvikudza.

Ndicharamba ndichirumbidza zita renyu,

ndichiriimbira ndichikutendai.’

11Chichemo changu makachinzwa,

mukandiponesa kuti ndisaparadzwe,

mukandinunura kune zvakaipa.

12Naizvozvo ndicharamba ndichikutendai nokukuimbirai,

ndichirumbidza zita renyu imi Tenzi.”

Nhetembo yezvokutsvaga ungwaru

13Zvandakanga ndichiri muduku, ndisati ndafamba nzendo dzangu,

ndakanamata zviri pachena ndichikumbira ungwaru.

14Ndakaukumbira ndiri pamberi peTemberi yaMwari,

ndicharamba ndichiutsvaka kusvikira pakupedzisira.

15Mwoyo wangu wakaufarira kubvira pakutumbuka kweruva

rahwo kusvikira pakuibva kwomuchero wahwo.

Rutsoka rwangu rwakaramba ruchingoutevera munzira,

yahwo yakati tasa kubvira pauduku hwangu.

16Pandakangotangisa kuupa nzeve, ndakaunzwa,

ndikadzidza zvakawanda.

17Ndakazoenderera mberi muungwaru.

Ngaarumbidzwe uyo akandipa ungwaru!

18Ndakatsunga mwoyo kugara upenyu huno ungwaru

ndakaita shungu nezvakanaka,

handichambofa ndakanyara nazvo.

19Mweya wangu wakarwisa kuti ndiwane ungwaru,

ndakanyatsoita zvinhu zvose nemazvo

ndakatambanudzira maoko angu kudenga

ndichichema kusaziva kwangu ungwaru.

20Mweya wangu wakatsvira ungwaru

neshungu ndikauwana nokuzvinatsa kwandaiita.

Kubvira pakutanga ndaiva neshungu dzokuuwana,

saka hauchambozondisiya.

21Ndakahutsvaga nakwose kwandinogona,

ndakazouwana hwakati kuti.

22Mwari akandipa mubairo wokugona kutaura,

ini ndichamurumbidza narwo.

23Uyai kwandiri, imi musati madzidziswa,

mugare muchikoro mangu.

24Seiko muchibvuma zvenyu kuti hamuna ungwaru,

asi muchigara muine nyota yahwo?

25Ndakazarura muromo wangu ndichiti,

“Zviwanirei ungwaru pasina mari

mugozviwanira ungwaru pasina mutengo.

26Pinzai mitsipa yenyu mujoko rahwo,

mugodzidza,

nokuti hunowanikwa pedyo.

27Zvionerei nemeso enyu kuti kushingaira kwangu,

kushoma asi zvino ndakawana zororo.

28Tengai zvenyu ungwaru nesirivha yakawanda,

hunokubatsirai kuwana ndarama zhinji.

29Farirai tsitsi dzaMwari,

musanyare kumurumbidza.

30Itai basa renyu nenguva,

iye achazokupai mubayiro nenguva yake.”

Ungwaru hwaJesu Mwana waSira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help