Isaya 64 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Dai mabvurura matenga

mukaburuka pasi pano,

makomo angandengendeke

nokuvapo kwenyu imi,

2sokubvira kunoita tsotso,

sokufashaidza mvura kunoita moto

kuti zita renyu rizivikanwe

nevavengi venyu,

marudzi adedere

pamusana pokuvapo kwenyu.

3Inga wani makaita zvinhu zvinotyisa

zvatakanga tisingatarisiri.

Makaburuka pasi

makomo akandengendeka

pamusana pokuvapo kwenyu.

4Kubvira pasichigare

hazvina kumbonzwika

kana kupinda munhu munzeve

kunyange ziso zvaro

rati ramboona mumwe Mwari

kunze kwenyu imimi,

anoitira zvakadai

vanotarisira kwaari.

5Munosanganawo naanofarira

kuita zvakarurama,

ivo vanokurangarirai

panzira dzenyu imi.

Handiti makashatirwa,

isu tichikutadzirai

tagarisa muzvitadzo zvedu

zvino tichaponeswawo here iyesu?

6Tose zvedu isu,

tangova somunhu akan'ora.

Zvose zvazvo zvoururami zvatakaita

zvava kunge hanzu dzakatindivara.

Tose tabhuruvara seshizha.

Zvino uipi hwedu uhu

hunotipupurutsa semhepo.

7Hakuna kana nomumwe

achiri kunamata zita renyu

kana anombonzwawo shungu

yokuti abatirire pamuri,

nokuti makazvihwandisa kwatiri

ndokubva matiti kuche

kuzvitadzo zvedu.

8Asi imi Tenzi,

ndimi Baba wedu.

Isu tiri ivhu rokuumbisa

imi ndimi muumbi wedu

tose zvedu

tiri basa ramakaita

imi namaoko enyu.

9Tenzi

regai zvenyu

kubva matoshatirwa mukadaro.

Regai zvenyu

kuramba mongorangarira zvakaipa nokusingaperi.

Tonderai

inga wani tose

tiri vanhu venyu.

10Maguta enyu anoera

angova renje zvaro,

guta reZioni rava renje chairo,

Jerusaremu rave dongo.

11Imba yedu iyi

inoera yakanakisisa kwazvo

mamairemekedzerwa nemadzibaba edu

yakaroromeswa nomoto.

Nzvimbo dzedu dzose dzakanaka

dzangova matongo zvawo.

12Zvino moramba makangotarisa

zvenyu here zvinhu zvakadai

nhai Tenzi?

Moramba makangonyarara

zvenyu here muchitionesa

nhamo inorwadza kudai?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help