Isaya 50 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Tenzi ari kuti,

“Ko tsamba yegupuro

yandakapa amai venyu iripiko

yandakavaramba nayo?

Kana kuti ndiani wandine chikwereti naye

kwandakakuendesai

somuripo wechikwereti?

Chinzwai, makaendeswako somuripo

pamusana pouipi hwenyu

kukanganisa kwenyu imi

ndokwakaita kuti amai venyu varambwe.

2Seiko pandakauya

ndisina kusvikowana munhu,

zvandakadaidza

sei pasina akadaira?

Ko ruoko rwangu rwakapfupikiswa

zvokuti harugone kununura here?

Kana kuti simba rokununura

handina here?

Chinzwai,

nezwi rangu ini rokutsiura,

gungwa rinobva raoma,

ndichiita kuti nzizi

dzive gwenga zvaro,

hove dzadzo dzigonhuhwa

nokushaya mvura

dzichifa nenyota.

3Ndinoitisa matenga

kuti ati ndo-o kusviba

ndichiapfekedza masaga

sehanzu inopfekwa neakafirwa.”

Kuteerera kwomuranda waTenzi

4Tenzi Mwari akandipa

muromo wakadzidziswa

kuti ndizive kusimbaradza

neshoko vakarukutika.

Mangwanani oga oga anondimutsa

anondimutsa kuti nzeve yangu

iite seyomudzidzi.

5Tenzi Mwari

akazarura nzeve dzangu

ini handina kupanduka

kana kufuratira.

6Ndakarega vanhu

vachindirova musana

ndikatendeutsira matama angu

kune vaindidzura ndebvu.

Handina kuvanza chiso changu

pamusana penyadzi

kana nokupfirwa mate.

7Sezvo Tenzi Mwari anondibatsira

naizvozvo handimbopazama musoro,

ndokusaka ini ndakaruma shaya

uye ndinoziva kuti

handizombonyadziswa.

8Anondipipirira

ari padyo.

Ndiani angapikisane neni?

Ngatimirisanei.

Ari kundipa mhosva wacho ndiani?

Ngaauye pano pandiri.

9Chinzwa,

Tenzi Mwari anondiyamura.

Ndiani achanditi

iwe une mhosva?

Teerera unzwe,

vose zvavo vachasakara sehembhe

vachidyiwa notumashaveshave.

10Ndiani pakati penyu

anotya Tenzi

iye anoteerera izwi

romuranda wake,

anofamba murima

asina mwenje

anovimba nezita yaTenzi?

Achitsamira pana Mwari wake?

11Chinzwai munzwe

imi mose munotungidza moto

imi munobatidza mazhenje,

fambaika zvenyu

muchiedza chomoto wenyu iwoyo

nemazhenje iwayo amakatungidza.

Asi shamhu yandichakupai

noruoko rwangu

ndeyokugara munhamo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help