Mavambo 49 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mazwi aJakobho okupedzisira

1Jakobho akakokorodza vanakomana vake akati,

“Chiunganai pano mose ndikuudzei

zvichazoitika kwamuri mune ramangwana.

2Unganai nuteerere imi vana Jakobho,

munzwe zvandava kutaura ini Isiraeri baba wenyu.

3Rubheni, ndiwe dangwe rangu,

chiratidzo chokutanga chesimba rangu,

wandakabereka ndichiri kuzvinzwa.

Pasimba napakukudzwa ndiwe wapamusoro.

4Unovhaira semvura iri kuvira,

asi hauzovi mukuru

nokuti wakapinda iwe mumba mangu, ini baba

ukan'oresa pandinorara,

uchitoenda zvako pauriri hwangu.

5“Simeoni naRevhi mukoma nomun'una,

zvombo zvehondo zvavo ndezvokumutsisa musindo chete.

6Pabangano ravo handitsikipo,

handina chandinoronga navo,

nokuti vakauraya vanhu vakashatirwa.

Vakacheka marunda emombe, vachiita zvoutsinye zvavo.

7Mwari ngaarange kutsamwa kwavo,

nokuti kunotyisa.

Ngaarange hasha dzavo

nokuti dzinovaitisa utsinye.

Ndichati mumwararire zvenyu muzvizvarwa zvaJakobho

muti mwarara zvenyu mukati mavaIsiraeri.

8“Iwe Judha, ndiwe ucharumbidzwa nehama dzako.

Uchadzipa huro dzavavengi vako uchivakurira,

vana vababa vako vachakugwadamira.

9Judha mwana weshumba chaiyo,

anobata nyama achibva adzokera kubako rake,

ondozorora zvake akazvambarara.

Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa.

10Tsvimbo youshe haizobvi pana Judha.

Haazotorerwa nyembe youmambo,

kusvikira muridzi wenyembe asvika.

Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera.

11Achasungirira dhongi rake pamugirepisi

achasungirira chigondora chake chedhongi

pamugirepisi wakanaka kwazvo,

hanzu dzake achisuka zvake muwaini,

zvipfeko zvake achisuka muwaini yakati piriviri kutsvuka.

12Meso ake achatsvuka kunge waini,

meno ake agochena kuti mbe-e somukaka.

13“Zebhuruni achava mugari wokumahombekombe kwegungwa.

Nyika yake ichava yokusvikira ngarava,

muganhu wake uchisvika kuSidhoni.

14“Isakari idhongi chairo kusimba,

sedhongi riri pakati pemitoro yaro.

15Paachaona kuti agere panyika yakanaka

nyika inomufadza kwazvo,

achabvuma zvake kutakura mutoro pamapfudzi.

16“Dhani achavawo mutongi wavanhu vake,

sezvichangoitawo mamwe madzinza evaIsiraeri.

17Dhani achaita senyoka iri panzira,

senyoka inouturu iri panofamba vanhu,

inoruma bhiza nechepazondo raro,

mutasvi waro achiwira pasi negotsi.

18Tenzi we-e ini ndamirira ruponeso rwenyu.

19“Gadhi acharwiswa namagandanga,

asi iye achatsikirirana nawo kutevera.

20“Asheru achawana zvokudya,

zvokudya zvakawanda zvakanaka,

zvinotodyiwawo kwazvo namadzimambo.

21“Nafutariwo ungati isheshe yenondo

inotamba-tamba zvayo,

inoberekawo mhuru dzakanaka.

22“Josefi akaita sembizi imire pachisipiti,

ungati imbizi iri mujinga megomo.

23“Mhandu dzake dzinomurwisa zvinotyisa,

dzichimudzingirira nouta nemiseve.

24Asi uta hwaJosefi hunoramba hwakatsigirwa.

Maoko ake achiramba akasimbaradzwa,

nesimba raiye Samasimbaose, waJakobho

ndiye mufudzi ndiye bako raIsiraeri.

25Mwari wababa vako ngaakubatsire,

iye Aripagomo akukomborere.

Akukomborere nokukunayisira mvura,

akupewo mvura inobva muvhu.

Ngaakomborere madzimai enyu

agobereka vana vavanozoyamwisa,

akomborerewo zvipfuwo zvenyu

zvigobereka vana vokuyamwisa.

26“Makomborero andakupa ini baba vako

anopfuura makomborero anobva mumakomo epasi chigare.

Anopfuura zvinokosha zviri mumakomo okugara nokugara.

Ndiwo makomborero achava aJosefi,

akasarudzwa naMwari kutungamirira vakoma vake.

27“Bhenjamini mhumhi chaiyo inorura,

inobata nyama mangwanani,

manheru yogara pasi kuigovanisa.”

28Iwaya ose ndiwo madzinza gumi namaviri evaIsiraeri. Mashoko aya ndiwo akataurwa nababa wavo achivakomborera, achipa mumwe nomumwe chikomborero chakakodzerana naye.

Kufa kwaJakobho nokuvigwa kwake

29Jakobho akazorongera vana vake achiti, “Nguva yangu yokuti ndichiendawo kwakaenda vamwe vokwangu yava kusvika. Munofanira kuzondiviga pane madzibaba angu, mubako riya riri mugura raEfuroni worudzi rwechiHiti.”

30Ndiro bako riya riri mugura kuMakipera riri nechokumabvazuva kweMamure, munyika yeKanani, rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda wacho kuna vaEfuroni muHiti ikava nzvimbo yavo yokuviga vanhu.

31Ipapo ndipo pakavigwa Abhurahamu nomudzimai wake Sara. Isaki nomudzimai wake Ribheka vakavigwawo ipapo. Rea ndakazomuvigwawo ipapo.

32Munda wacho nebako ririmo zvakatengwa kuvaHiti.

33Kuzoti Jakobho apedza kurongera vana vake akarara pamubhedha wake, ndiye sarai oendawo kwakaenda vamwe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help