Isaya 21 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kuparara kweBhabironi

1Herino shoko rakanangana nerenje rokugungwa.

Sokutsvaira kunoita chamupupuri munyika yeNegevhu

chinouya chichibva kugwenga,

chichibva kunyika inotyisa kwazvo.

2Ndakaziviswa nezvechiratidzo chakaomarara,

mupambi wopamba,

muparadzi woparadza.

Eramu enda uku,

Midhia komba

kutura mafemo kwose kwawakakonzera

ndichakupedza.

3Ipapo ndarwadziwa kwazvo

zvokuti muchiuno mangu,

handichagona.

Ndabatwa ini namarwadzo

samarwadzo omukadzi ari kusununguka.

Ndakotamiswa zvokuti handichanzwa,

ndatopazamiswa nazvo zvokuti handichaona.

4Ndatenderera musoro,

nhamo yandishayisa chokuita.

Mambakwedza andanga ndichichemera

andisandukira akava nguva yokuhuta kudedera.

5Hezvo vogadzikira chokudya pateburu

vowaridza dzichari

vachidya vachinwa zvavo.

“Mukai machinda,

zorai nhoo mafuta,”

6nokuti Tenzi akanditi,

“Enda unoisa munhu nharirire

azivise zvaanenge aona.

7Saka kana aona vachairi

vengoro dzehondo dzamabhiza akabopwa ari maviri maviri

navanhu vakatasva madhongi navakatasva ngamera,

ngaanyatsoteerera, ateererese chaizvo.”

8Ipapo nharirire iya yakati,

“Tenzi, ini ndimire panharire pano

pandinoswera ndiri masikati

nousiku hwose ndopandinenge ndiri.”

9Zvino havo vauya vachairi

vengoro dzehondo dzamabhiza akabopwa

ari maviri maviri!

Iye akati,

“Yaparara, yaparara Bhabhironi

pamwechete nezvifananidzo zvose

zvavamwari vayo

azvibwadamurira pasi.”

10Nhai nyakupurwa, nyakuurutswa wangu

zvandanzwa kuna Tenzi

wehondo nehondo

Mwari weIsiraeri,

ndozvandinokuzivisa.

Zvaizowira Dhuma, guta rokwaEdhomu

11Herino shoko rakanangana neDhuma.

Mumwe ari kudaidza kwandiri ari kuSeiri,

ari kuti,

“Nharirire we-e

kusvikira riniko nousiku ihwohwu?

Nharirire we-e,

kusvikira riniko nousiku ihwohwu?”

12Mutariri ndokuti,

“Mangwanani achauya

uye usiku huchauya zvakare.

Kana uchida kuzobvunza,

dzoka zvako uzobvunza.”

Zvaizowira nyika yeArabhia

13Herino shoko rakanangana neArabhia.

Mumajokochwa amasango omuArabhia

ndomamuchatogara,

imi vamadungwerungwe engamera vokwaDhedhani

14ane nyota muigirei mvura,

anenge apotera muchingureiwo nechokudya,

imi vagari venyika yokwaTema,

15nokuti vakatiza mapakatwa,

vachitiza bakatwa rakaburitswa muhara,

nouta hwakanga hwatatamurwa,

kuri kutiza hondo yatsviriridza kurwiwa

16nokuti Tenzi akanditi,

“Gore risati rapera

sezvakangoita makore amarikicho

mbiri yose yokwaKedhari

ichapera kuti hwa.

17Uye marimbirimbi evarwi vemiseve

vokumagamba ehondo

okuvanakomana vokwaKedhari

vachava vashoma

nokuti Tenzi

Mwari weIsiraeri

ndizvo zvaareva.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help