Hosea 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Ndichiporesa vokwaIsiraeri,

kuipa mwoyo kwevokwaEfuremu

kuchaiswa pachena,

nezviito zvakaipa zveSamaria

zvichange zvichiiswawo pachena

nokuti vanoita ujarijari

uku mbavha dzinopaza

kunze uku, mabhinya achipamba.

2Asi havambofungi kuti

inini ndinoyeuka zvakaipa zvavo zvose.

Zvino zvitadzo zvavo

zvakavakomberedza

ini ndiri kuzviona zvangu.

Kupandukirwa kwamadzimambo mumuzinda

3“Vanotobata mambo kumeso

nouipi hwavo

vachibata kumeso machinda

nounyengedzi hwavo.

4Vose zvavo, imhombwe,

dzinoita sehovhoni yapisa,

ine mubiki amborega zvake

kukuchidzira moto,

achimbokanya mukanyiwa

kusvikira watutumuka nembiriso.

5Pazuva guru ramambo,

machinda akarwara nomudumbu,

vakabva vadziirwa newaini

mambo akatobatana zvake maoko nevashonhi.

6Ndinodaro nokuti sokupisa kunoita hovhoni,

ivo vanotorwa mwoyo netwavanoronga,

usiku hwose zvahwo

hasha dzavo dzinorariropfumbuka,

mumangwanani umu

dzichin'anduka serimi romoto.

7Vose zvavo vanopisa sehovhoni

vanoparadza vatongi vavo.

Madzimambo avo ose akaurayiwa

hapana kunyange mumwechete wavo

anonamata kwandiri.

Kuzvisanganisa nevechirudzi kwevokwaIsiraeri

8“VokwaEfuremu vava kudyidzana nevechirudzi,

vokwaEfuremu vava kunge

mbodza zvayo yechingwa.

9Vatorwa vari kuvasveta simba

asi ivo havasi kumbozviziva,

vhudzi ravo rava neimvi,

asi havasi kuzviziva.

10Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri

kwavapfukira zvino

asi havasi kudzoka

kuna Tenzi, Mwari wavo,

kunyange kumutsvaka

pamusana pezvose izvozvi.

11VokwaEfuremu ava vakaita senjiva

yakazungaira inoita zvisina musoro,

vanoridzira mhere yorubatsiro kuIjipiti

pedzepo voenda kuAsiria.

12Vachiendako kudaro,

ndichati pamusoro pavo

mumbure wangu ware ware

ndivarakatise seshiri dzedenga

ndichivarangira zviito zvavo zvakaipa.

13“Zvichavawana zvavo

ivo vakatetereka vachibva kwandiri,

kuparadzwa ndokwavo,

nokuti vakandipandukira.

“Kuvanunura, ndaigona zvangu kuvanunura

asi vanotaura manyepo nezvangu.

14Havanamati kwandiri

nemwoyo wose

asi vanohwihwidza kuchema

vari pamibhedha yavo.

Pavanokumbira mbesanwa newaini

vanonamata vachizvicheka-cheka muviri

vachitondipandukira zvavo.

15Kunyange zvazvo, ndiri ini zvangu,

ndakavadzidzisa ndichivasimbaradza,

asi ivo vakaita bangano

rokutondipandukira zvavo.

16Vanotendeukira kundonamata Bhaari

vachiita souta hwakakombama-kombama.

Machinda avo achafa

nehondo yebakatwa

pamusana pokuzvizuwidza

kwavanoita nomuromo wavo.

Izvozvi izvi zvichavaita kuti

vave chiseko chaicho kunyika yeIjipiti.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help