1Vana, teererai zvandinotaura ini baba venyu,
muite saizvozvo kuti muchengeteke,
2nokuti Mwari ndiye anogadza baba
ukuru hwavanaho pavana vavo,
anosimbisawo chiremera chaamai
kuvanakomana vavo.
3Anoremekedza baba vake,
anopfupira zvitadzo,
4uye, anoremekedza amai vake
akafanana naanozviunganidzira upfumi.
5Anoremekedza baba vake achapiwa
makomborero avana vanomufadza,
achanzwika nezuva raanochema kuna Mwari.
6Anoremekedza baba vake
achararama kwamakore mazhinji;
uye anoteerera Mwari
anogadzanisa mwoyo waamai vake,
7anoshandira vabereki vake
savana tenzi vake.
8Kudza baba vako namazwi nezviito,
uzowana chikomborero chinobva kwavari.
9Nokuti chikomborero chababa
chinotsigisa dzimba dzavana vavo,
asi kana amai vakati ngadziwirwe norushambwa
dzimba dzavo dzinoparara.
10Rega kuzvirumbidza
nokunyadzisa baba vako,
nokuti kunyara kwavo
hakukupi mukurumbira.
11Mbiri yomunhu inobva
mukuremekedza baba vake;
vana kana vasingaremekedzi amai vavo
vanova vana vakafumuka.
12Mwanangu, chengeta baba vako
kana vachembera,
rega kuvatsamwisa vachiri vapenyu kudai.
13Kana dai vapererwa nepfungwa,
zivawo kuti kuita kwavakura,
usavaite munhu pasina,
iwe uchiri kuzvinzwa.
14Nokuti mutsa wakaitirwa baba haukanganwikwi,
uchaverengerwa pane zvinopfupira zvitadzo;
15pazuva raunenge wava munhamo,
uchayeukwa pamusana pawo,
woregererwa zvitadzo
sokunyungurutsa chando kunoita zuva.
16Kuramwa baba kushonha Mwari.
Kutsamwisa amai kuzviunzira rushambwa naMwari.
Mwoyo wokuzvirereka17Mwanangu, fambisa mabasa ako
nomwoyo wokuzvirereka,
ugozodiwa navanhu vanofadza Mwari.
18Sokukura kwakaita ukuru hwako,
ibva watonyanyawo kuzvidukupisa
ugova munhu anofarirwa naMwari
20nokuti masimba aMwari makuru,
asi anoremekedzwa navanozvidukupisa.
21Rega kuvavarira kunzwisisa zvakakuomera
uye rega kutsvagurudza zvoruzivo
runopfuura njere dzako.
22Rangarira pawakapiwa napo
usave nei nezvakavandika.
23Rega kuzvitambudza nezvisinei nebasa rako,
nokuti zvawakadzidziswa iwe
zvinotopfuura runzwisiso rwomunhu.
24Vazhinji vanorasiswa nezvavanofunga,
kufunga kwavo kwakaita
kuti varasike pakufunga kwavo.
Mwoyo26Munhu akaoma musoro nenharo,
mugumo wake inhamo.
Anoda pfumvu anofa nayo.
27Munhu ane musoro wakaoma nenharo
achatakurana nadzo nhamo;
mutadzi anovirikidza zvitadzo
pane zvimwe zvitadzo.
28Maronda omunhu anozvikudza haarapiki,
nokuti dungirwa rouipi rakadzika midzi maari.
29Ane njere anorangarira mumwoyo dimikira.
Mungwaru anodisisa kuwana anomupa nzeve.
Mwoyo wakanaka kuvarombo30Mvura inodzima marimi omoto,
saizvozvowo kupa vasina chavanacho
kunopfupira zvitadzo.
31Uyo anodzosera zvakanaka
nezvakanaka anozotonderwa,
munhu anofunga nezvamangwana
kana oda kuputsika
anowana anomugamha.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.