Isaya 63 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zuva raTenzi rokutsividza nokununura

1“Ndianiko uyo ari kuuya

achibva Edhomu,

akapfeka hanzu tsvuku dzeBhozira,

akapfeka hanzu dzake dzemandiriri

ari kukanyaira achigwanha kwazvo

zvine simba pamusana poukuru hwake?

Ndini iyeni!

Ndiri kuzivisa vanhu

zvokukurira kwangu,

ini Changamire wokuponesa.

2“Ko idzo hanzu dzako

kutsvuka kudai chii?

Sei mbatya dzako kubva dzaita

somunhu anga achisvina waini kudai

muchisviniro?

3Ndasvina ndoga waini muchisviniro,

pasina mumwe wavanhu aiva neni.

Ndakavatsika-tsika ini nehasha

ndichivatsokodzera ndakashatirwa;

ropa ravo rinovararamisa

rakadeukira pahanzu dzangu,

ndokusaka mbatya dzangu dzose

dzatsvuka ropa kudai.

4Ndinodaro nokuti zuva rokutsividza,

ndakanga ndinaro mumwoyo

uye gore rangu rokununura rasvika.

5Ndakatarisa wanei wokundibatsira hapana

zvakandishamisa kuti pakanga pasina

wokunditsigira,

saka kukurira kwandakaita

isimba roruoko rwangu

ndichitsigirwa ini nehasha dzangu.

6Nehasha dzangu ndakatsokodzera vanhu,

ndudzi dzavanhu dzikaita sedzadhakwa

ndikadeurira pasi ropa ravo rinovararamisa.”

Mwoyochena waTenzi kuIsiraeri

7Ndichadetemba

kurumbidza mwoyochena waTenzi,

mukurumbira waTenzi

nokuona zvose zvatawaniswa naTenzi

nezvose zvakanakisisa kwazvo

zvaakaitira vemba yaIsiraeri

zvaakadai kuvapa netsitsi dzake

nomwoyochena wake

wakanyanya kukura kudai,

8nokuti anoti,

“Vanhu vangu ava,

vana vasina zvounyengedzi,”

nezvo akava Mununuri wavo.

9Nhamo yavo yose yavakaona

yaivawo nhamo yake,

uye mutumwa wokuvapo kwake

ndiye akavaponesa,

akavanunura norudo rwake

uye netsiye dzake nyoro,

akavasimudza akavatakura

mumazuva ose akare.

10Asi ivo vakapanduka

vakashungurudza

Mweya Mutsvene wake,

ndokusaka iye akavapindukira

oita somuvengi wavo,

iye pachake ovarwisa.

11Ndipo paakarangarira

mazuva akare aye,

mazuva omuranda wake Mosesi.

Aripiko chaizvo nyakunyurura mugungwa,

mufudzi wedanga rezvipfuwo zvake?

Aripiko akaisa Mweya Mutsvene wake

mukati mavo,

12akaita kuti simba reruoko rwake

rivewo kurudyi rwaMosesi

akaparadzanisa mvura

pamberi pavo

achiitira kuti azviwanire zita

rinogara nokusingaperi?

13Iye akavatungamirira nomuhwenje.

Vakafamba vasingadzengedzeke

sezvinoita bhiza

risingadzengedzeke murenje.

14Sokutungamirirwa kunoitwa

zvipfuwo kubani,

Mweya waTenzi

wakavapa zororo,

saizvozvo makatungamirira

vanhu venyu

mukazviwanira zita

rine mukurumbira.

Munamato wokukumbira kunzwirwa tsitsi

15Tarisai pasi muone

muri kudenga ikoko,

muri munzvimbo menyu

mamunogara munoera mune mbiri.

Shungu dzenyu nesimba zviripi?

Ko inga rudo rwenyu netsitsi dzenyu,

kwandiri hapasisina.

16Inga ndimi baba wedu wani

kunyange Abhurahamu asingatizivi

uye kunyange zvazvo Isiraeri,

asingatitore sevana vake,

imi Tenzi ndimi Baba vedu,

Mununuri wedu,

kubvira kare nakare,

iroro ndiro zita renyu.

17Nhai Tenzi munoitirei kuti

titsauke panzira dzenyu

tiomese mwoyo

zvokutotadza kukutyai?

Dzokai zvenyu

pamusana pevaranda venyu

vemadzinza enhaka yenyu.

18Kwekanguva kadiki

Nzvimbo yenyu iyi Inoera

yanga iri mumaoko mevanhu venyu,

vavengi vedu vakatoitsokodzera

zvavo pasi.

19Isu tangoitawo sevanhu

vamusina kana kumbotonga zvenyu

savanhu vasingadaidzwe

nezita renyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help