Jeremiya 22 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Shoko raMwari rakanangana nemba huru yokwaJudha

1Zvanzi naTenzi, “Dzika kumba yamambo wokwaJudha undotaurako shoko iri

2rokuti: ‘Iwe mambo wokwaJudha ugere pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi, iwe namakurukota ako navanhu vako vanopinda napamisuo mikuru iyi, zvanzi naTenzi.

3Zvanzi naTenzi itai zvinhu zvine ruenzaniso, zvakarurama muchinunura munhu anenge apambwa mumaoko maanenge achimuonesa nhamo achimudzvanyirira. Uye musakanganisire kana kuitira utsinye mutorwa kana nherera kana chirikadzi kana kudeura ropa risina mhosva munzvimbo ino.’

4Ndinodaro nokuti mukanyatsoteerera chaizvo shoko irori, pamisuo mikuru yemba ino iyi pachazopinda madzimambo achazogara pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi vari mungoro dzehondo napamabhiza, ivo namakurukota avo navanhu vavo.

5Asi kana mukarega kuteerera mazwi aya, zvanzi naTenzi, ndinopika neni pachangu kuti imba ino ichava dongo,

6nokuti zviri kutaura Tenzi zvinonangana nemba yamambo wokwaJudha ndezvizvi zvokuti:

“Kwandiri ini, iwe unoyevedza

senyika yokwaGireadhi kudai

uye somutunhu chaiwo wakakwirira weRebhanoni

asi ndichanyatsokuita gwenga zvaro,

guta risina ageremo.

7Ndichavarongera mharadzi dzokuvapadza

imwe neimwe nezvombo zvayo zvehondo.

Dzichatemera pasi

iyo misidhari yako yakaisvonaka

vagoikanda mumoto.

8“Marudzi avanhu akawanda achadarika napaguta irori, munhu wose achitaurirana nomumwe wake achiti, ‘Tenzi akadarirei chaizvo kubva aita chinhu chakadai kuguta iri rakakura sezvizvi?’

9Ipapo vachapana mhinduro yokuti, ‘Chikonzero chacho ndechokuti vakafuratira chitenderano chaTenzi, Mwari wavo vakanamata vamwe vamwari vachivashandira.’ ”

Shoko rakanangana naJehoahazi

10Anenge afa musamucheme

kana kuchema nhamo yake

asi kuti motohwihwidza kuchema zvinosiririsa

uyo anoenda nokuti haachadzokizve

kuzoona nyika yaakaberekerwa

11nokuti zvanzi naTenzi nezvaSharumu

naSharumu mwanakomana waJosiya

mambo wokwaJudha uya akazotonga

panzvimbo yababa wake Josiya,

Sharumu uya akazoenda

achibva kunzvimbo kuno,

“Haasi kuzombodzokazve kuno.

12Asi kuti kwaanenge

aendwa naye senhapwa,

ndokwaachafira ikoko

uye nyika ino haazombofa akaionazve.”

Shoko rakanangana naJehoyakimu

13Ane nhamo munhu

anovaka imba yake nokusarurama,

dzimba dzake dzemunhurikidzwa

achidzivaka nezvinhu zvisiri pamutemo

achiita kuti mumwe amushandire pasina,

asina kana chaanomutambirisa

14achizviti, “Regai ndizvivakire zimba gurusa,

rine munhurikidzwa ine dzimba dzakafara kwazvo.”

Izvozvo anoichekera muhwindo

achiiti kumadziro uku

tsveete kuroverera musidhari

nokuipenda nependi tsvuku.

15Heya wava kutofungawo kuti

uri mambowo nhai

pamusana pokukwikwidzana navamwe

nezvomusidhari izvozvi izvi?

Handiti baba vako

vaidya nokunwa vachiita zvinhu

zvine ruenzaniso zvakarurama?

Saka zvinhu zvakavafambirawo zvakanaka.

16Vaitonga zvichemo zvavarombo

nezvavasina chavanacho

zvikabva zvavafambira zvakanaka.

Zvanzi naTenzi,

“Hakusiri iko kundiziva here ikoko?

17“Asi meso nomwoyo wenyu

zviri pakubiridzira chete

nokudeura ropa risina mhosva

nokuita udzvinyiriri noutsinye.

18“Ndokusaka Tenzi achitaura nezvaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo weJudha achiti:

“Havasi kuzombomuchema. Vachiti,

‘Maiwe-e hama yangu!’

Kana kuti, ‘Yowe-e hanzvadzi kani!’

Havasi kuzombozviita zvokuchema vachiti,

‘Maiwe-e kani Tenzi!’

Kana kuti, ‘Changamire kani!’

19“Achavigwa sedhongi zvaro

achiita zvokuzvuzvurudzwa napasi

agonzi hupukupu kukandwa

kunze kwemisuo mikuru yeJerusaremu.”

Shoko rokuparara kweJerusaremu

20Kwira kuRebhanoni uridze mhere

ubongomore uri kuBhashani

uridze mhere uri kuAbharimu

nokuti vadiwa vako vose vaparadzwa.

21Ndakataura newe uchakagarika,

asi iwe wakati,

“Zvokuteerera, handidi!”

Ndiwo maitiro ako

kubvira pauduku hwako

okurega kuteerera inzwi rangu.

22Mhepo ndoichafudza vafudzi vako vose.

Vadiwa vako vose vachaendeswa kuutapwa.

Ipapo uchanyara uchikangaidzwa nazvo,

pamusana pouipi hwako hwose.

23Iwe chidza cheRebhanoni

nyakurererwa mudendere pakati pemisidhari

uchanzwisa tsitsi pauchabatwa namarwadzo,

marwadzo soumukadzi

ari pakusununguka mwana.

Zvakatemerwa Jehoyakimu naMwari

24“Zvanzi naTenzi, hezvino ndiripo kudai, kunyange zvazvo iye Koniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha ariye ringi rechidhindo rokuruoko rworudyi rwangu asi ini ndichakubvarura

25ndigokuisa mumaoko avanotsvaka kupfuudza upenyu hwako, mumaoko aivo vaunotya, mumaoko aNebhukadhireza mambo weBhabhironi uye mumaoko mevanhu vechiKaridhea.

26Iwe namai vakakubereka ndichakukandai kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa ikoko ndokwamuchafira.

27Asi kunyika kuno kwavanenge vosuwira kudzokera, havasiri kuzodzokerako.

28“Ko iye Koniya wava

munhu akashoreka here

kana kuti hari zvayo yakaputsika,

mudziyo usina ani anouchengeta?

Ko iye navana vake vanzarirwei

kubva vakandwa kunyika yavasingazive?”

29Nhai nyika! Nyika wee! Iwe nyika!

Teerera shoko raTenzi!

30Zvanzi naTenzi,

“Nyora munhu uyo

somunhu asina mwana,

munhu asingazofa akabudirira

mumazuva ake oupenyu

nokuti hapana nomumwe

wechizvarwa chake achazombogara

pachigaro choumambo hwokwaDhavhidhi

achitongazve kwaJudha.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help