1Joabhu mwanakomana waZeruya akazviziva kuti mwoyo wamambo wava kuna Abhusharomu.
2Joabhu akabva atumira munhu kuTekowa kundouya nomumwe mukadzi akangwara. Akati kwaari “Ndapota unofanira kuita somunhu anochema nhamo yorufu upfeke hanzu dzinopfekwa nomunhu ari pakuchema urege kuzora muviri mafuta, uite somukadzi ava namazuva mazhinji achichema munhu akafa,
3wozoenda kuna mambo utaure kwaari uchidaizvi.” Nokudaro Joabhu akamusoka mazwi okutaura.
4Mudzimai wokuTekowa uyu paakasvika kuna mambo akati pasi bvurugwada akatyora uso, achimuremekedza, akati, “Ndinunureiwo mambo.”
5Mambo akati kwaari, “Chakunetsa chii?” Iye akati, “Zvamunoona kudai, ndiri chirikadzi. Murume wangu akafa.
6Ini muranda wenyu, ndaiva navana vangu vaviri vakamutsana musango pasina wokuvatakanutsa. Mumwe akarova mumwe wake akamuuraya.
7Zvino mhuri yose yandimukira, ini muranda wenyu vari kuti, ‘Tipe kuno munhu akauraya mumwe wake timuuraye pamusana peropa romumwe wake waakauraya. Nokudaro vanenge votourayawo mugari wenhaka. Ipapo vanenge votondidzimira chitsiga chomoto changa chasara, zita romurume wangu rigorova, pobva porega kuwanika nowakewo anozosara panyika.’ ”
8Mambo ndokubva ati kumukadzi uyu, “Chimbodzokera zvako kumusha kwako, ini ndichataura zvinofanira kuti zviitwe panyaya yako iyi.”
9Mudzimai wokuTekowa akati kuna mambo, “Mhosva iyi ngaive zvayo yangu, mambo changamire neyemhuri yokwababa vangu. Ngairege zvayo kunhanhira imi mambo nevemba yenyu.”
10Mambo akati, “Kuwana anenge angotaura kana chii zvacho, muunze kuno kwandiri haazombofa akakugunzva zvakare.”
11Iye akati, “Ndapota zvangu, dai mambo mukapika zvenyu naTenzi, Mwari wenyu muti mutsividzi weropa arege kunge achauraya munhu, mwanakomana wangu arege kuparara.” Iye ndokuti, “NaTenzi chaiye mupenyu, hakuna kana ruvhudzi zvarwo rwomwana wako ruchadonhera pasi.”
12Mukadzi uyu akabva ati, “Mambo ndapota ndingapamhidzewo here kutaura zvimwe kwamuri changamire.”
Iye akati, “Taura zvako.”
13Mukadzi akati, “Madarirei kurongera vanhu vaTenzi zvinhu zvakadai nokuti nomutemero wamaita nyaya iyi matozvipa mhosva, sezvo imi, mambo musina kuti mwana wenyu arovera musango adzoke kuno zvakare?
14Chedu isu tose kwava kungofa chete, tangova semvura yarasikira pasi isina angaihorere asi Mwari haangambouraya munhu anoronga kuti nyakurova wenyu iyeyo arege kuramba ari munhu akaraswa kudaro.
15Zvino ndauya kuzotaura izvi kwamuri, mambo changamire, pamusana pokuti vanhu vakaita kuti nditye ndokubva ini muranda wenyu ndati regai nditaure namambo, zvimwe vanganzwe chichemo changu, ini muranda wake.
16Ndaiti zvimwe mambo vanganzwe vakandinunura mumaoko omunhu anoda kundiuraya pamwechete nomwana wangu munhaka yedu iyi yatakapiwa naMwari.
17Ini muranda wenyu ndakazvitiwo nechomumwoyo, zvichataurwa namambo changamire wangu ndozvichandigadzanisa mwoyo nokuti, mambo changamire wangu vakaita somutumwa waMwari pakusiyanisa chakanaka nechakaipa. Tenzi, Mwari wenyu ngaave nemi.”
18Mambo akazoti kumukadzi uyu, “Rega kundivanza pane zvandava kukubvunza zvino.”
Mukadzi uyu ndokuti, “Bvunzai zvenyu, mambo changamire.”
19Mambo akati, “Hauna kutumwa naJoabhu here iwe?”
Mukadzi akadavira achiti, “Chokwadi chaicho ndichocho sezvamuripo kudai, mambo changamire. Kana imi mabvunza munhu haawane pokunzvenga-nzvenga napo. Ndiro gurukota renyu Joabhu randituma. Ndiye akandisoka zvose zvandataura, ini muranda wenyu.
20Gurukota renyu Joabhu ndiro rakaita izvi kuti mamiriro ezvinhu asanduke. Asi, changamire muri munhu akangwara somutumwa waMwari pakuziva zvinhu pasi pano.”
21Mambo akazoti kuna Joabhu, “Chinzwa, ndakubvumidza, enda undodzosa mukomana uyu Abhusharomu uuye naye kuno.”
22Joabhu akati pasi gwadagwa achimuremekedza. Joabhu akarumbidza mambo achiti, “Nhasi uno, ini muranda wenyu, ndazoona kuti munondida, mambo changamire nokunzwa kwamaita chichemo changu, ini muranda wenyu.”
23Saizvozvo Joabhu akasimuka akaenda kuGeshuri akaunza Abhusharomu kuJerusaremu.
24Zvakadaro zvazvo mambo akati, “Ngaaende kumba kwake. Kwandiri kuno uku ngaarege kutsika.” Saizvozvo Abhusharomu akaenda kumba kwake, kwamambo akaregawo kusvika.
Kuyanana kwaDhavhidhi naAbhusharomu25MuIsiraeri yose makanga musina munhu airumbidzwa saAbhusharomu pachimiro. Kubvira pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake akanga asina chinoshoreka.
26Aiti kana ogera musoro wake, bvudzi raaigera kupera kwegore roga roga rava kumuremera airiera. Uremo hwaro hwaiita makirogiramu maviri maererano nomwero wokwamambo.
27Abhusharomu akabereka vana vakomana vatatu nemwana musikana mumwechete ainzi Tamari aive akanaka kwazvo.
28Abhusharomu akagara muJerusaremu makore maviri chaiwo azere, kwamambo asingambokutsika.
29Abhusharomu akati Joabhu auye amutume kuna mambo, asi Joabhu akaramba kuuya kwaari. Akatumirazve nhume kwaari rwechipiri asi Joabhu akaramba.
30Abhusharomu akazoti, “Handiti munda waJoabhu uri kumuganho nowanguka, ane bhari irimo, endai muupise nomoto.” Nokudaro varanda vakandoupisa nomoto.
31Joabhu ndokubva asimuka oenda kuna Abhusharomu kumba kwake ikoko. Akamuti, “Ko, varanda vako vapisireiko munda wangu?”
32Abhusharomu ndokuti kuna Joabhu, “Ndakakutumiraka shoko iwe kuti uuye kuno ndikutume kuna mambo kundoti, ‘Ko, ndakabvireiko kuGeshuri? Zvaitova nani kuti ndinge ndichiriko nazvino.’ Saka zvino regai ndisvike kwamambo. Kana ndiine mhosva andiuraye zvake.”
33Joabhu akaenda kuna mambo akamutaurira. Mambo akabva ati Abhusharomu auyeko. Saka akauya kuna mambo ndokuti gwadagwa pasi pana mambo, mambo ndokubva atsvoda Abhusharomu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.