1 Madzimambo 9 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwari anozviratidzazve kuna Soromoni(2 Nhor 7:11–22)

1Soromoni paakapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka,

2Tenzi akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri sokuzviratidza kwaakamboita kuGibheoni.

3Tenzi akati kwaari,

“Munamato wako wawakaita nechichemo chako

chawakasvitsa kwandiri ndazvinzwa.

Imba iyi yawakavaka ndaiita

kuti ive imba inoera

uye ndaisa zita rangu pairi nokusingaperi

ziso rangu harichabva pairi,

uyewo mwoyo wangu ucharamba uri pairi.

4Chako iwe dai zvako ukangofamba nemandakatema

sezvaiita baba vako Dhavhidhi

wakatendeseka uri pachokwadi

uchiita naimomo mandakati uite

uchichengeta mirao nezvirevo zvangu

5kana wadaro ndichaita kuti

umambo hwako hwokwaIsiraeri

hudzike midzi narini wose.

Sokutsidzira kwandakaita baba vako Dhavhidhi

ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika

kuti ini ndishaye munhu womumba

mako wokuzogara pachigaro choumambo.’

6Asi kana mukazotsauka, zviye

zvokunyatsoenda mutome zvenyu,

vangave iyemi kana vana venyu

morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu

nemirao yangu yandakakupai mava

kundonamata vamwe

vamwari muchivapfugamira,

7iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri

panyika yandakavapa. Kanawo

iyo imba iyoyi yandaeresera

nezita rangu ndichaiparadza

zvokusamboda kuzoionazve

mumaziso angu.

Isiraeri inozova tsumo

yavanhu nechiseko chenyika

mukati memarudzi ose.

8Kunyangewo imba iyoyi

yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira

vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa.

Vachatozvimvunzawo vachiti,

‘Ko Tenzi chakaadariro

nyika ino nemba iyi chii?’

9Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti

vakafuratira Tenzi, Mwari wavo

akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti

ndokuti memete navamwe vamwari

vovapfugamira vachivanamata.

Ndokusaka Tenzi akavapinza

munyatwa yose iyi.’ ”

Chibvumirano chamambo Soromoni naHiramu(2 Nhor 8:1–2)

10Mushure memakore makumi maviri okunge Soromoni avaka dzimba idzi dziri mbiri, imba yaTenzi nomuzinda wamambo,

11Hiramu mambo weTire awanisa Soromoni zvose zvaaida mapango omusidhari neemusaipurasi nendarama; mambo Soromoni akapa Hiramu maguta makumi maviri mudunhu reGarireya.

12Asi pakabva Hiramu kuTire achiuya kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni haana kufadzwa nawo.

13Naizvozvo akati, “Nhai hama yangu maguta awandipa aya maguta erudzii? Ipapo kusvikira pari nhasi dunhu iroro rinonzi Kabhuru.”

14Hiramu akanga atumira mambo Soromoni ndarama inopfuura zviuru zvina zvemakirogiramu.

Zvimwe zvakaitwa naSoromoni(2 Nhor 8:3–18)

15Iyi ndiyo nhoroondo yebasa rechibharo chakaitwa namambo Soromoni kuitira kuti avake imba yaTenzi nomuzinda wake nechimudhuri chemavhu norusvingo rweJerusaremu, neHazori neMegidho neGezeru.

16Zvakanga zvaitika kuGezeru ndezvokuti Farao mambo weIjipiti akanga akwirako akarikurira ndokuripisa nemoto akauraya vaKanani vaigaramuguta imomo ndokuripa mukunda wake mudzimai waSoromoni sechipo chokuenda nacho kwaakaroorwa

17ndokusaka Soromoni akavakazve Gezeru. Akavakawo guta reBhetihoroni rezasi racho

18neBhaarati neTamari kurenje munyika yokwake

19uye maguta ake ose amatura namaguta engoro dzake dzehondo dzamabhiza namaguta avachairi vadzo uyewo nezvimwe zvose zvaaida kuvaka muJerusaremu nokuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.

20Vanhu vose vasiri vechiIsiraeri vakasara pakati pavaAmoni nevaHiti navaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi,

21zvizukuru zvakazosara zvovapo munyika imomo mushure mavo vasina kukwanisa kutsakatiswa nevaIsiraeri, ivava ava ndivo vakapinzwa naSoromoni muuranda hwechibharo, ndozvavari nanhasi uno.

22Asi vechiIsiraeri Soromoni haana kuvaita varanda. Ndovaiva varwi vehondo namakurukota ake navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vehondo navakuru vakuru vemungoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.

23Ivava ava ndivo makurukota makuru aitungamirira basa raSoromoni iri, vari mazana mashanu ane makumi mashanu avanhu vokuona kuti vanhu vechirudzi ava vari kuita basa racho zvakadii.

24Soromoni akatozovaka chimudhuri chamavhu chacho, mukunda waFarao atobva kuguta raDhavhidhi akwira kuenda kumba yake yaakanga avakirwa naSoromoni.

25Soromoni aigaropira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana katatu pagore paatari yaakavakira Tenzi achipirawo rusenzi kuna Tenzi. Ndokupedza kwaakaita kuvaka imba yaTenzi.

C: SOROMONI MHIZHA YOUSHAMBADZINgarava dzaMambo Soromoni

26Mambo Soromoni akagadzira chitsama chengarava kuEzionigebheru pedyo nokuEroti kumahombekombe kwe Gungwadzvuku kunyika yeEdhomu.

27Hiramu akatumirawo nengarava idzi machinda ake akanga ari vanhu vomugungwa, nyanzvi dzezvokufamba mugungwa kuenda pamwechete namachinda aSoromoni.

28Vakaenda kuOfiri vakandounza ndarama inorema makirogiramu anopfuura zviuru gumi nezvina. Izvozvi izvi vakauya nazvo kuna mambo Soromoni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help