Tsumo 15 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Mhinduro nyoro inopodza hasha,

asi izwi rakaomarara rinovirutsa hasha.

2Rurimi rwavangwaru

runoparadzira ruzivo,

asi muromo wamapenzi

unowodzvora urema.

3Ziso raTenzi riri pose pose,

rakatarisa vakanaka navakaipa.

4Rurimi rwakareruka muti woupenyu

asi rurimi rwakaipa

runoodza mwoyo.

5Benzi rinoshora chidzidziso

chababa varo

asi anoteerera zano raanorairwa akangwara.

6Mumusha momururami

mune upfumi hwakawanda,

asi upfumi hwomuipi

hunopinda pfumvu.

7Muromo wavangwaru unoparadzira ruzivo

asi pfungwa dzemapenzi hadzidaro.

8Chibayiro chavaipi chinosemesa Tenzi,

asi munamato wavarurami unomufadza.

9Tenzi anovenga nzira yomuipi.

Asi anoda munhu anotevedza ururami.

10Kumunhu anotsauka panzira

kudzidziswa kwakamuipira,

munhu asingadi kutsiurwa anofa.

11Nzvimbo yavafi nenzvimbo yokuparadzwa

dziri pachena-chena kuna Tenzi

ko kutozoti mwoyo yavanhu.

12Anodada haadi kutsiurwa,

haaendi kuvangwaru.

13Kana mwoyo womunhu wakafara

unoita kuti munhu ave nechiso chakafara

mwoyo ukasuruvara

mweya unobva wati mbombombo pasi.

14Munhu ane pfungwa dzinonzwisisa

anotsvaka ruzivo

asi muromo wamapenzi

upenzi ndihwo chokudya chawo.

15Kumurombo mazuva ose akaipa,

asi kumwoyo wakafara zuva roga roga

mabiko makuru.

16Zviri nani kuva munhu ane zvishoma

uchitya Tenzi

pano kuva noupfumi huzhinji

uine nhamo.

17Zviri nani kudya nomurio pane rudo

pane kudya nenyama yechimhuru chakakora

pano ruvengo.

18Munhu wehasha anomutsa muchokoto

asi ano mwoyo murefu

anopodza gakava.

19Nzira yetsimbe yakaita seruzhowa rweminzwa

asi nzira yomururami yakati tasa

somugwagwa mukuru wakati sandara.

20Mwana mukomana anoungwaru

anoita kuti baba vake vafare

asi benzi romunhu rinoshora amai.

21Upenzi hunofadza munhu

asina pfungwa

asi munhu anonzwisisa

anofamba zvakarurama.

22Zvirongwa hazvibudirire

kana pasina vokupa mazano

asi navapi vemazano vakawanda zvinobudirira.

23Kupa mhinduro yakanaka

chinhu chinofadza kumunhu

ko kutozoti izwi rinotaurwa

panguva yaro yakanaka.

24Nzira youpenyu yavakangwara

inoenda kumusoro

kuti vanzvenge nzvimbo yavafi

iri kwakadzika.

25Mwari anopaza

dzimba dzavanozvikudza

asi anochengetedza miganhu yechirikadzi.

26Pfungwa dzavaipi

Tenzi anodzivenga.

Mazwi avatsvene

anomufadza.

27Munhu anokarira

kuwana upfumi nenzira isina kururama

anoparira mhuri yake nhamo

asi anovenga pfumbamuromo anorarama.

28Munhu akarurama

anombofunga mumwoyo make zvokupindura

asi muromo wavakaipa

unongosasa zvakaipa.

29Tenzi ari kure navakaipa

asi anonzwa munamato wavakarurama.

30Meso ano rufaro anofadza mwoyo

shoko rakanaka rinosimbisisa

munhu mapfupa.

31Munhu anoteera zvaanotsiurwa

anogara pakati pavangwaru.

32Munhu asingadi kudzorwa

anozvishora iye pachake

asi munhu anotsiurika

anowana kunzwisisa.

33Kutya Tenzi chidzidzo choungwaru

kuti munhu ukudzwe

tanga wazvirereka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help