Isaya 53 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1“Ndiani angatende

rondedzero yezvatakaudzwa?

Uye ndiani akaratidzwa

simba roruoko rwaTenzi?

2Pamusana pokuti

akakura pana Mwari

sebukira romuti

uye somudzi unotungira

pavhu rakaoma.

Akanga asisina chimiro, chokuti munhu

kana kwavo nechingayemurike paari,

zvokuti tingambotarisawo

zvedu kwaari,

asisina kana runako

rwokuti tiitewo mwoyo wokumuda.

3Akashorwa akarambidzanwa navanhu

iye munhu wokutambura

munhu anoziva nhamo

uye somunhu wokuti

vanhu vakamutarisa vanotofuratira zvavo.

Akazvidzwa tikatadza kumuyemura.

4“Asi chaizvoizvo,

nhamo dzaakatakura,

dzaiva nhamo dzedu

uyewo matambudziko

aakatakurana nawo

aiva matambudziko edu.

Asi isu takatomuona

somunhu ari kuzvamburwa

nokurohwa naMwari

achitambudzwa.

5“Akabayirwa zvitadzo zvedu

akakuvadzirwa

uipi hwedu,

kurangwa kwaakaitwa

ndokwakatiponesa,

shamhu dzaakarohwa

dzakaporesa isu.

6Tose zvedu

takanga taita sehwai dzakarasika

mumwe nomumwe wedu

atetereka nenzira yake,

Tenzi akaisa

zvitadzo zvedu zvose paari.

7Akaoneswa nhamo

akabatiswa ndondo,

asi haana kana

kumboti muromo bufu;

sehwayana

akatungamidzwa kundourayiwa

sokunyarara kwehwai

inenge ichivewurwa makushe

saizvozvowo haana zvake

kumboti muromo bufu.

8Vakaita zvokumumanikidza

vakamupinza dare

ndokumutora voenda naye.

Ivo vechizvarwa chokwake

pane akamboita hanya nazvo here

zvokuti akadimurirwa upenyu munyika yevapenyu

achiponderwa zvitadzo zvavanhu vangu?

9Vakamuitira guva rake

mukati mavaipi,

uyewo nomupfumi

parufu rwake;

kunyange zvazvo akanga asina

utsinye hwaakanga aita,

uye kunyange zvazvo unyengedzi

pamuromo pake pakanga pasina.”

10Asi kuti chaive

chiri chido chaTenzi,

kumurwadzisa

ndiye akamupa nhamo.

Nokuzvipira kwaakaita kudaro

somupiro wokupfupira zvitadzo

achaona zvizukuru zvake,

achaita kuti mazuva ake awande.

Zvinodiwa naTenzi

zvichabudirira zviri mumaoko make.

11Achaona mubayiro

wezvaakatamburira iye pachake

agogutsikana.

Noruzivo rwake

iye muranda wangu, mururami

achaita kuti vazhinji

vazonzi varurami,

ndiye achatakura

zvitadzo zvavo.

12Naizvozvo ini ndichamupa mugove

mukati mavakuru vakuru,

achakamurirana navane simba

zvinhu zvinenge zvapambwa

nokuti akazvipira kufa

akaverengerwa pamwechete navatadzi

akatakura zvitadzo zvavazhinji

achinamatira vatadzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help