Nziyo 2 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kukunda kwouchapupu chaMesia

1Ko ivo vechirudzi,

vanodirei kuti ungaunga, vachiita bope

marudzi avanhu achidai kuita

bangano risina maturo.

2Madzimambo apasi ari kunyatsoungana,

uye vatongi vari kuitira TENZI nomuzodzwa wake

musangano, vachiti:

3“Ngatidamburei zvitorobho zvavo

titakanurire uko tambo dzavo.”

4Iye agere kumatenga anovaseka zvake

TENZI anovaita chiseko chaicho.

5Ndipo paachazotaura kwavari zvehasha

achivavhundutsira nokuviruka kwake nehasha.

6Achiti, “Ini ndini

ndakagadza mambo wangu paZioni,

gomo rangu rinoera.

7Ndichataura pachena chirevo

chaTENZI akanditi

iwe ndiwe mwanakomana wangu,

nhasi ndakubereka.

8Ndikumbire zvako ndigokupa

marudzi avanhu

kuti ave nhaka yako

kunyange nyika, kusvika nokwainoperera

kuti ive yako.

9Uchavatyora netsvimbo yesimbi

ugovapwanya kuti mwarara

somudziyo womuumbi wehari.

10Zvino imi madzimambo, ngwarai,

inzwai kuyambirwa kwamunoitwa,

imi vatongi venyika.

11Shandirai TENZI muchimutya,

12mudederei pamunomuremekedza.

Angadaro akashatirwa mukaparara munzira

nokuti haatane kushatirwa.

Vakakomborerwa zvavo vanopotera maari.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help