Nehemiya 11 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

IV: ZVIMWE ZVAKAGADZIRIDZWA NANEHEMIYAA: NZIRA DZOKUWANZIRIDZA VANHU MUJERUSAREMUVanhu vaigara muJerusaremu

1Vatungamiriri vavanhu vaigara muJerusaremu. Vamwe vanhu vose vaitoita zvokusarudza nechin'ange munhu mumwechete pagumi ravanhu wokundogara muJerusaremu raiva riri iro guta rinoera, vamwe vapfumbamwe ava vachigara muna mamwe maguta.

2Vanhu vakarumbidza varume vakazvipira zvavo kundogara muJerusaremu.

3Ava ndivo madzishe enyika iyi aigara muJerusaremu asi mumaguta okwaJudha munhu wose aigara pamusha pake mumaguta avo imomo. Paiva navaIsiraeri navapristi nevaRevhi navashandi vapaTemberi navana vavaranda vaSoromoni.

4MuJerusaremu maigarawo vamwe vanakomana vokwaJudha navamwe vanakomana vokwaBhenjamini. Kuvanakomana vokwaJudha paiva:

naAtaya mwanakomana waUziya,

Uziya mwana waZekariya,

Zekariya mwanawo waAmariya,

Amariya akaberekwa naShefatiya

Shefatiya mwanakomana waMaharareri

Mahararerei mwana waFeresi

5naMaaseya mwanakomana waBharuku

Bharuki akaberekwa naKoruhozeni,

Koruhozeni mwana waHazaya,

Hazaya mwanawo waAdhaya

Adhaya mwanakomana waJoyaribhu,

Joyaribhu akaberekwa naZekariya

ari mwanakomana womunhu wokuShiro.

6Vanakomana vose vokwaPeresi, vaigara muJerusaremu vaiva varume mazana mana ana makumi matanhatu navasere dziri mvumba chaidzo dzokurwa hondo.

7Ava ndivo vanakomana vedzinza rokwaBhenjamini:

kwaiti, Saru mwanakomana waMeshuramu

Meshuramu ari mwanakomana waPedhaya,

Pedhaya ari mwanakomana waKoraya

Koraya mwanakomana waMaaseya

Maaseya wakaberekwa naItieri,

Itieri mwanakomana waJeshaya.

8Saru uyu aitevedzerwa naGabhai naSarai vari mazana mapfumbamwe avanhu ana vanhu makumi maviri navasere.

9Joeri mwanakomana waZikiri ndiye aiva mutariri mukuru wokuona nezvavo. Judha mwanakomana waHasenua aiva mutevedzeri womutongi weguta iri.

10Kuvapristi kwaiva naava vanoti:

Jedhaya mwanakomana waJoyaribhu uye Jakini

11naSeraya mwanakomana waHirikiya;

Hirikiya uyu mwanakomana waMeshuramu,

Meshuramu akaberekwa naZadhoki,

Zadhoki ari mwana waMerayoti,

Merayoti mwanakomana waAhitubhu

mutongi wapamba paMwari.

12Nehama dzavo vaiva vari vokuita basa rapamba ipapo vakanga vari mazana masere namakumi maviri ana vaviri kwouya Adhaya mwanakomana waJehoramu Jehoramu mwana waPerariya Perariya ari mwanawo waAmuzi Amuzi ari waZekariya Zekariya ariwo waPashihuru Pashihuru mwanakomana waMarikiya

13nehamawo dzake, vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba acho vari mazana maviri ane makumi mana navaviri kwozouya Amashisai mwanakomana waAzareri. Azareri mwana waAhizai Ahizai ari mwana waMeshiremoti Meshiremoti akaberekwawo naImero

14nehama dzavowo mvumba chaidzo dzevarume magamba chaiwo okurwa hondo vari zana namakumi maviri ana vasere, mutariri wavo ari Zabhudhieri mwanakomana waHagedhorimu.

15KuvaRevhi kwaivawo naava vanoti:

Shemaya mwanakomana waHashubhu

Hashubhu mwana waAzirikamu

Azirikamu ari mwana waHashabhiya,

Hashabhiya ari waBhuni

16Bhuni naShabhetai naJozabhadhi

vamwe vevakuru vakuru vevaRevhi vaiona

nezvebasa rokunze repamba yaMwari

kwouyawo Mataniya mwanakomana waMika,

Mika mwana waZabhudhi

17Zabhudhi mwanakomana waAsafu

aiva mutungamiriri

wokuvamba munamato wokutenda

uyewo Bhakibhukiya mwana wechipiri pakati pehama dzake kwozouya Abhudha

mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari,

Garari mwanakomana waJedhutuni.

18VaRevhi vomuGuta Rinoera iri vose vaiva mazana maviri namakumi masere ana vana.

19Vachengetedzi vepamisuo mikuru, vana Akubhu naTarimoni nehama dzavo, vakanga vari vokuchengetedza pamisuo mikuru, vaiva zana revanhu rine vanhu makumi manomwe navaviri.

20Vamwe vose veIsiraeri navamwe vose vevapristi navavaRevhi vaiva mune mamwe maguta ose amaJudha munhu wose agere pake penhaka.

21Asi vashandi vepaTemberi vaigara paOferu, Ziha naGishipa ndovaiva vakuru vakuru vevashandi vepaTemberi.

22Mutariri wevaRevhi muJerusaremu akanga ari

Uzi mwanakomana waBhani

Bhani mwana waHashabhiya,

Hashabhiya ari mwana waMataniya,

Mataniya akaberekwa naMika

Mika wokuvanakomana vokwaAsafu vaimbi,

aiona nezvebasa repamba yaMwari,

23nokuti kwakanga kwabva chirevo

kuna mambo chakanangana nezvavo nomugove

wakatemwa wevaimbi

sezvainge zvichidiwa zuva nezuva

24kwoti Petahiya mwanakomana waMeshezabheri,

Meshezabheri mumwe wevana vokwaZera,

Zera mwanakomana waJudha

aiva nhume yamambo panyaya

dzose dzainangana nezvevanhu.

Vanhu vokune mamwe maguta nemisha yekwaJudha

25Panyaya yemisha namafuro ayo,

vamwe vanhu vamaJudha

umu vaigara mumaguta aya anoti:

muKiriatiaribha nemisha yaro

nomuDhibhoni nemisha yaro

nomuJekabhuzieri nemisha yaro

26nomuJeshua nomuMoradha nomuBhetipereti

27nomuHazarishuaru nomuBheerishebha nemisha yaro

28nomuZikiragi nomuMekona nemisha yaro

29nomuEnirimoni nomuZora nomuJarimuti

30nomuZanowa neAdhuramu

nemisha yawo

neRakishi nemisha yaro

neAzeka nemisha yaro.

Saizvozvo vakadzika matendhe kubvira kuBheerishebha kusvikira kuBani rokwaHinomu.

31Vanhu vokwaBhenjamini vaigarawo kubvira Gebha zvichienda mberi kuMikimashi nokuAiya nokuBhetieri nemisha yaro

32nokuAnatoti neNobhu neAnaniya

33neHazori neRama neGitaimu

34neHadhidhi neZebhoimu neNebharirati

35neRodhi neOno bani remhizha dzezvoutare.

36Zvimwe zvikwata zvevaRevhi maJudha umu zvakanga zvakabatanidzwa kune vokwaBhenjamini.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help