1 Madzimambo 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mambo Soromoni anogadzirira kuvaka imba yaMwari(2 Nhor 2:1–18)

1Hiramu mambo wokuTire paakanzwa kuti vakagadza Soromoni umambo panzvimbo yababa vake, akatuma makurukota ake kwaari nokuti Hiramu uyu, chigariro chake chose akanga achinzwanana naDhavhidhi.

2Soromoni akatumirawo Hiramu shoko rokuti,

3“Munozvizivawo kuti baba

vangu Dhavhidhi havana kuzokwanisa

kuvaka imba yokuisa zita raTenzi,

Mwari wavo pamusana pedzihondo

dzaiva dzakavakomba kumativi ose.

Zvaitozoitika Tenzi aisa vavengi vavo

pasi petsoka dzavo.

4Asi pari zvino, Tenzi akandipa

runyararo kumativi ose, hakusisina

kana mhandu zvayo kunyange

chimwe chakaipa zvacho.

5Zvino ndanga ndati ndichivakira

Tenzi, Mwari wangu imba

yokuisa zita rake sokureva

kwakaita Tenzi kuna baba vangu

Dhavhidhi achiti, ‘Mwanakomana wako

wandichaisa pachigaro chako

choumambo panzvimbo pako ndiye achandivakira

imba yacho yokuisa zita rangu.’

6Zvino dai mati vashandi venyu

vanditemerewo miti yemisidhari yokuRebhanoni.

Vashandi vangu vachashanda

pamwechete nevashandi venyu.

Ini ndichakubhadharai mari

yokutambirisa vashandi venyu

sokutema kwamunenge maita.

Sokuzivawo kwamunongoita isu hatina munhu

anoziva kutema miti sezvinoita vaSidhoni.”

B: SOROMONI MUVAKI

7Pakasvika shoko raSoromoni munzeve dzaHiramu akafara kwazvo akati, “Tenzi ngaarumbidzwe adai nhasi kupa Dhavhidhi mwanakomana ano ungwaru kuti atonge rudzi rwavanhu uru rukuru kudai.”

8Hiramu akadzorawo shoko kuna Soromoni achiti,

“Shoko ramakanditumira ndakarinzwa.

Zvamakareva panyaya yemapango omusidhari

neemusaipurasi ndozvandichaita.

9Vashandi vangu vachaabvisa

kuRebhanoni vachindoaisa kugungwa.

Ndichaasunga masvinga masvinga

agoita zvokuyeredzerwako nomugungwa

asvikire kwamunenge muchida.

Ikoko ndokwandichazoasunungura

moatorerako zvenyu.

Chandingadewo kwamuri kuti mundipirewo

chokudya vomumuzinda mangu.”

10Saizvozvo Hiramu aipa Soromoni mapango ose aaida omusidhari neemusaipurasi.

11Soromoni aipawo Hiramu masaga ekoroni makumi mana ezviuru echokudya chomumuzinda make pamwechete namafuta eorivhi okusvina anokwana mazana mana ezviuru zvamarita. Soromoni aipa Hiramu izvozvi izvi gore negore.

12Tenzi akapa Soromoni uchenjeri sokumuvimbisa kwaakanga aita. Soromoni naHiramu vainzwanana vakatosvika pakuita chibvumirano pauviri hwavo.

13Mambo Soromoni akati muIsiraeri mose munyorwe vanhu vebasa rechibharo kukawanikwa varume makumi matatu ezviuru vebasa racho rechibharo.

14Akavatumira kuRebhanoni. Aivatumira vari muchikwata chine vanhu gumi rezviuru pamwedzi woga woga. Vaipedza mwedzi vari kuRebhanoni mimwe miviri vaipedzera vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru mukuru wokuona nezvebasa rechibharo.

15Soromoni aivawo namakumi manomwe ezviuru zvevatakuri vezvinhu navavezi vamatombo makumi masere ezviuru zvavanhu vaiva kunyika yokumakomo.

16Soromoni aivawo navakuru vakuru vokutungamirira basa vaitarisa vanhu vaishanda basa irori vaikwana zviuru zvitatu zvine mazana matatu.

17Mambo akapa chirevo, ivo vakakwakwanura mazibwe anokosha okuvakisa ugaro hwemba yacho namabwe akavezwa.

18Naizvozvo vavaki vokwaSoromoni nevokwaHiramu navarume vokuGebhari ndivo vaitema miti nokuveza mapango namabwe okuvakisa imba yacho.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help