Isaya 17 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kuranga kuchaita Mwari Siria neIsiraeri

1Shoko rakanangana neDhamasikusi

chinzwai munzwe,

“Dhamasikusi, zvokuva guta izvi zvichariperera

richava murwi wematongo.

2Maguta aAroeri achagara

asisina munhu

achatenge zvawo ava ezvipfuwo

zvicharara zvazvo pasi,

pasisina anozvivhundutsira.

3Guta retsvingo richaparara kwaEfuremu

kuDhamasikusi umambo huchabviswa

chitsama chichasara cheveSiria

chichaita zvakaitika kumukurumbira

wevanhu vokwaIsiraeri,”

ndizvo zviri kurehwa

naTenzi wehondo nehondo.

4“Pazuva iroro mukurumbira wokwaJakobho

uchanyatsoti pasi mbombombo.

Kukora ikoko kuchapera.

5Zvichaita somunda wakohwiwa hura dzimire,

wakohwiwa hura idzodzo namaoko,

somunhu anofuhwa hura idzodzo

mubani reRefaimu.

6Hongu zvokufuhwa zvichasarawo zvirimo

sezvinongoitawo muti womuorivhi

kana wagumwa.

Maorivhi maviri kana matatu

anosara pabazi rokumusorosoro,

michero mina kana mishanu

pamapazi omuti womuchero.”

Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari weIsiraeri.

7Pazuva iroro vanhu vachave nehanya nomusiki wavo votarisa kune mururami weIsiraeri.

8Vanenge vasisina hanya neatari dzavakavaka namaoko avo vasisatarise kune zvinhu zvakaitwa neminwe yavo, zvingave maAshera kana atari dzorusenzi.

9Pazuva iroro maguta avo akasimba achaita samatongo avaHivhi naavaAmori avakatiza pamusana pavaIsiraeri, achava renje.

10Ndinodaro nokuti imi makakanganwa

Mwari ruponeso rwenyu

mukakanganwa dombo ramunopotera.

Naizvozvo kunyange mukadyara mbesa dzakanaka

kana kusima migirepisi yavamwari vokumwe

11kunyange mukadziitisa kuti dzikure

nezuva ramunodzidyara,

muchidziitisa kuti dzitumbuke

mangwanani ezuva ramunodzidyara

zvokudzikohwa zvichakunzvengai

ava mazuva enhamo

nokurwara kusingarapiki.

12Mai we-e, mutsindo wendudzi dzavanhu

vakawanda unotinhira

samaungira egungwa,

mai we-e kutinhira kwendudzi dzavanhu

vanoriridza sokutinhira kwemvura zhinji

13ndudzi dzavanhu dzinoriridza sokutinhira

kwemvura zhinji.

Vachadzitsiura dzigoti ware kutizira kure

sehundi inopupurutswa nemhepo mugomo

sechamupupuri chedutu remhepo

14kumanheru heyo hondo inotyisa,

mambakwedza hapasisina aripo

ndiwo mugove wavanotipamba

mugove wavanotitorera zvinhu zvedu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help