Nziyo 17 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Munamato waDhavhidhi.Munamato womunhu wakarurama

1TENZI teererai kuchemera ruenzaniso kwangu.

Rerekerai nzeve yenyu kumunamato wangu

unobva kumiromo isina unyengedzi.

2Kutongwa kwangu dai zvako kwangobva kwamuri;

maziso enyu aone zviri pachokwadi.

3Kana mukaedzawo zvenyu mwoyo wangu;

kana kuti mukandishanyira zvenyu usiku;

kana mukaedza kuona zvandiri

hamumboona uipi mandiri.

Handimbokanganisa nomuromo wangu.

4Asi pane zvinoita vanhu

maererano nezvamunotaura,

ndakanyenyeredza nzira dzavanoutsinye.

5Makumbo angu akaramba

akangoti munzira dzenyu tasa

tsoka dzangu hadzina kutsvedza.

6Ndinodanidzira kwamuri Mwari

nokuti munondipindura.

Rerekerai nzeve yenyu kwandiri

munzwe zvandinotaura.

7Ratidzai mwoyochena wenyu unoshamisa.

Imi mununuri wavanhu vanopotera mamuri,

vachitiza mhandu dzavo kurudyi rwenyu.

8Ndichengeteiwo semboni yeziso renyu

mundivanze mumumvuri wamapapiro enyu

9kuvaipi vanondirwisa,

vavengi vangu vanouraya vakandipoteredza.

10Zvokunzwa tsitsi havana;

vanotaura vachizvikudza nemiromo yavo.

11Vanondironda vachindikomba;

vakafatira kuona pavangandipunzire napo pasi.

12Vakaita seshumba yakagaririra

kubvambura

seshumba yechidiki yakavandira.

13Simukai TENZI muvarwise muvakurire.

Ndinunureiwo nebakatwa renyu kuvakaipa

14noruoko rwenyu TENZI

ndinunurei kuvanhu,

kuvanhu vano mugove wavo pasi pano

asi vazadzei dumbu

nezvamakavachengetera;

vana vavo vagutswewo

vave nezvimwe zvavanosiirawo vacheche vavo.

15Asi ini nokururama kwangu ndichakuonai

kana ndomuka ndofara ndichikuonai mutumbi wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help