2 Vatesaronika 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Pokupedzisira hama dzangu, tinamatireiwo kuti shoko raTenzi rirambe richingomhanya kuenda mberi uye kuti rikunde sezvarakaita pakati penyu

2uye kuti tinunurwe kuvanhu vakaipa vanyangadzi. Havasi vose vose vane chitendero,

3asi Tenzi akatendeka achakudzivirirai kumuipi.

4Isu tine chivimbo muna Tenzi kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatakati muite.

5Dai Tenzi angotungamirira mwoyo yenyu kurudo rwaMwari uye kuno kutirira kwaKristu.

6Zvino tinokuudzai hama muzita raTenzi Jesu Kristu kuti siyanai nehama inenge iri nyope isingatevedzi magamuchidzanwa amakagamuchira kwatiri.

7Imi munoziva wani kuti munofanira kutitevedzera zvakadii. Isu takanga tisingagari maoko patanga tiinemi.

8Hatina kudya chokudya chomunhu mahara, asi taishanda zvakaoma tichifondoka siku nesikati kuti tirege kuwana watinoremedza.

9Hazvirevi kuti isu hatina mvumo yokubatsirwa nemi asi kuti tikupei muenzaniso wokuti mutevedzere.

10Kunyange pataiva tiinemi takakuudzai kuti kana munhu asingadi kushanda ngaarege kudya.

11Nokuti tinonzwa kuti vamwe venyu vari kugara zvavo maoko; basa ravo riri rokunekaira chete pasina chavanoita.

12Zvino tinokomera vanhu vakadaro tichivakurudzira muna Tenzi Jesu Kristu kuti vaite basa ravo chinyararire vachizviwanira zvokurarama nazvo.

13Hama dzangu musanete mukuita zvakanaka.

14Kana pane anoramba kuteerera zvatiri kutaura mutsamba ino nyatsomuzivai murege kuva nechii chamunoita naye kuti anyare.

15Musamutore semhandu asi muyambirei sehama.

16Zvino Tenzi worugare pachake ngaakupei rugare nguva dzose nenzira dzakasiyana–siyana. Tenzi ngaave nemi mose.

17Ndini Pauro ndiri kunyora kwaziso iyi noruoko rwangu. Aya ndiwo masainiro andinoita tsamba dzangu dzose ndiwo manyorero andinoita.

18Tenzi Jesu Kristu ngaakupei mose chikomborero chenyasha dzake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help