Ezekieri 47 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rwizi runoyerera ruchibva muTemberi

1Akazodzokera neni kumusuo weTemberi, onei mvura ichibuda pazasi pomusuo weTemberi yakananga kumabvazuva (nokuti Temberi yakanga yakatarisa kumabvazuva.) Zvino mvura iyoyo yaiyerera pasi ichibva nechapazasi pamucheto pakadziva kumaodzanyemba kwomusuo weTemberi, nechokumaodzanyemba kweatari.

2Akazondiburitsa kunze nokuSuo Guru rokuchamhembe akatenderera neni kunze ikoko kuSuo Guru rokunze rakatarisa kumabvazuva. Mvura yaibuda kudivi rokumaodzanyemba.

3Akananga kumabvazuva aine tambo yokueresa mumaoko akabva aera panoita mazana mashanu amamita ndokubva afamba neni nomumvura imomo iyo yakanga ichinyudza zvokusvika muchiziso chegumbo.

4Akaerazve mamwe mazana mashanu emamita akafamba neni nomumvura imomo, iyo yakanga ichinyudza zvokusvika mumabvi. Akaerawo mamwe mamita mazana mashanu akabva ofamba neni nomumvura macho, yakanga zvino yosvika muchiuno.

5Akazoerazve mamwe mazana mashanu amamita, rwakanga rwatova rukova rwandakanga ndisisakwanise kuyambuka nokuti mvura yakanga yakwira. Yakanga yawanda zvokuti munhu aitogona kushambira mairi rwava rukova rusisayambukiki.

6Akazonditi, “Nhaiwe mwanakomana womunhu, waona here izvi?”

Akabva adzokera neni achitevedza mahombekombe orukova irworwo.

7Pandaidzoka kudaro, ndakaona kumativi erwizi rwacho miti yakawanda kwazvo uku nokuku.

8Akati kwandiri, “Mvura iyoyi inoyerera yakananga kuruwa rwamabvazuva ichidzika nokuArabha. Kana yapinda mugungwa inoita kuti mvura yacho inake.

9Kwose kunoyerera rwizi irworwo, zvipenyu zvose zvinoshambira zvichararama. Imomo muchava nehove dzakawanda nokuti mvura iyoyi inoenda imomo kundoita kuti mvura yegungwa inake. Ipapo zvinhu zvose zvichararama kwose kunosvika rwizi urwu.

10Varauri vehove vachamira pedyo negungwa iroro; kubvira kukasipiti kuEnigedhi kusvikira kukasipiti keEnigiraimu pachange pari nzvimbo yokutambanudzira mimbure, hove dzayo dziri dzemhando dzakasiyana kwazvo sehove dzokugungwa guru.

11Asi zvidzengerere zvarwo zvemvura namajakwi haazova mvura yakanaka zvichasiyiwa kuri kuitira munyu.

12Mumahombekombe kumativi erwizi rwacho ose ari maviri kuchamera miti yamarudzi ose yemichero. Mashizha ayo haazosvava kana michero yayo kukuva. Asi kutoti ichabereka michero mitsva mwedzi nomwedzi nokuti mvura yayo inoyerera ichibva muNzvimbo Inoera. Michero yayo ichava chokudya, mashizha ayo ari mushonga wokurapisa.”

Miganhu yenyika

13Zvanzi naTenzi Mwari, “Iyi ndiyo miganhu yamuchakamuranisa nayo nyika yenhaka pakati pamadzinza gumi namaviri eIsiraeri. RokwaJosefi richawana migove miviri.

14Munofanira kuikamuranisa zvakaenzana. Ndakatsidzira kuzoipa kumadzibaba enyu, zvino nyika iyoyi ichava mumaoko menyu senhaka yenyu.

15“Uyu ndomuganhu wenyika iyoyi kuchamhembe:

“Kutangira kugungwa guru zvichienda nokuHetironi

kusvikira pokunge tava kupinda

kuHamati nokuZedhadhi

16nokuBheratati nokuSibhuraimu

(iri pamuganhu pakati peDhamasikusi neHamati)

kusvikira kuHazerihatikoni iri pamuganhu wokuHaurani.

17Saka muganhu uchabva kugungwa

kudzamara kusvika kuHazerenoni iri kuchamhembe

kwemuganhu wokuDhamasikusi

nokumuganhu wokuHamati kuchamhembe.

Ikoku ndokuchave kudivi rokuchamhembe kwomuganhu.

18“Kudivi rokumabvazuva, muganhu wacho uchadimura

napakati peHaurani neDhamasikusi uchitevedza

rwizi rwaJorodhani pakati peGireadhi

nenyika yeIsiraeri kusvikira kuGungwa

roKumabvazuva kusvikira kuTamari.

Ndouchava muganhu wokumabvazuva iwoyu.

19“Kudivi rokumaodzanyemba, uchabvira kuTamari

kudzamara kumvura yokuMeribhakadheshi

wotevedza kaKova keIjipiti kusvikira

kuGungwa Guru.

Iwoyu ndomuganhu

wacho wokumaodzanyemba.

20“Kudivi rokumadokero, Gungwa Guru ndiro

richava muganhu wacho kusvikira pamwe

pakatarisana nokunge tava kusvika kuHamati.

Ndiro richava divi rokumadokero.

21“Ndokukamurirana kwamuchaita nyika iyoyi pakati penyu zvichienderanawo namadzinza eIsiraeri.

22Munofanira kuigova senhaka yenyu iyemi navatorwa vagere mamuri vakatoberekawo vana pakati penyu. Kwamuri imi vachange vakangoita savana vevhu vomuIsiraeri. Vanofanira kugoverwa pamwechete nemi mugove wenhaka pakati pemadzinza eIsiraeri.

23Mudzinza ripi zvaro munenge mugere mutorwa iyeyo ndimo maanopiwa nhaka yake.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help