1Shamwari iri yose inoti,
“Neniwo ndiri shamwari yako,”
asi dzimwe shamwari dzinongova shamwari dzezita bedzi.
2Handiti zvinochemedza sorufu here,
kuti sahwira wako kana kuti shamwari
yopinduka yova muvengi?
3Kamwoyo kekuda zvakaipa kakasikirwei chaizvo,
hezvo pasi pose zvapo pazere nounyengedzi?
4Dzimwe shamwari dzinongofara kana uri pakufara
asi kana zvinhu zvaipa, dzinokumukira.
5Dzimwewo shamwari dzinokubatsirira zvadzo sadza
asi, kana hondo yamuka dzinopakatawo zvombo zvokurwa.
6Usakanganwe shamwari chaiyo yechokwadi,
usamurase kana wazopfuma.
Kutsvaga zano7Mupi wose wezano anorumbidza mazano iwayo
asi vamwe vane zvavo zvavanenge vachida mazviri.
8Chenjerera munhu anokupa mazano
tanga wazvibvunza kuti chii chaanowana mazviri,
nokuti iye anodawo kuzvibatsira;
zvichida anoda kuti akuworore.
9Angati, “Nzira yako yakanaka,”
iye ongoti peukei zvake omirira kuona chingakuwire.
10Usakumbire mazano kumunhu anoratidza kusavimba newe;
vanza zvauri kune vane shanje newe.
11Rega kutsvaka mazano kumunhukadzi
nezvomunhu waari kukwikwidzana naye;
kana kumbwende nezvehondo;
rega kutsvaka kumutengesi mazano ezvemitengo,
kana kumutengi mazano ezvokutengesa.
Rega kutsvaka kumunhu ane rutsuta mazano ezvekutenda
kana kuna asina tsitsi nezvetsitsi.
Rega kutsvaka kunyope mazano ezvebasa;
kana vebasa rechamuka inyama nezvomugwazo.
Rega kutsvaka mazano kune akagara maoko nezvebasa guru;
usatongotsvaga zano kune vanhu vakaita saivava.
12Asi ramba wakati dzvemere nomunhu anotya Mwari,
waunoziva kuti anochengeta mitemo,
ano mwoyo wakaita sowako,
uye anochemana newe kana paine chawatadza.
13Vimbawo nezano rinobva mumwoyo mako,
hakuna munhu angatendeke kwauri kupinda iwo,
14nokuti hana yomunhu inofanomuchenjedza zviri nani
kupinda nharirire nomwe dziri pachirindo.
15Chinhu chikurukuru pana zvose izvi: kunamata kuna
Wokumusorosoro kuti akutungamirire
munzira yechokwadi.
Ungwaru chaihwo noungwaru pasina16Basa rose zvaro rinotanga rafungwa
hakuna chinoitwa chisina kutotanga chafungwa.
17Kusanduka–sanduka kwezvinhu kunobva mumwoyo,
kune zvinhu zvina zvinogona kuitika,
18zvinoti: zvakanaka kana kuti zvakaipa
rufu kana kuti upenyu,
chinotonga zvose izvozvi ipapa rurimi.
19Munhu angave shasha uye anodzidzisa vakawanda,
asi asina nechaanogona kuita
chokuzvibatsira iye pachake.
20Munhu angave shasha mukutaura,
asi achivengwa,
mugumo wake kuziya nenzara,
21nokuti Mwari anenge asina kumupa chipo ichocho
sezvo asina noungwaru hwose.
22Munhu angave mungwaru maari iye pachake
asi michero yokunzwisisa kwake iri mukutendeseka
kwezvinobva pamuromo pake.
23Mungwaru anodzidzisa vanhu vorudzi rwake,
zvibereko zvorunzwisiso rwake zvinotendeseka.
24Mungwaru anorumbidzwa zvikuru kwazvo
vose vanomuona vanomuti akakomborerwa zvake.
25Mazuva oupenyu hwomunhu anoverengeka,
asi mazuva aIsiraeri haaverengeki.
26Mune anenge ari mungwaru
vanhu vokwake vanovimba naye;
zita rake richaramba riripo narini wose.
Kudya nomwero27Mwanangu, ziva zvinopindirana nezvisingapindirani
noupenyu hwako hwose,
chaunoona kuti chinokukuvadza rega,
28nokuti hachisiri chinhu chose
chinopindirana nomunhu wose wose,
uye, haasiri munhu wose anonakirwa nechinhu chose chose.
29Usawane nechaunoti chinonaka
zvokuti unoramba uchingodutira kudya,
30nokuti kudyisa kunorwarisa
uye kudyira makaro kunorwadzisa munhumbu.
Mbayo, inorutsisa,
31vazhinji vakafa pamusana pamakaro
asi anodya nomwero anoita upenyu urefu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.