1Zvakatemwa nemi zvakakosha,
uye zvakaoma kuzvitsanangura
ndosaka mweya yavanhu
vasina kudzidziswa yakarasika gwara.
2Vanhu vasina murau pavaifunga kuti vaisa
rudzi rutsvene mumaoko mavo
ivo ndivo vakatozorara savasungwa,
murima vava vasungwa vousiku urefu
vakapfigirwa mudzimba dzavo vabviswa mukati maavo
vamunochengeta nokusingaperi.
3Vaifunga kuti zvitema zvavo zvakavandika
hazvichabudi pachena,
kana kungokanganwiwa mukati mezarima
rehanganwa,
vakaitwa rumwe rumwe vapindwa
nokutya kukuru kwazvo
nokudedereswa nezvavaiona
4nokuti kana imba yomukatikati zvayo
mavaiva haina kuvadzivirira kutya.
Vainzwawo ruzha runotyisa,
rwakavapoteredza
uye vaiona madzangaradzimu
aiva nouso hwakanyangara
hwakati kwirindindi.
5Hakuna moto waiva nesimba rokuvavhenekera
kana nyenyedzi yaipenya zvakadii zvazvo
yaigona kuvheneka usiku
ihwohwo hunotyisa.
6Hapana chaivheneka kusvika pavari
asi moto unotyisa waibaka woga.
Pamusana pokutya kwavo
vakafunga kuti zvinhu
zvavaiona zvakanga zvakaipa
zvavasati vamboona.
7Mashiripiti en'anga akakundikana;
unyanzvi hwoumbirimi hwavo
hwakakundwa zvinonyadzisa,
8nokuti ivo vacho vaizviti
isu tinogona kubvisa
kutya nokushungurudzwa mwoyo kwomurwere,
ndivo vakarwarwa nokutya kunonyadzisa.
9Kunyange kwakanga kusina chinotyisa chokuvavhundutsa,
asi tupukanana twaifambawo zvatwo,
nokushona kwenyoka, kwaivadederesa,
10vachitofa vachidedera, vasingadi kana kutarisa
mhepo chaiyo isina manzvengero,
11nokuti uipi pachahwo imbwende,
hana yaho inoipa mhosva uye inokudzakudza
mhosva pasina mhosva.
12Kutya hapana chakuri, kusiya kuti kukanda pasi
rubatsiro rwaunowana mukufunga,
13kana kutarisira rubatsiro
kuya kwomukati kwaneta–neta
unobva wanyanya kuremerwa
nokusaziva chikonzero
chezvinotambudza zvacho.
14Usiku hwuya hwakanga
husina nechaikwanisa kuitwa,
hwakanga huchibva munzvimbo yavakafa
isinawo nechinokwanisa kuitwamo,
vakaita murariro mumwechete;
15pamwe vaivhundutswa namadzangaradzimu aiuya kwavari,
pamwe vachimboti papata kuoma varasa mwoyo
nokuti vaingoerekana vanzi
dzvi nokutya kusingazivikanwi kwakwaibva.
16Ani naani ainge awira pasi,
aingoramba akapfigirwa mujere iroro
risina mazariro esimbi.
17Zvakanga zvisinei kuti aiva murimi
here kana kuti mufudzi,
kana musevenzi aibata basa kusina vanhu,
munhu wose akawirwa nechisingadziviki,
nokuti vose vakanga vakasungwa nomusungo
mumwechete werima.
18Ingava mhepo inoridza muridzo,
kana kuti tsviri–tsviri kweshiri
dzinorira dziri mumapazi emiti,
kana kupopoma kwemvura inoerera
19kana kungondomoka kwamatombo
anowa achibva pamawere,
kana kumhanya kusingaonekwi
kwemhuka dzinokwakuka–kwakuka,
kana kudzvova kwezvikara zvinorura,
kana maungira anodavirana mumikana,
izvi zvose zvaivatyisa
vachibva vati papata kuoma.
20Pasi pose pakanga pakati
ngwerevere kuchena nechiedza,
pasina chinombomisa basa.
21Asi vanhu ivavo voga ndivo vakanga
vakatibikirwa nousiku hwaivatsikirira,
waiva muenzaniso werima renzvimbo yavafi.
Asi mutoro, waivaremera kupinda rima, waiva ivo pachavo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.