Ungwaru 17 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

VaIjipiti navaIsiraeri, ruvheneko nerima

1Zvakatemwa nemi zvakakosha,

uye zvakaoma kuzvitsanangura

ndosaka mweya yavanhu

vasina kudzidziswa yakarasika gwara.

2Vanhu vasina murau pavaifunga kuti vaisa

rudzi rutsvene mumaoko mavo

ivo ndivo vakatozorara savasungwa,

murima vava vasungwa vousiku urefu

vakapfigirwa mudzimba dzavo vabviswa mukati maavo

vamunochengeta nokusingaperi.

3Vaifunga kuti zvitema zvavo zvakavandika

hazvichabudi pachena,

kana kungokanganwiwa mukati mezarima

rehanganwa,

vakaitwa rumwe rumwe vapindwa

nokutya kukuru kwazvo

nokudedereswa nezvavaiona

4nokuti kana imba yomukatikati zvayo

mavaiva haina kuvadzivirira kutya.

Vainzwawo ruzha runotyisa,

rwakavapoteredza

uye vaiona madzangaradzimu

aiva nouso hwakanyangara

hwakati kwirindindi.

5Hakuna moto waiva nesimba rokuvavhenekera

kana nyenyedzi yaipenya zvakadii zvazvo

yaigona kuvheneka usiku

ihwohwo hunotyisa.

6Hapana chaivheneka kusvika pavari

asi moto unotyisa waibaka woga.

Pamusana pokutya kwavo

vakafunga kuti zvinhu

zvavaiona zvakanga zvakaipa

zvavasati vamboona.

7Mashiripiti en'anga akakundikana;

unyanzvi hwoumbirimi hwavo

hwakakundwa zvinonyadzisa,

8nokuti ivo vacho vaizviti

isu tinogona kubvisa

kutya nokushungurudzwa mwoyo kwomurwere,

ndivo vakarwarwa nokutya kunonyadzisa.

9Kunyange kwakanga kusina chinotyisa chokuvavhundutsa,

asi tupukanana twaifambawo zvatwo,

nokushona kwenyoka, kwaivadederesa,

10vachitofa vachidedera, vasingadi kana kutarisa

mhepo chaiyo isina manzvengero,

11nokuti uipi pachahwo imbwende,

hana yaho inoipa mhosva uye inokudzakudza

mhosva pasina mhosva.

12Kutya hapana chakuri, kusiya kuti kukanda pasi

rubatsiro rwaunowana mukufunga,

13kana kutarisira rubatsiro

kuya kwomukati kwaneta–neta

unobva wanyanya kuremerwa

nokusaziva chikonzero

chezvinotambudza zvacho.

14Usiku hwuya hwakanga

husina nechaikwanisa kuitwa,

hwakanga huchibva munzvimbo yavakafa

isinawo nechinokwanisa kuitwamo,

vakaita murariro mumwechete;

15pamwe vaivhundutswa namadzangaradzimu aiuya kwavari,

pamwe vachimboti papata kuoma varasa mwoyo

nokuti vaingoerekana vanzi

dzvi nokutya kusingazivikanwi kwakwaibva.

16Ani naani ainge awira pasi,

aingoramba akapfigirwa mujere iroro

risina mazariro esimbi.

17Zvakanga zvisinei kuti aiva murimi

here kana kuti mufudzi,

kana musevenzi aibata basa kusina vanhu,

munhu wose akawirwa nechisingadziviki,

nokuti vose vakanga vakasungwa nomusungo

mumwechete werima.

18Ingava mhepo inoridza muridzo,

kana kuti tsviri–tsviri kweshiri

dzinorira dziri mumapazi emiti,

kana kupopoma kwemvura inoerera

19kana kungondomoka kwamatombo

anowa achibva pamawere,

kana kumhanya kusingaonekwi

kwemhuka dzinokwakuka–kwakuka,

kana kudzvova kwezvikara zvinorura,

kana maungira anodavirana mumikana,

izvi zvose zvaivatyisa

vachibva vati papata kuoma.

20Pasi pose pakanga pakati

ngwerevere kuchena nechiedza,

pasina chinombomisa basa.

21Asi vanhu ivavo voga ndivo vakanga

vakatibikirwa nousiku hwaivatsikirira,

waiva muenzaniso werima renzvimbo yavafi.

Asi mutoro, waivaremera kupinda rima, waiva ivo pachavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help