1TENZI ini handizvitutumadzi
zvokuvhaira handichavhaira.
Handiite mwoyo nezvinhu zvikurukuru
kana zvinonyanya kushamisira kwandiri.
2Ndakazvidzikamisa ndikazvitonhodza
somwana anoyamwa, ndozvandakaita
somwana anonyaradzwa ndozvandakaita.
3Iwe Isiraeri tarisira kuna TENZI
kubvira zvino kusvikira nokusingaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.