Sira 22 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Nyope

1Nyope yakaita sedombo rine tsvina,

munhu wose anoiridzira tsamwa kunyadzisa kwayo.

2Nyope yakafanana nendove,

anoibata anozunza ruoko.

Kunyadzisa kunoita vana

3Chinyadziso kuva baba vomwanakomana asina tsika,

asi kana ari mwanasikana unorasikirwa.

4Mwanasikana ano musoro, upfumi kumurume wake,

asi mwanasikana anonyadzisa, idambudzo kuna baba vake.

5Tsvuuramuromo yomwanasikana chinyadziso chababa

uye kumurume wake,

vose vari vaviri vanomushora.

6Kutsiudza nenguva isina kufanira kwakafanana

nomumhanzi parufu

asi shamhu nokudzora munhu ungwaru nguva dzose.

7Anodzidzisa benzi romunhu akaita somunhu

anonama hari yakaputsika

kana kuita somunhu anozunza munhu ari kuhope.

8Munhu anotaurira nyaya kubenzi

kutaurira munhu ari kutsomwaira nehope;

kana zvapera anotobvunza kuti, “Ko chiiko.”

Ungwaru noupenzi

9Anodzidzisa benzi akafanana

nomunhu anonamatidza hari yabeduka.

Kana kuita somunhu anomutsa munhu kuhope dzorufu.

10Munhu anorondedzera rungano kubenzi

ari kutaurira munhu ari kutsomwaira nehope.

Kana apedza kutaura iye anoti, “Wati kudii?”

11Chema mufi, nokuti adzimirwa nechiedza;

chema benzi nokuti harina njere.

Mufi mucheme zvishoma nokuti azorora,

asi upenyu hwebenzi hunokunda rufu.

12Kuchema mufi kunotora mazuva manomwe,

asi kuchema benzi neasiri munamati ndokwamazuva

ose oupenyu hwavo.

13Usataure zvizhinji nomunhu asinganzwisisi

kana kushanyira munhu asina maturo

chenjera naye ungadaro ukapinda nhamo.

Hauzozadzwa tsvina kana iye ozvizunza.

Ukamunyenyeredza uchawana zororo,

hauzotemeswa musoro noupenzi hwake.

14Chiiko chinorema kupfuura mutobvu?

Zita racho chinonzi chii,

handiti chinonzi, “Benzi?”

15Jecha nomunyu nesimbi

zviri nyore kutakura panokutakura benzi.

16Nhungo yakanyatsosungwa zvakasimba

haimbosununguki nokundengendeka kwapasi,

ndizvowo zvino mwoyo wakatsunga kuita zvakanyatsofungwa:

haumbotsigiduka kana zvinhu zvaipa.

17Mwoyo wakatsunga pane zvinhu zvakanyanyofungwa

wakafanana nechishongedzo

chesimende chakanamirwa kumadziro

akanyatsotsvenenzverwa.

18Mapango ari pamusoro porusvingo

haambopamira kana mhepo yovhuvhuta

ndozvinoita mwoyo unenge waitwa mbwende,

nepfungwa dzoupenzi

haumbokwanisi kurwisana nokutya kuri kose.

Ushamwari

19Anotosvora ziso anoriburitsisa misodzi;

asi anobaya mwoyo anoita kuti munhu

aratidze zviri mumwoyo make.

20Anopotsera shiri dombo, anodzibhururutsa,

ndizvowo zvino uyo anotuka shamwari,

ushamwari hunobva hwaparara.

21Kana ukabatirana mapanga neshamwari

usarase mwoyo nokuti nzira yokuvandudza

ushamwari hwenyu iripo.

22Kana dai ukapopotedzana neshamwari,

rega zvako kurasa mwoyo nokuti

kuwadzana kunokwanisa kuitika.

Asi kushora, kana kuitsvinyira,

kana kuparidzira

nyaya yayo yakavandika, kana kuiita chiuyaneseri,

izvi ndizvo zvinoita kuti shamwari iri yose ikutize.

23Ita kuti mumwe wako avimbe newe muurombo hwake

ugozofara naye, kana achinge azobudirirawo.

Mira naye munhamo dzake,

ugozowanawo mugove wako, kana achinge agara nhaka.

24Vhepa noutsi,

ndizvo zvinotanga kubuda

muvira, moto usati wabuda.

Ndizvozvowo panozodeurwa ropa,

kunotangiswa nokutukana.

25Handinyari kudzivirira shamwari yangu,

uye handimboinzvenga;

26asi kana ikasakisa kuti ndiwirwe nenhamo,

vanhu vose vanozviona vachaiti ngaizvionere.

Kugaririra

27Dai waro muromo wangu wangochengetedzwa zvawo,

uchenjeri hwabatawo muromo wangu

ndirege kuputsikira pasi

kuitira kuti rurimi rwangu rurege kundiparadza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help