1Mwanangu, kunyima murombo,
kumubira chaangararame nacho,
rega kunyemudza vari munhamo.
2Rega kushungurudza ane nzara,
kana kushatirisa munhu
anenge ari muushayi.
3Rega kupamhidzira nhamo dzaakashatirwa
usaverengere kupa chipo chako kumupemhi.
4Usafuratire murombo ari munhamo huru,
kana kupa gotsi kumurombo.
5Rega kunzvengesa maziso ako kumushayi
kana kukonzera munhu
kuti ati dai wangowanawo chinokuwana,
6nokuti kana mukusvotwa kudaro,
akati dai wangowana chinokuwana,
musiki wake anonzwa munamato wake.
7Ita kuti vesangano vakude.
Zvirereke kumukuru wacho.
8Rerekerawo nzeve yako kumurombo;
umupindure nemhinduro zvinomugadzanisa mwoyo
uye zvinyoronyoro.
9Nunura anenge atadzirwa,
kumunhu anenge amutadzira,
usatye kutonga mhosva zvine ruenzaniso.
10Iva sababa kune nherera,
panze pokuva murume waamai vavo
unobvawo waita somwana woWokumusorosoro
anozokuda norudo runopfuura rwamai vako.
Chidzidziso chinopiwa noungwaru11Ungwaru hunosimudzira vana vahwo,
uye hunobatsira vanoutsvaka.
12Anouda anodawo upenyu,
uye vanobvira rungwanani kuutsvaga
vachazadzwa norufaro.
13Anoubatisisa achava nembiri.
Imba yaunopinda
Tenzi anoikomborera.
14Vanoushandira vanoshandirawo iye Mutsvene;
uye vanohuda vanodiwawo naMwari.
15Uyo anouteerera anotonga marudzi;
anohuteerera kwauri anogara asina chaanotya.
16Kana munhu akazviisa mumaoko ahwo, anouwana,
uye zvizvarwa zvake zvichavawo nahwo
17nokuti pakutanga huchafamba naye
nomunzira yakaomarara;
huchaunza paari kutya uye kudedera,
hwomurwadzisa nokumupingudza kwahwo
kusvikira hwava kutendeseka naye,
hwamuedza nemirao yahwo.
18Hunozodzokazve hwakananga kwaari chaiko
hwomudurira zvakavandika zvahwo huchimufadza.
19Asi kana akatsauka, hunosiyanawo naye,
hwomurega achienda kwaanondoparadzwa.
Nyadzi uye kutya meso avanhu20Ziva nguva dzino zvadziri,
uzvichenjerere uipi
ungadaro ukazozvifumura.
21Kune kunyara kunosvitsa mukutadzira Mwari
kuripowo kunyara kunopa kuti
munhu arumbidzwe, aitirwe mwoyo wakanaka.
22Usafire kunyara,
kana kukundwa nenyadzi
izvo zvichizokupfukira.
23Usarege kutaura
kana uchifanira kuti utaure.
Rega kuvanza ungwaru hwako
24ungwaru hunoonekwa mukutaura
uye zvinobva pamuromo pomunhu
ndizvo zvinodzidzisa vanhu.
25Usapikisane nechokwadi
asi bvuma kusaziva kwako.
26Usanyare kureurura zvitadzo zvako
usaite mbavarira dzokumisa rwizi rwuzere.
27Rega kuzviisa mumaoko omunhu asina musoro,
kana kuita rusaruro rwokusimbira
kudivi romutongi.
28Rwira chokwadi kusvikira pakufa
Tenzi Mwari anozokurwirawo.
29Rega kuwanza kutaura pamuromo apa
asi iwe pabasa uri wokugara maoko chete.
30Rega kunge shumba mumba mako,
kana kuzvionesa kwazvo kuvashandi vako.
31Ruoko rwako rusangofarira kugamuchira,
asi kudzorera wova munhu akaomera.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.