Sira 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Mwanangu, kunyima murombo,

kumubira chaangararame nacho,

rega kunyemudza vari munhamo.

2Rega kushungurudza ane nzara,

kana kushatirisa munhu

anenge ari muushayi.

3Rega kupamhidzira nhamo dzaakashatirwa

usaverengere kupa chipo chako kumupemhi.

4Usafuratire murombo ari munhamo huru,

kana kupa gotsi kumurombo.

5Rega kunzvengesa maziso ako kumushayi

kana kukonzera munhu

kuti ati dai wangowanawo chinokuwana,

6nokuti kana mukusvotwa kudaro,

akati dai wangowana chinokuwana,

musiki wake anonzwa munamato wake.

7Ita kuti vesangano vakude.

Zvirereke kumukuru wacho.

8Rerekerawo nzeve yako kumurombo;

umupindure nemhinduro zvinomugadzanisa mwoyo

uye zvinyoronyoro.

9Nunura anenge atadzirwa,

kumunhu anenge amutadzira,

usatye kutonga mhosva zvine ruenzaniso.

10Iva sababa kune nherera,

panze pokuva murume waamai vavo

unobvawo waita somwana woWokumusorosoro

anozokuda norudo runopfuura rwamai vako.

Chidzidziso chinopiwa noungwaru

11Ungwaru hunosimudzira vana vahwo,

uye hunobatsira vanoutsvaka.

12Anouda anodawo upenyu,

uye vanobvira rungwanani kuutsvaga

vachazadzwa norufaro.

13Anoubatisisa achava nembiri.

Imba yaunopinda

Tenzi anoikomborera.

14Vanoushandira vanoshandirawo iye Mutsvene;

uye vanohuda vanodiwawo naMwari.

15Uyo anouteerera anotonga marudzi;

anohuteerera kwauri anogara asina chaanotya.

16Kana munhu akazviisa mumaoko ahwo, anouwana,

uye zvizvarwa zvake zvichavawo nahwo

17nokuti pakutanga huchafamba naye

nomunzira yakaomarara;

huchaunza paari kutya uye kudedera,

hwomurwadzisa nokumupingudza kwahwo

kusvikira hwava kutendeseka naye,

hwamuedza nemirao yahwo.

18Hunozodzokazve hwakananga kwaari chaiko

hwomudurira zvakavandika zvahwo huchimufadza.

19Asi kana akatsauka, hunosiyanawo naye,

hwomurega achienda kwaanondoparadzwa.

Nyadzi uye kutya meso avanhu

20Ziva nguva dzino zvadziri,

uzvichenjerere uipi

ungadaro ukazozvifumura.

21Kune kunyara kunosvitsa mukutadzira Mwari

kuripowo kunyara kunopa kuti

munhu arumbidzwe, aitirwe mwoyo wakanaka.

22Usafire kunyara,

kana kukundwa nenyadzi

izvo zvichizokupfukira.

23Usarege kutaura

kana uchifanira kuti utaure.

Rega kuvanza ungwaru hwako

24ungwaru hunoonekwa mukutaura

uye zvinobva pamuromo pomunhu

ndizvo zvinodzidzisa vanhu.

25Usapikisane nechokwadi

asi bvuma kusaziva kwako.

26Usanyare kureurura zvitadzo zvako

usaite mbavarira dzokumisa rwizi rwuzere.

27Rega kuzviisa mumaoko omunhu asina musoro,

kana kuita rusaruro rwokusimbira

kudivi romutongi.

28Rwira chokwadi kusvikira pakufa

Tenzi Mwari anozokurwirawo.

29Rega kuwanza kutaura pamuromo apa

asi iwe pabasa uri wokugara maoko chete.

30Rega kunge shumba mumba mako,

kana kuzvionesa kwazvo kuvashandi vako.

31Ruoko rwako rusangofarira kugamuchira,

asi kudzorera wova munhu akaomera.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help