Sira 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwoyo wokudada noupfumi

1Rega kubva waisa mwoyo paupfumi

kana kuzviti ndine zvakakwana ini.

2Usatevedze zvomusoro wako

kana kufuririka nesimba rako

uchitevedza zvako zvinodiwa nomwoyo wako.

3Rega kuti, “Handina anonditonga,”

nokuti Mwari anototi akurange chete.

4Usati, “Zvandakatadzira Mwari ndakagoitwei

nokuti Mwari ane mwoyo murefu?”

5Rega kubva wava nechokwadi

chokuzowadzana naMwari zvokuti

unovirika zvitadzo pamusoro pezvimwe.

6Usati, “Tsitsi dzake dzakawanda

achandiregererawo zvitadzo zvangu,

nomuwandiro wazvo iwoyo,”

nokuti tsitsi nehasha zvose anazvo,

asi hasha dzake dzinowira vatadzi.

7Usanonoke kupindukira kuna Mwari,

uchiita mberengera zuva nezuva,

nokuti hasha dzaMwari ndedzechibvuribvuri,

uye, nezuva rokurangwa kwako uchatsakatika.

8Usavimbe noupfumi

hwokuwana nounyengedzi

haukubatsiri nomusi wenhamo.

Kupotsa muromo pakutaura

9Rega kuurutsa nemhepo yose yose

kana kungotevera nzira yose yose

huyakose yomutadzi ndiyo inodaro.

10Rambirira nezvaune chokwadi nazvo

chaunotaura chirambe chiri ichocho.

11Iva anokurumidza kunzwa,

asi upindure wafunga.

12Kana uine ruzivo nechinhu,

pindurawo mumwe wako,

asi kana usina chaunoziva, bata muromo.

13Mbiri nokushorwa

zvinobva mukutaura

chinoparadza munhu rurimi rwake.

14Rega kuti unzi munhu wamakuhwa,

kana kuhwandira vamwe norurimi rwako

nokuti mbavha mhedziso yayo kunyadziswa

ndizvowo zvino murevi wamakuhwa,

huyakose inowana chirango chinosiririsa.

15Muzvinhu zviduku kana zvikuru

nzvenga kukanganisa

usave mhandu panze pokuva shamwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help