Titosi 3 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mugariro kwawo wavakristu

1Yeuchidza vanhu ivavo kuti vazviise pasi pavatongi navabati venyika kuti vave vanhu vanoteerera uye kuti vave vakagadzirira kuita basa ripi neripi zvaro rakanaka;

2vasingatauri zvakaipa zvaani nani zvake, vanzvenge kupopotana navanhu; vave vanhu vakanyorova uye varatidze rukudzo rwakaperera kuna vanhu vose.

3Nokuti iyesuwo pachedu, takambenge takazungaira, tiri vanhu vasingateereri vakatetereka tiri varanda vehavi vanamafaro akasiyana–siyana tichipedzera mazuva edu muuipi neshanje tichivengwa navanhu uye isu tichivengana.

4Asi pakazoratidzwa mutsa norudo rwaMwari Mununuri wedu

5akatinunura kwete nezvatakaita isu muururami asi pamusana pengoni dzake nokushambidzwa kokuzvarwa patsva

6nokuvandudzwa naMweya Mutsvene waakawodzworera matiri nokuna Jesu Kristu Mununuri wedu

7kuti tiruramiswe nenyasha dzake tichiva vagari venhaka nechitarisiro choupenyu husingaperi.

8Izvi ndezvechokwadi.

Ndinoda kuti iwe usimbisise zvinhu izvi, kuti avo vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira kumabasa akanaka. Izvi zvakanakisa kwazvo uye zvinobatsira vanhu.

9Asi iwe nzvenga nharo dzoupenzi dzezvemirongorongo yamazita amadzinza nokusawirirana nokuitirana nharo nezvomutemo nokuti hazvina chimuko kana maturo.

10Munhu anoparadzanisa vanhu ukamutsiura kamwechete kana kaviri, chirega kuva nechii zvacho chokuita naye.

11Zvinobva zvakuzivisa kuti munhu akadaro ahedhuka uye mutadzi akatozvipa mhosva.

Mashoko okuoneka

12Kana ndatumira Aritemasi kana kuti Tikikusi kwauri, edza nokwaunogona nako kose kuuya kwandiri kuNikoporisi; nokuti ndafunga zvokundopedza mwaka wechando ikoko.

13Edza nokwaunogona kubatsira gweta, Zenasi naAporosi parwendo rwavo kuti varege kuva nechavanoshaya.

14Vanhu veduwo ngavadzidze kuzvipira mumabasa akanaka kuti vabatsire pazvinhu zvinenge zvichifanira kuti zviitwe, kwete kungogara maoko.

15Vose vandinavo vanokukwazisa. Ndikwazisirewo vaya vanotida muchitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help